Haisiyo yandasumukira


Kuti ndiimbe kambo kaya kepahupwere
Dudu muduri, katswe
Dudu muduri, katswe
Dudu muduri, katswe
Ndichidoma mazita
Evose vaya vanoita mba-a ndinyire, mba-a ndinyire, mba-a ndinyire
Vachisiya ruzhinji matumbu akati kasva
Nhamo iri yekushuvira musuva nemvura

Haiisiyo zvayo yandavinga pano
Ipo pano pamakatarira nemeso azere havi
Kuda kundinzwa ndichivamba kaya kambo
Dodo zengera uyo ndiyani
Dodo zengera uyo ndiyani
Dodo zengera uyo ndiyani
Ndichidoma ose ayo mazita
Evaye vekuzvikumbira nekuzviunganidzira
Mazazanana amazakwatira
Nhamo yosarira pakuona hwangu hurombo pamberi pavo

Handiyo yandavinga iyoyo
Yandavinga pano kuda kubvisa zvinosemesa mumusha ndichiisa kudurunhuru
Kungura hama dzazvipunjira ndichisiya dzachena kuti mbembe semwedzi wagara
Mhedzisiro igova tose tichiimba
Apa, pakasungwa neruwaya
Apa pakasungwa neruwaya
Apa pakasungwa neruwaya
Kwete zinyekenyeke
Kwete zinyekenyeke
Kwete zinyekenyeke

Comments

Popular Posts