Ndamutuka nhasi

'Ndamutuka nhasi
ndavaudza vese kuti vazive
handijaidzi makudo neanokamhinha
ndine machambo anonhuhwa sechidembo
kana abata mashizha omusurasura unosara pasi
iwo makobvu pasina matete andamupotsera nhasi
kunge zvangu ndange ndichipotsera hwanza kumatobwe
andihwa nhasi pandamutuka
ndichimuudza chokwadi
handikendenge ini
ndinozvidura zvose
handityi ini
ndazvitaura zvose pameso ake
nzeve dzake dzichihwa
handina mangwana futi
vanhu vese vanga varipo vazviona
kana aripo achandidenha hameno zvake'

zvamunodaro nhai changamire
kune muti wakavaka sango uri wega here
kana nzungu imwe yakazadza dura?
zvino hona icho kunge muri vaviri
mangwana uchabatana nei?
usazochema waita hwazanondega jira rasara mumasese

'kana uriwe zvako usandipa zano
rako handi zano asi muchetura
ukandiona ndichidyiwa nembwa sasa munyu
kana iri nyoka siya nditsike ikobore changu chitsitsinho
nokuti njere hauna asi masakandidiswe
kuita iwe mugoni paruzhinji'

Ndinogashira ronda redemo
kana iwe wakazvitakura uchindichambura
kunge usisazoitazve nhumbu
mangwana ukauya uchichema
handikusiyi nokuti dzako njere mano hadzina


Comments

Popular Posts