Hanzvadzi Yomudzimai


Hameno kuti zvakabva nepi. Kana ini ndakazvishaira pazvo. Takangoti takagara nehanzvadzi yomudzimai wangu pamumvuri wemba yataigara mushure meMurambatsvina tichitsengera nyama yemombe yatainge tabva kugocherwa nehanzvadzi yavo ndokungokaruka voti, ‘Makarekare kwakanga kusinganetsi mukwasha. Izvi zvechitendero chechikirisitu zvisati zvaveko, zvaiti kana munhu akasangana nedambudziko rinenge renyu iri aipiwa mumwe mudzimai kubva kwanastezvara vake. Zvino mazuva ano zvonetsa. Chitendero chatiputira zvokutikanganisa pfungwa. Tsika dzachakauya nadzo hadzina kururama. Ukati uzviite mukore uno unonzi waita zvisingaitwi. Ndakataura navakoma vangu kuti tikupe umwe mudzimai zvikanzi hanzvadzi yedu haisati yauya kuzotiudza kuti kwandakaroorwa murume ave kubhon’a segono rembwa achiti choto chake chakadzima. Zvino zvinoita sokuti iwe ndiwe usina moto mukuwasha. Zvinenge zvichireva kuti iwe nevekwako munenge munoziva kuti kwenyu ndiko kune dambudziko. Wapaonaka apa mukuwasha. Ndiyo nyaya irikundinetsa. Kana kuti zvinoreva hazvo kuti watove hako nemumwe mudzimai ari padivi wausingadi kuti azivikanwe. Nokudaro hauna hako basa nekuti waita mwana nehanzvadzi yangu kana kwete. Izvi ndizvo zvinotaurwa kwedu kumusha mukuwasha.’ Hanzvadzi yomudzimai wangu yakadaro.

Ini handina kupindura. Ndakaramba ndinyerere ndichivatarira kuti vairevei. Chakandishammisa ndechokuti vaiita kunge munhu ari kurotomoka arere. Saka ndakati regai ndione kuti chii chapinda hanzvadzi yomudzimai wangu. Iye akaenderera mberi achiti, ‘Uchiona ndichitaura nyaya ino iyi tanzwa nokusekwa nenyaya yekuti tichaita sei nepfuma yako yatakadya. Mana rose hakuna anotinzwirawo tsitsi. Munhu wese anongoti PaMadhombiro nhaka tichaona. Saka ini ndinoda kunzwawo pane pfungwa dzako. Taura zviri kutsi kwemoyo wako mukuwasha kuti tizive kuti tozvifambisa sei.’

‘Inga ndakambotuma shoko nomunyai gore riya wani!’ Ndakadaro ndichivayeudzira nezveshoko ratakatuma munyai naro mushure memakore maviri mumba mangu maramba musina moto. Ini zvaisandishupa hazvo nokuti mwana handiye wandainge ndadira mudzimai wangu, asi vabereki vangu vaida vazukuru saka vaida kuti isu nanatezvara vangu tiite muonera pamwe chuma chomuzukuru.

‘Gore ripi zviya nhai mukuwasha?’Hanzvadzi yomudzimai yakavhunduka.

‘Asi makanganwasu?’ Ndakadaro ndichiita kunge ndave kutsamwa.

‘Hazvina kupinda munzeve dzangu mukuwasha. Kudai zvainge zvakapinda munzeve dzangu ingadai ndakaigadzirisa kare. Asi munyai wacho akasvika kwamukoma mupositori kanhi?’

‘Handichaziva nokuti isu kwedu takatuma munyai neshoko iye ndokudzoka neshoko raiti imi sana tezvara vedu matipa mvumo yokuti tifambe tega uye kuti kana pane zvatawana tizvigadzirise pachitendero. Kunyange hazvo takakahadzika neshoko iri rokuti isu tipinde mudzinza renyu takangoti tingazvidii. Nyange zvazvo isu tisiri vabereki vehanzvadzi yenyu takati ndisu takada mwana wavaridzi kumva regai tigare naye. Wekubvunza kuti ko kana zvikanzi pane dzokwenyu nhata dzinoda kutengerwa mushonga kuti dzibviswe taizozviita sei takashaya.’ Ndakavadaro ndichitoseka zvangu.

‘Chete unongozivawo kuti munyai wako anonzwanana namukoma mupositori. Saka zvinogona kunge akangoona mupositori ndokutaura nyaya yako vachinwa zvavo tii kwakutoipedza vachiti yabva mudare redu. Asi ini sokuziva kwangu dare redu harina kumbogarira pasi nyaya yako iyi mukuwasha. Zvino zvaunoti waida kuti tibatsirane ndichatonoipinza mudare macho ndirini kuti tione kuti semhuri toita sei nayo. Kana zvichireva kukupa mumwe mudzimai ndichaona kuti ndakupa zvangu wangu mwana kana vamwe vachipikisana nazvo. Unopaona sei apo mukuwasha?’ Hanzvadzi yomudzimai wangu yakabvunza ichiratidza kuti yainge yatopedza nyaya yacho. Ndakaramba ndakanyarara ndichifunga kuti ndopindura ndichiti chii.Hanzvadzi yomudzimai yakaona kunyarara sokuti ndiri kuti handidi. Yakabva yaswedera pedyo ichiti, ‘Zvinonetsa mukuwasha kuti tidye pfuma yako pasina mwana. Chinotipa kudya pfuma yako takadekara kutiwoka hanzvadzi yangu yaita mwana. Kana isina mwana rufaro runotama mumusha medu sokuona kwauri kuita kudai.’

