Chiuno Hachina Murombo Muzukuru

Mumwe musi tigere zvedu pamba pedu kumusha kwedu, vaimbove mbuya vamai vakasvika pamba pedu. vakatiwana tigere zvedu mumumvuri wemba yekubikira. Mbuya vamai ava vanga vachangobva kurambana nasekuru vamai. Mhosva yavo yaiva yokunzi vainge vabatikidzwa varere nemukomana aishanda muchigayo chavo mumwe musi manheru apo vainge vaenda kunotora mari yebasa yezuva.

Pavakasvika mai vakandituma kuti ndindovatorera mvura yokunwa. ndakauya nayo ndokuvapa. Vapedza kutonhodza pahuro pavo vakataura nyaya zhinji chose nami ini ndakaterera zvangu. Ini ndaingoseka zvangu kana vataura panosetsa. Ko ini ndaidzigona dzavakadzi vakuru. Mbuya ava vakaita rombo rakanaka kuwana baba vasipo. Dai vakawana varipo dzose dzavakataura musi uyu dzisina kutaurwa kana neniwo ndisina kudzinzwa.

Pakazoti pava paya vasandurudza nyaya zhinji mbuya vamai vakati vavakuenda. Vakati sumu ndokutwasanudza skirt yavo nechekumagadziko uku. Apo vainge vava kufamba vachiti vachibuda chivanze mai vakabvunza vaimbova mbuya vavo ava mubvunzo wandaifunga kuti mubvunzonhando. Ndaifunga kuti vachangopindura neizwi rimwechete. Ndakashamiswa kuona mbuya ava vachidzoka kuzowaridza zambiya yavo pasi ndokuigarira.

Mubvunzo wacho waiti, "Nhai mbuya, mainge machochorei pamugaisi chisina sekuru?"

"Imwe nguva muzukuru tiri mapenzi. Tose tinokanganwa icho chaicho chakatisanganisa muwanano. Tadaro tochitanga kudzinganisana nezvinhu zvenhando zvisiri izvo chaizvo zvakatisanganisa uye zvichiita kuti tiraramirane," vakadaro mbuya vamai vachigara pasi.

Zvambuya vamai nhai! kureva kuti ini handizviraramiri ndinoraramira avo vanondiraramirawo? Mai inopenga iyi. Kupenga chaiko. Chete kana usati waona kupenga kwemunhu haubvumi kuti anopenga. Chetezve kupenga kwavanhu kunonetsa kutaura, nokuti iye anopenga anogona kutoti iwe unoti anopenga unopenga. Zvimwe neniwo ndakadaro. Ko ivo mai vangu munoti ndikwavo chokwadi. Kubvunza mubvunzonhando wakadaro munhu mukuru pane pwere! Vanga vashayeiwo zvakare?

"Apa murikutiiko nhai mbuya?" mai vakatarira mbuya vavo vava nekakusvoda. Pamwe vainge vavakusvoda ini ndaivapo. Zvino tingati chii nhai? Nechemumoyo ndakangoti mambozvitangirei ndiripo?

"Muzukuru, vanhu tinomutsana. Zvino kana iye wacho akafanira kukumutsa achiti kana akotsira okanganwa kuti kune mumwe wake anoda kumutswa, unopaitasei apa?  Unoonzwa shasha yavakutodhurumisa zvayo magwiriri. Tinenge tatomutsa chigayo mumba, chigayo chisingagayi upfu asi chinokutadzisa hope iwe unoda kukotsira. Kana idzo hope haudziwani. Kunyamugumhawo uchiti amuke, mhinduro ndiyo, hi-i! handiti ndaitogarawo zvangu nedzukununu rinovhundutsira mhembwe kunyimo! Kana rikasarohwa nemhepo musiyo munda wose unopera nyimo kukasara madzinde amire nemudzi."

Mai vakadzungudza musoro.Vakarovanisa maoko kuratidza kuti zvambuya vavo zvainge zvavakona. Dzimwe nguva mai vaindidzingira kure kana vane zvavanenge vachida kukurukura pachikuru asi musi uyu vakandisiya ndiripo. Pamwe vaida kuti ndinzwe kupenga kwambuya vavo kana kwavo ivo, kuti kana mbuya vavo vatipira gotsi vagozonditi,'wazvionaka zvinoitwa navakadzi vakapusa, zvautriwe ugotevedzera hupenzihwo!'

