Chakachaya kuHIFA Spoken Word Hivos Poetry Cafe

Ndiriko zvangu ndichiita mashura nezviratidzo
kutaura zvekwedu chaizvo hamawe
izvo zvinosekesa, kuvaraidza nokutapira
ndisingatyi kana kuvhunduka
musatyawo kuombera, kupururudza kana kuridza miridzo
kana ndoita zvekwedu
izvo zvisinganyadzisi kana naambuya
vanotiuridza mupururu chaiiwoiwo
vachishedzera wangu mwana akagona
kusarudza murume anodavadika

Comments

Popular Posts