‘Mati mambotaura nehanzvadzi yenyu here?’

‘Handisati. Ndati nditange ndataura newe bango rakamisa imba. Kana ndapedza newe, uyu mudzimai wako ndewangu haandinetsi. Zvazvadai zvatonaka. Kana vari varamu vako ava havandinetsi. Pane vamwe vandakatoona vanofarira kunemerwa vachinzi mudzimai waAlec. Saka watova nomudzimai kare tisati tatamba dare. Kana ukaona tichiunza varamu vako kuno zviya mukuwasha tinenge tichiti uwane waunosarudza. Zvino pose pavanodzoka kumba vanouya neshoko rokuti iwe hauna kana hanya navo. Unongogumira pakuvabvunza kuti vane vakomana here! Vekwedu vanodzoka vofunga kuti pada iwe ndiwe rema mukuwasha. Ini ndinonzi mafira kureva mukuwasha. Handina chinogara mudundundu mangu. Zvangu ndinopakura kuti vanhu vazive. Kukuruma nzeve chete mukuwasha. Unoti pane angakuurayira kuti watora mudzimai wako here nhai mukuwasha. Kana iri hanzvadzi yangu handiti inotofara kuti yakuberekerwa vana! Zvakare unenge wairemekedza nokutora kwayakabva pane kundoitorera mutorwa unozoinetsa.’

‘Mozondiudzawo zvamunenge matenderana nomwana wenyu.’ Ndakadaro ndichibva pataidyira zvedu nyama yemukugocherwa seri kwemba yepandaigara. Ndakabva ndatanga kufunga kuti mudzimba zhinji dzohukama hana dzisiri dzohukama yaiva nyaya yangu naSarudzai yaitaurwa nezvayo. Ndiyo nyaya yaiendesa madzimai kutsime; nyaya yaitsvagisa madzimai huni mumakomo; ndiyo nyaya yaiperekedza vatendi kudzisvondo; nyaya yokupfavisa rwendo rwekumba zvidhakwa zvashaya dzimwe nyaya dzokutaura; nyaya yokunemera nayo vabereki vangu kunhimbe, kumagejo kana kujakwara. Ndakashaya kuziva kuti chii ichocho chinoita kuti vanhu vati nanga nanga newe usina yawapara. Nyaya iri yokuti mwana aramba kubatika muwanano bedzi. Izvozvo chete ndizvo zvaiita kuti tisabva pamiromo yavanhu vazhinji vomumana, kumabasa nokusvondo chaiko uko kunotarisirwa kuti hakufaniri kuwana vanhu vanoshora vamwe. Wozoshaya kuti ko iyi yokukurudzira vamwe kuti vaende kudenga kune mufaro usingaperi narini inosara nani vanhu vava kuti takarasima nenyaya dzisina basa.

Chete iyi yemakereke inonetsa nokuti kana Mwari handifungi kuti azere nomufaro navanhu vake. Anogoita mufaro sei ivo vanhu vanoenda kumakerekere vachinamatira mudzimba dzakavakwa panzvimbo dzakawanikwa neukopokopo. Mari yacho yechegumi inobviswa pamari yawanikwa noukopokopo. Kana iyo yezvipo yacho inobviswa pamari yakawanikwa neukopokopo. Saka chindiudzai nhaimi vanhu kuti kudenga ndiani anoendako? Unozvishaya. Pamwe nokuti Mwari vane nyasha kuda kudenga kuchaenda vanhu nokuda kwenyasha kwete nokuti vatsvene. Asi idzo nyasha dzacho dzinoshanda sei iye Pauro akati, 'torambira muzvivi here kuti nyasha dziwande, aisvakwete.' Zvino iye mwanakomana zvaakati anodzoka kuzotora vatsvene, ndiyani uchava pamwe naye apo anodzoka kuzotora vatsvene vake? Zvichida variko havo vakaita saNoah kana Loti mukati metsvina iyi.

Ichi chidimbu kubva mubhuku randanga ndichinyora mazuva apera aya. Verengai. Iri ibhuku rinotaura nezverudo rwavanhu vaviri mumana ravaShona. Rudo rwavanodanana zvichienderana netsika dzavanhu pamwe nechitendero chechikirisitu.

Comments

  1. Chikamu chenyaya ino chiri muganonyorwa yangu inonzi iyo Zvavanhu Herevo! iyo yakatarisirwa kubuda mugore ratakatarira ra2021. Ingotarisai nemeso nekuteya zheve nokuti gore racho riri kuxwedera chose.

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular Posts