Iwe ndiniwe

ukagoigovodera mipimbirayo
netsvimbo izere neukomba
uchindishonyomora namavi
vavakidzani vakateya nzeve nemeso
zvichiita kunge wagarwa neshave
izvo kusaziva kwako ini ndiniwe
pawaisumudza ikati pandiri gadza
nepauri mashoko evavakidzaniwo gadza
kana zviya zvawati nhaura pamutsipa tibvu
navowo mavi pauri tika
ini ndiwezve nhaiwe
zvatakatsidza wakanganwasu nhai
zvawakati iwe ndiniwe
ini ndikadaira zviya ndichiti iwe ndiniwe
zvino tsvimboyo yowondigovodera uripondora aniko
chimira zvachangova marengenya mumana
nepwere hedzo dzokunongedza pawadarika
hero hero hero dzoshevedzera iwe uchifamba
kunge zviya unotanda otso izvo ndihwo ufuza
kupata kurasha shoko roukumba iwe ndiniwe
hazvisandurwi nebonda mwachewe
zvinongoda iwo mashoko
ini ndaramba kuvawe
ini ndidairewo neniwo ndaramba kuvawe
zvose zvigova muchechetere pakuparadzana
nekwaunoenda vagokutambira namaviri mukugona

Comments

Popular Posts