World Storytelling day 2012

 Kwamairinge benya ndiko kwomorigidira

Picture by Tinashe Muchuri    

Paiva nevamwe mai nomwanakomana wavo. Mai ava vainge vangoita mwanakomana mumwechete muupenyu hwavo hwese. Mwanakomana wavo ainzi Gozho. Mushure mokuzvara kwaGozho murume wavo akabva ashaya. Baba vaGozgo vakadyiwa nemakarwe apo vaiyambuka rwizi Mutirikwi napamuronga. Apo vaifamba napamuronga vakatsvedza ndokuwira mudziva umo maiva namakarwe akazovadya. Mushure merufu rwerufu rwababa vaGozho, mai vake vakaita chitsidzo chokuti havaizoita mumwe mwana nemumwe murume.

Chido chamai vaGozho chaiva chokushandira mwanakomana wavo kusvika akura aitawo murume anoyemurika pana vamwe varume. Mai vakaendesa mwanakomana wavo kuchikoro. Mai vakatengesa twose twavaiva natwo vachiita kuti Gozho adzidze. Ivo vainge vasina kuenda zvavo kuchikoro nokuti vabereki vavo kunyanya baba vavo vaiti kana mai Gozho vakaenda kuchikoro kunodzidza vaizoita pfambi.

Mumwe musi mai Gozho vakadaidza Gozho wavo kuti vamuudze paiva shuviro yavo. Gozho akaenda akaenda kunoona mai vake kuti anzwe paiva neshuviro yavo. Asvika mai vake vakamuudza kut, "zvaunoona mwanakomana wangu, pfuma yose yandakashanda nemurume wangu ndichaipedzera pakukudzidzisa. Ndinoda kuti uzovawo nemunda murefu uchitaura chirumbi zvekuti vana Robert havazotibiri tisinganzwi. Tarira iyezvino kana mombe dzedu dzikawanikidzwa dziri muparazi make dzinobva dzabiwa zvonzi dzava dzangu. Mutemo wokuti tigadziriswe hakuna. Ukada kuti uti, wotyityidzirwa negidi. Zvino dzidza mwanangu, unzwisise kutaura kwavo.Kana wadaro mwanakomana wangu usazokanganwa pakabva uchenjeri noungwaru hwako."

"Ndichaita sokureva kwenyu mhai. Handizokurasisiyi." akadaro mwanakomana wavo.

"Ndingati uri munhu mwanangu!" vakadaro mai vake nomufaro.

Gozho akadzidza ndokugona kutaura chirumbi zvakafadza mai vake. Zvino nokuda kwekugona kutaura kwake chirumbi akabva atorwa naRobert kuti amushandira. Pane kuti anzi Gozho ainge odaidzwa kunzi Goz. Kubva musi uyo apiwa basa papurazi raRobert kuti ave ndiye mutengesi wezvirimwa zvaRobert, ndipowo pakanganikwa mai nemwanakomana wavo Gozho. Mai vaGozho zvakavashungurudza asi chokuita painge pasina. Vaingogarodemba kuti vakatambisirei pfuma yavo vachiipa kurombe. Munnhu wavaiti ndiye achavaponesa munhamo yokubirwa naRobert ndiye ainge odya naRobert mombe dzavo dzavaibirwa. Zvakavashungurudza chose.

Chakauya ndechakauya nerimwe zuva Gozho achifamba mupurazi naRobert vagere pamabhiza, bhiza raaiva agere iye hameno chakarivhundutsa ndokubva ramukanda mugoronga akarivara. Akatyoka musana. Izvi zvakaita kuti asawirirana naRobert. Robert akamubvisa papurazi rake achimudzosera kumusha kwamai  kwaange asisazivi. Kumusha uku ainge asina kuvakawo imba. Gozho zkabviswa papurazi achingori naiwo musana wakatyoka chete. Hapanawo kana kadimbu kweupfumi hwaashanda kaakapiwawo naRobert. Adzokera mai vakati kwaari, "Ndizvo zvinoita munhu anokanganwa dzidziso yapachikuva." Mwanakomana wavo akachema zvaipisa tsitsi. Ivo ndokumudaira vachiti, "Kwamairigidira ndiko kwomoringa benya kwamairinga benya ndiko kwomorigidira."

(The moral of this story is, people should always remember where they come from. Remember your parents for more blessings and long life.)

Comments

Popular Posts