Baba pachikare



Ndivo musoro wemba, asi havasivo musha nokuti musha mukadzi. Baba ndivo vaienda musango kundoshava. Kana vashava vaidzoka nezviwanikwa kumba kumhuri. Mhuri yaifara. Mai vaionekwa vachipembedza baba nokuridza mupururu nokudetemba mutupo wemurume wavo. Vaizviita zvichibva pasi pomoyo wavo uzere nomufaro. Vaiti vadai kana baivo baba vaibva vapiwa manyawi okudzokerazve musango kundoshavira mhuri.
Baba vaiti zviya kana vabata mhuka musango kana chipi zvacho chiwanikwa, vaisachiviga munhava yavo. Vaitambidza zvose zvaiwana kuna mai. Mai ndivo vaizovazhira vana pamwe naivo baba vakazvishava. Hapana chaigara muhomwe yababa. Baba vaisava nedura ravo.  Zvose zvavaiwana zvaipiwa kumudzimai wavo aiva ndiye muchengeti wedura.
Baba pachikare vaiva vazere nerudo. Kana vari baba vanogona kuvhima chaizvo vaisaita kuti mudzimai wavo apinde mumunda nokuti zuva raizomuchembedza vakasazoona runako rwake. Basa rababa raiva rokutsvaka vashandi vaizovashandira mumunda. Vashandi ava ndivo vairima, kukavira, kusakura nokukohwa. Hazvirevi hazvo kuti mudzimai aisazopinda mumunda zvachose, asi aisapindira zvokuti musana uvhunike nebasa. Basa ramai raiva rokupa baba rudo pamwe nekukudza rudzi nekuitira murume wavo vana.
Hapanawo apo waizonzwa zvichinzi baba vaviga nyama kuti mai vasaone. Mai vaitoziva nemirandu yaifanirwa kurandurwa kuhama neshamwari. Saka baba chavo chaiva kushanda vachishandira mhuri. Vanhu vaiuya vainzi vaone mai. Baba vaitaurirana namai pane zvose zvinenge zvavawira. Vaisaita mazvake mazvake. Vaikanya varangana. Mheremhere yaisazonyanya kuvako nokuti baba vaisaita mafunga mafunga.
Baba pachakare vaiva mudiwa wemhuri. Vaisava gudo rinoshwaturira vana mhamhe. Vaiti vakada mudzimai wavo vomuudza kuti vamuda zvechokwadi. Mwoyo wavo waibva wamera pamwoyo wake. Baba pachikare vaidzivirira mhuri yavo kubva kuzvikara. Vaiti vakaona zviya zvikara zvauya vaibva vazvirwisa. Vaipikira kufa ivo pane kuti mudzimai nevana vavo vadyiwe nezvikara ivo vachisara. Vairwisa kunyange muvengi kusvika vabuda ura. Ndikoka saka kwakkazova nechirevo chinoti, ‘Kufa kwemurume hubuda ura.’
Baba pachikare vaidadisa kunyange kuvana vavo. Wainzwa vana vachiti, ‘ndondokurevera kuna baba vangu.’ Kureva kuti hakuna mwana aishora baba vake. Babavo pachikare vaisashoresa. Vaiita kuti vana vavade nokuti vaiva muriritiri wechokwadi. Vaivakira mhuri yavo musha unoyevedza. Vaigara nemhuri yavo. Vaisagara nguva zhinji vasipo. Vaifara nemhuri yavo panguva yavanenge vari pamwe nemhuri. Vaigara vachidzidzisa mhuri nezvemadzinza pamwe nokuipanga mazano ohupenyu.
Baba pachikare vaichengetedza vanasikana vavo zvakanyanya nokuti ndivo vaizoita kuti vazadze matanga nepfuma. Mwanasikana yaiva ndarama yababa vake. Izvi ndizvo zviita kuti baba vasarega ndarama yavo ichitambiswa nezvikwereveshe zvavakomana. Vaichengera mwanasikana wavo kuti awane murume akamufanira asingazomushushi kana kumuuraya nenzara. Vaifara chose kana mwanasikana wavo akaroorwa nomurume anonzwisisa. Izvi zvaivapa manyawi namanyukunyuku. Hazvaiita kuti baba vabhinye vanasikana vavo. Aiva makunakuna aisakisa kudzingwa mudunhu uye kushaisa kudomwa kuva mutungamiri wedunhu kana humambo. Hakuna aisada kuva mutungamiriri wedzinza rekwake kana chinhanho chake chasvika. Izvi zvaipa kuti vanababa varemekedza vanasikana vavo zvikuru.

Comments

Popular Posts