Moyo wake mwanasikana

mateya amunoreva handioni
kana mahobi amunonan'anidza
ndiri kuona moyo wake mwanasikana
wakagukuchira rudo
mwoyo wake mwanasikana
uzere mutsa
mwoyo wake mwanasika
wakatakura unyoro
mwoyo wake mwanasikana
wakaguta noushingi
mwoyo wake mwanasikana
ndiwo wandinoona
kwete utema hwake hwamunotsoropodza
kana matindindi amunonongedza pachake chipfuva
ndinoona mwoyo wake mwanasikana
usingatakuri tsono guhwa kana mbengo
mwoyo wake mwanasikana
usingafundiri wamutadzira
mwoyo wake mwanasikana
usina daka nanhingi
mwoyo wake mwanasikana
usingakwkwidzani neuyo asi unoshingirira pakuita zvakanaka
ndiwo wandinoda mwoyo wake
mwoyo wake mwanasikana
ndiwo wandinoda

(c) Tinashe Muchuri 2013

Comments

Popular Posts