Maguwerere ehudavadi akandibaya mwoyo mugore ra2014

Mutungamiri weNdau Arts Festival Phillip Kusasa, 2014

Tsika namagariro mugachikidzanwa.
Vaparuri vengoma yemadanda vachikwenya zvavo paguwerere reNdau Arts Festival 2014
Vadavadi vechidiki kubva kuGaza Primary School vachitama Jerusarema Mbende paguwererere reNau Arts Festival 2014.
Mumwe wemufanikiso waChioniso Maraire wairatidzirwa muWomen Musium inowanikwa paPaiyavapo Arts Centre  pandaro reguwerere reNdau Arts Festival. Guwerere ra2014.
Mwaka unouya chiregai kushaya chekuridzisa mimhanzi yenyu nekuti izvi ndizvo zvinenge zviri kutaurwa naVictor Kunonga achitambidza vana veMurewa High nemudzidzisi wavo mbira gumi dzavainge vavatsvagira.
Vanobata mishando yavo havangafi nenzara, Special Schools Arts Festival 2014.
Mudavadi anotara mifananidzo negumbo. Hunyanzvi hwaibudiswa pachena. Special School Arts Festival 2014. Kubvisa zvipo mumabasa ekupemha mumugwagwa.

Vadavadi vechidiki vaviri ava vachikwenya zvavo gitare. Special Schools Arts Festival 2014muHarare Gardens.

Ndakafamba kumaguwerere ehudavadi akawanda mugore ra2014. Zvakadaro pane maguwerere maviri akanyatsobaya mwoyo wangu mugore iri. Maguwerere aya ndeanoti reSpecial School Arts Festival iro rakatanga mugore ra2012 richiparurirrwa pachikoro chest Giles Primary school muguta reHarare richitungamirirwa naTrust Mutekwa anova mudzidzisi pachikoro chimwe chetecho uye achizivikanwa nezita reudavadi rekuti Ticha Muzavazi. Iri guwerere rinounganidza vadavadi vaya vane hurema hwakasiyana-siyana. Ndakabayiwa mwoyo ndichiona vasikana vasina maoko vachitara mifananidzo namakumbo uye vaimbi vasinganyatoona vachidzana pamwe neavo vanoshandisa mawiricheya vachitamba musi uyu. Pane wekuChipinge kwaChikore wakava mutambo wakaratidza kubatana kwevanhu venharaunda yechipinge mukudzoreredza tsika namagariro avo.

Kana zvanakidza kudai hatingazvisiyi pano paSpecial Schools Arts Festival 2014
 
Vakomana vepaSt Giles vachitamba kumimhanzi yairidzwa musi weguwerere reSpecial Schools Arts Festival 2015. Kunge vaiti nhasi ndezveduwo.
Kana vakuru vanoremekedzwa vakanakidzwa nazvo.

Vadavadi vanoimba nekudzana vachiedzawo unyanzvi hwavo pazviridzwa paguwerere reSpecial Schools Arts Festival ya2014.

Comments

Popular Posts