Bvunzo dzeShona dzakaoma here?

Ndinovimba vana vechikoro vazhinji vanoti bvunzo dzeShona dzakaoma ndiko saka vazhinji vavo vachisarudza kuita chirumbi pane Shona. Vamwe vana vanoti havadi zvavo zvokuverenga mabhuku akawanda enganonyorwa ayo vanozonzi vasarudze maviri ekupindura pabvunzo dzerugwaro rweO' Level. Kana vari seavo vari murugwaro rweA'Level vanoti zvakatooma kunyanya kuita Shona nokuti mabhuku acho anenga awandisa kudarika epaO'Level. Zvinonzi chirumbi chingopri nemapepa ebvunzo maviri asi kana iri Shona ine matatu ayo anoda kuti munhu ave akaverenga mabhuku anenge achibvunzwa mubvunzo idzi. Zvino izvi ndizvo zvinonzi nevana zvinogozha.

Kureva kuti kuverengwa kwemabhuku emutauro weShona kunobva kwadzikira pasi nokuti vana vanovenga Shona vasati vairavira. Kuvenga Shona vasati vaitanga. Zvikatevedzwa zvinonzi kana pazvikoro pavo vanotonzi havafanire kutaura Shona asi chirumbi chete. Zvakare Shona inonzi hainawo kana pamwe zvapo painodiwa munyaya dzemabasa. Kashoma chaizvo kwaunonzwa munhu achinzi anofanira kuva mutauri weShona kana kuti anofanira kuva neShona pachitupa chake chedzidzo. Izvi zvimwe zvinoitawo kuti vana vavenge kuverenga pamwe nekunyora Shona.

Kana mudzisvondo dzatopinda unoonawo muparidzi achiparidzira vanhu vanotaura Shona neChirumbi sokunonzi havanzwi Shona yacho. Vezvematongorwe enyika unoonawo vachitaura navavanofunga kuti vatsigiri vavo avo vavanenge vaunganidza neChirumbi sekunonzi havanzwi mutauro weShona. Vanoita zvirongwa zvebudiriro mumaruwa unoonawo vachiendesa mapepa akanyorwa neChirumbi kuv anhu sokunonzi vanhu ivavo vose vanonzwisisa Chirumbi.

Ndichinyora kudai ndakapindura magwaro maviri kubva muchirumbi ndichiisa kuShona mushure mokunge mai vangu, vanova ivo mai vomudzimai wangu vainge vapiwa bepa rekutanga neboka rinoona nezvekupfuyiwa kwenguruve apo ivo nevamwe vavo vainge vachida kupinda muchirongwa chekupfuya nguruve. Boka rinoonekwa nezvekupfuya nguruve iri harina kuita hanya nokuti vanhu varirikundopa magwaro aro vanzwisisa here nezvechirongwa chacho kana kwete. Nokuda kwekuti mai vangu vaiziva havo kuti vane mwana unodada nomutauro wavo vakauya kwandiri kuti ndivabatsire nokuisa bepa riya mururimi rweShona.

Bepa repiri raiva iro rainge ragadzirwa nomuparidzi wekusvonda kwavo. Muparidzi wesvondo yavo ainge agadzira bepa rakanaka chose muchirungu ndokukanganwa kuti ane vatenderi vamwe vasinganzwisisi mharidzo yake iri muChirumbi. Mai vangu vakauya zvakare kuti mwanangu ndibatsire kuti ndinzwisise bepa ramufundisi iri. Ndakangoti ndiri ndega ndikati mufundisi muchasiya vazhinji vasina kunzwa mharidzo yenyu, zvinopa kuti musazova mupfudzi wakanaka wehwai dzababa.

Ndakazoti zvangu ndatarira mhere yevana iyi ndokuona kuti vakuru ndivo vatanga. Zvino iyi yokuti mapepa akawandisa uye basa rakawandisa, ndinovimba kuti dai vana vachichema kuti Shona kana Ndebele ngazvipatsanurwe zviite kungewo Chirumbi. KuChirumbi kune zvidzidzo zviviri, zvinoti English Language uye English Literature, nokudaro zviviri izvi mwana anosarudza kuita chimwe chazvo kana kuita zvose zvazvo kana achida. Chinotadzisawo kuti Shona kana Ndebele zvipatsanurwe kuita zvidzidzo zviviri chii? Poitawoka mutauro wega uyewo uvaranomwe hwega. Pakadii apa kune vanoronga nokuongorora zvidzidzo zvevana? Kwandiri semunhu anotapirirwa nemutauro wangu ndinoona sechinhu chakanaka. Zvichida zvinoita kuti vana vadewo kudzidza zvidzidzo izvi. Chimwe chacho ndechokuti vana ava kazhinji kana vapedza zvikoro vavakuzoinda kundoita mabasa avo vanozoomerwa nokuti apo vairega kuvenga Shona nokuidzidza vaitorasikirwawo noruzivo rwetsika namagariro avanhu zvokuti kunyange vachizondoita zvirongwa zvamabasa ebudiriro kumisha havazogoni kunzwisisana navagari venzvimbo dzavanenge vachizonoshandira. Zvinozoita kuti pave nokusawirirana pakati pevanounza zvirongwa zvinenge zvichinzi ndezvebudiriro kumaruwa. Zvopedzesera zvaita kuti budiriro yacho inoitwa intse kuonekwa.

Ngatiitei zvinopa musha wedu chimiro pamwe nebudiriro. Tikaramba tichitiza mumvuri wedu tichafa tiri vekutiza mimvuri yedu nokudzinganisa mimvuri yavamwe yatisingagoni kubata zvakare. 
 

Comments

Popular Posts