Mupfudzi wemombe 2



Muhacha/Muchakata

Mufananidzo naTinashe Muchuri
Uyu muti une zvizhinji nehukama huri pakati pevanhu vamuZimbabwe. Vanhu verudzi rwechiShona ndiko kwavaienda vachindokumbira kudya kuna Musiki kana nzara yabaya vachipiwa. Zvepasi pemuhacha zvaisatakurirwa vamwe kumba. Zvaiva zvekudya munhu uchisiya zvirimo. Muhacha iwo pachawo unobereka hacha kana kuti chakata idzo dzinofarirwa nemudzi nembongoro zvakanyanya. Hacha dzinodyiwa navamwe asi vamwe vanodzisema vachiti dzinonhuwa. Hacha dzinoikiswa hwahwa navamwe vanhu pamwe nekubikiswa mahanya kana kwaita nzara. Pasi pomuhacha ndipowo panoenda vamwe verudzi rwechiShona kundopira midzimu yavo vachikumbira kubudiswa mumadzudzo akasiya-siyana. Kwenyu munoshandisa muhacha kuita mabasa api?

Ruware


Mufananidzo naTinashe Muchuri
Iri idombo rakapamhamha rinowanikwa kumakomo nepazvikomo. Ruware rune ukama hwakawanda uye hwakakura nemunhu wechiShona. Ruware ndirwoka runonanikirwa zviyo, mhunga, mapfunde pamwe nemupunga usati wapurwa zviya kuti uzowana kupurwa tsanga dzichibva pamwonzora nyore. Zvino kana zvirimwa izvi zvaoma zvaipyurirwa paruware. Vaya vane mombe zhinji vaidziunza dzotsikatsika kusvika zviyo zvaota, tsanga, makoto nehundi chimwe nechimwe chamira choga. Izvi zvaisangoitwa nemunhu umwe. Kwaidaidzwa vanhu vaizobatsira kutsikisa zvirimwa izvi. Gungano racho ndiro rainzi Jakwara. Vaya vaisava nemombe zhinji vaidaidza vanhu vouya nemazishamhu okuzomhura zvirimwa izvi ayo aidaidzwa kuti mipuro kana kuti mhuro. Pakupura ipapa ndipowo painemeranwa zvichiperera paJakwara. Pakunemerana ndipowo paitsiurwa vasina hunhu mumana.
 Tisakanganwa kuti paruware ndipowo panowanikwa makuvi/zviturivadzimu. Makuvi ndiwoka aya aishandiswa kunyika mumera wedoro remutoro/mukwerera. Zvaiti kana mvura yaramba kunaya vanhu vaienda nezviyo kundonyika kumakuvi. Kunyange kusina mvura vanhu vechiShona vaiva nekutenda kuti mumera wavo vakausiya paguvi pasina mvura Musiki achanaisa mvura inoita kuti mumera iwoyo umere. Kutenda kwavo kwaizadziswa apo zviyo zvavo zvaizonaiwa uye guvi richibva rachengeta mvura yaizoita kuti zviyo zvavo zvimere kuva mamera.
Kwenyu ruware rwaishanda basa reiwo?     

Comments

Popular Posts