"Mubvunzo wangu ndati makachivei pamugaisi chisina sekuru?" mai vakapambazve.

"Sekuru vako ndinyamari muzukuru. Paari ndipo pane zhunde. Pose pavagere hope ndidzo dzemari. Pasina mari havasvikipo. Sekuru vako vanobva pamba mashambanzou vodzoka kumba pakati paho husiku. Vanowana ini ndashanya Joni kana kuAmerica ndikadzoka. Vasvika ndipo pavanotutunura mari ichiswa musefi. Havangoiisi vasati vatanga vamboiverenga. Vanochitora imwe nguva vachiverenga mari, ini ndichingova ndoga mumachira. Vapedza ndipo pavanozouya kutonhodza machira. Ini ndinenge ndatokanganwa kuti kune achauya. Zvino ini semunhu ane muviri unoda kukwenywa, nomunhu anomuviri wemunhu usiri wemari ndipoka pandakachiti chiregai nditsvage kuti pano ndakavinga mari here kana kuti chii chaizvo?" mbuya vamai vakarondedzera.

"Mbuya, mungaita sesu here? Inga zvose maiva nazvo wani! Mari, mbatya, imba, kudya kwakanaka, zvose zvaiva zvenyu wani?" mai vakakomerera mashoko avo pamubvunzo wavainge vataura kare.

"Unochiziva muzukuru. Icho chinoita kuti ugare pano nomuzukuru wangu usingadzokeri kumusha kwenyu kwazvizere. Chii nhai muzukuru? Handiti ndicho chakakutuma kuuya pano kuzogara nemutorwa uchisiya mai nababa vakabereka? Usaita une muzukuru, unochiziva."

"Zvino ndicho chamaizotsvaka kumuchairi here nhai mbuya?"

 "Mugaisi anacho chandaida. Icho chandaishaya pana sekuru vako. Kudai yaiva mari, yandaida ndaisazotsvaka mugaisi. Ingadai ndakaramba ndakaigarira ndichiidya. Chandaida chinokunda pfuma, muzukuru. Zvose zvaivepo panasekuru vako asi ivo vaisavepo. Ivo neni tainge tapesana karekare. Tainge tava huma negotsi. Zvitsidzo zvose zvatakaita zvainge zvatova zvigutsa mumoyo. Zvainge zvarota kunge dota muzukuru."

Ndakabva pavaiva. Ndava kure navo ndakamboseka chikuwe chaicho. Ndakazonzwa mbuya vamai voti, "muzukuru, mugaisi anofamba neni rwendo rwatinosvika tose. Hapana anosara munzira. Tinosvikirana. Haandisiiri pachiteshi kana ndakwira bhazi. Haandisiyi ndichiri mubhazi kuti ndizonoburukira mberi ndoga. Parwendo rwedu tinotangirana. Tomirira bhazi pachiteshi tose. Tomirira kuti bhazi rinyatsomira, isu tokwira. kana tavamo tokanganwa zvedu kuti tiri mubhazi muchairi achichitichairira bhazi. Kana tichinge tasvika tonyatsoona kuti ramira zvechokwadi tobva tadzika zvedu tose. Ipapo muzukuru, tinenge tasvika. Chimwe chaunozoda chiiko nhai muzukuru? Chiuno hachina murombo muzukuru! Ndicho chandaishaya kunasekuru vako."

Mai havana kuzotaurazve. Vakabva vanyarara. Hameno kuti ndiko kwaiva kugutsikana kwavo here kana kuti vainge vava kushora mbuya vavo handizivi.

A chapter from my other manuscript 'Zvemwoyo"

Comments

  1. pataugwa nyaya inokosha apa. Heya nyaya idzi dzinobwereketeka nekunyogwawo mumutauro wedu zvichitobuda kudai. Zvichitozipa kudai?

    ReplyDelete
    Replies
    1. Dzinonyoreka ufunge kana ukadzigarira pasi uchidzirongedza zvakanaka zvisina hasha.

      Delete

Post a Comment

Popular Posts