Uchatya mupepeti wemabhuku kusvika rinhi nhai munyori mutsva?

Panosangana vanyori vatsva nyaya inonyanya kutsviriridza ndeyekuti zvinyorwa zvavo zvakadziviririka zvakadii. Vamwe ndivo vanonyatsobuda pachena kuti havagoni kupa vanyori vakabudirira muzvinyorwa zvavo kare nokuti vanozovabira. Vamwewo ndivo vanenge vachishora zvinyorwa zvavakaverenga navanyori vazvo vachiti ivo ndivo vane yese (kutaura kwamazuvano). zvino mubvunzo wangu ndewekuti, uchatya mupepeti wemabhuku kusvika rinni?
Ndakatohwawo vamwe vachiti handingapi vanyori vakabudirira kare zvinyorwa zvangu kuti vaoongorore nokuti ndikadaro ndinenge ndasakisa kubirwa pfungwa dzangu. vapepeti nevaongorori vezvinyorwa zvenhetembo, nyaya pfupi nenganonyorwa vanogara vakapomerwa mhosva yekuti vanobira avo vanyori vaysva pfungwa dzavo. Pane vamwe vakatombodomwa namazita asi chinozoshamisa hacho ndechekuti vapomedzeri vemhosva ava havana kana zuva rimwe ravakamira mudare remhosva vachinanga avo vavanopera mhosva yekuvabira pfungwa dzavo. Kana chiri chokwadi vanoregerei kuenda navo kudare?
Chimwe chinoshamisa ndechekuti izvozvo vanyori vatsva ava vachipomera vanyori vakaburira kare mhosva yekuba, chipo chavo chekunyora vanenge vachichiviga pasi pemubhedha. Hanzi ndikazvibudisa zvichabiwa. Vamwe ndivo vanoti kana kuendesa kune avo vanodhindisa mabhuku nokuti vanozotora pfungwa dzacho vakadzipa kune vanyori vane mukurumbira kare kuti vadzishandise. chikonzero chinonzi zvinonetsa kutengesa munyori mutsva.
Ini pano handisi kudzivirira vanyori vakabudirira kare kana vadhindisi vamabhuku. Ini ndiri kushungurudzwa neavo vanogarira zvipo zvavo nokutya kubirwa. Takabvako kumhunga hakuna ipwa. Taimboderowo asi takazoona kuti inga chipo chototsvuka chin'ai chirimo kusina kwachinosvika. Mashoko andinawo zvootochembera asati asvika kuvanhu vandakanangazve! Ndiko kutozopembenuka, kwakutanga kumwaya mashoko kuvabuditsi vamabhuku. Dzokutanga dzakatambirwa dzakabva dzapinda mumuunganidzwa webhuku rakabva rasarudzwa kudzidzwa navana vanoita zvidzidzo zveA' level. Dzimwe dzakapinda mune rimwezve rakasarudzwazve kuva bhuku rinoshandiswa nevadzidzi vezvidzidzo zvimwechetezvo. Zvimwe ndikazvimwaya pasi rose mumagwaronhau zvichibudiswa ikoko mhiri kwemakungwa. Nhasi uno, zvinyorwa zvangu zvava kuzivikanwa ndava kutozivikanwa nokuti ndakazoziva kuti kuchengeta zvinyorwa pasi pomutsago hakuna rubatsiro. Ndiko kunonzi kunyima nyika mashoko ebudiriro.
Vanobudirira ndivo vaya vane chivindi. Ukatya hauna kwaunosvika nechipo chako. Munyori mutsva, chengeta hako zvinyorwa zvako asi ndiko kutopera kwako ikoko. Munyori akakwangwara ndiye anotsvaka munyori mumwe chete kana vaviri zvavo vakabudirira kare avo vaanopota achipangwa mazano navo. ko dzinonanzvana dzakanunuzve nhai mwachewe. Ukatamba navamwe vanyori zvako zvinofamba. Kune masangano avanyori akati bayai vanhu. Kune Zimbabwe Writers Association, Zimbabwe Writers Union, Zimbabwe WomenWriters, Writers International Network Zimbabwe neZimbabwe Academic, Non-Fiction Writers Association nemamwewo. Ukava nhengo yerimwe kana mamwe emapoka iwaya uchaona kuti hauna kutambisa nguva yako munyori munyori mutsva. Izvo zvose zvaunotya uchaona kuti hazvotyisi. Kana chivindi chokuti mashoko ako asvike kuvanhu chinobva chavandudzwa. Usaviga chipo pasi pomutsago. Chisvitse kuvaridzi vacho. Varidzi vacho ndivo vaverengi. Usatambisa chipo nokutya. Buda mumatemhe akakukomberedza vanhu vakuzive. 

Comments

Popular Posts