ZUJ yokurudzira vatapi venhau kuvamba mabhurogu

Vamwe vevatori venhau vaiva pazvidzidzo apa. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017
Munyori mukuru weZimbabwe Union of Journalists (ZUJ), Foster Dongozi anokurudzira vatapi venhau kuti vavambe mabhurogu vari mumapoka kana vakazvimirira sedungamunhu senzira yekuti vazvigadzirire mabasa sezvo mabasa ava mashoma mundima iyi.

 Achitaura muhurukuto yavakaira nePaZimbabwe pazvidzidzo zvekuvamba mabhurogu zvaikotsverwa neZUJ izvo zvakaitirwa pamuzinda weNEC FOOD muHarare mukutanga kwesvondo rino akati zvichitevera kusiyiswa mabasa kwevatapi venhau vazhinji mumakambani ezvekufambiswa kwamashoko muZimbabwe, zvakanaka kuti vatapi venhau vazvivambire mabhurogu avo kuti vagone kuzvishandira pachavo.

“Chikonzero chekuti tiite zvidzidzo izvi, takahoona kuti mabasa akupera, vashandirwi vanongotiita madiro aJojina, nhasi wadzingwa mangwana madzingwa mese. Kana vekumatara vakatiti ivo vakadzingwa nenyaya dzanaZUVA idzi hapana kana sendi rimwe ravachawana remudyandigere, takaona kuti a-a zvakakosha kuti isu sevatori venhau tionewo nzira dzatingashandisa kuti tizvishandire kwete kuti titsvake vashandigwi,” akadaro Dondozi.

 Dongozi anoti kana vatori venhau vavamba mabhurogu aya vanenge vave masangano enhau nekuti vanenge vave kunyora pamwe nekutepfenyura nhau dzavo vega vakazvimirira pachavo nekuti ndizvo zvega zvavanogona uye zvichavapa mukana wekuti vachitanga kutengesa nhau dzavo.

 “Zvazvoreva ndezvekuti vava vashomazve vanonga vachiita mabasa iwawo. Ndosaka takaona kuti vari kutishungurudza nekuku isu tikati nekweduvo tichaona kuti tingabuda neripi zano rekuti tingabatsirana sei sevanhu vanoona nezvekufambiswa kwamashoko. Ndokaindijinaizesheni iri kutaurwa nehurumende,” Dongozi akadaro.

Dongozi anotivo zvakare iro sangano reZUJ richaumbaduraguru iro richava ndiro rinenge richiunganira nyaya dzichange dzichinyorwa navatori venhau vakasiyana-siyana avo vachange vaumba mabhurogu avo hurongwa hwaakati hunotsigira zvirongwa zvenyika zvakaita secheIndiginisation neZimmasset.

“Takaona kuti tikaita portal (dura) vanhu vonyora nezvavanoziva kuitira kuti vanhu vanyatsoziva zviri kuitika munyika yedu yeZimbabwe. Mudura umu vanhu vobva vawana zvinoitika muno munyika. Vari muno munyika nevari kuzhe kwenyika. Uyevo ukatarira neimwe nyika ndiwoka mafungiro ari kuita hurumende yenyika inoti zvigadzirirei mabasa mozviitira indijinaizesheni yenyu, murege kuva vashandi asi muve vashandigwi,” akadaro Dongozi.

 Zvichakadaro John Mokwetsi uyo aitungamirira zvidzidzo zvekuvambwa kwamabhurogu nevatori venhau akatsirawo achitimaonero ake kwave kuenda mishando yevatori venhau zvakakodzera kuti vatori venhau vashandise mikana inowanikwa paindaneti.

Muenzaniso wedandemutande reNewsday waipiwa kuvatori venhau pazvidzidzo zvekuvamba mabhurogu kuti vaone simba ravanaro pakubatanidza rhedhiyo, terevhizheni nebepanhau panguva imwe apo vanenge vava kuzvitepfenurira nhau pamabhurohu avo. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017
“Tichitarisa kushanduka kwaita zvinhu, uyezve tichitarira nzvimbo dzatava kunyorera nyaya, vanhu vachikwanisa kudziwana. Ndinoreva nzvimbo dzakaita semaindaneti vatori venhau vave kufanirwa kuti vange vachitarira kuti nzvimbo idzi ndidzo dziri kudiwa navanhu here kuti vadzitevere vakasidzitevera ivo vanova kure navanhu. Saka uyu mukana wekuti tinge tichikwanisa kutaura navanhu ivava tichibatsira kuti tinge tichivaunganidza vakawanda. Mukana zvakare wekuita bhizinesi, Saka zvinhu zvakakosha kuti vatori venhau vange vachitora zvidzidzo izvi kuzvishandisa nekuti zvinhu izvi hazvisisiri pamapapernhau, muradio, kana muterevhizheni asi zvakuwanikwavo kuindaneti,” akatsinhira achidar Mokwetsi.

 Mokwetsi akawedzerawo achiti uyu mukana wekuti vatori venhau vanyore nedzimwe ndimi idzo dzisingawanikwi mumapepa nhau emunyika yeZimbabwe dzakaita seNdau, Tonga, Nambya, Venda, Xangani, sezvo mapepanhau anongoshandisa ndimi nhatu dzinoti Chirungu, isiNdebele neShona pandimi dzinosvika gumi nenhanhatu.

Nguva yekubata basa racho rokugadzira mabhurogu.
 “Kutanga makambani enhau kunodhura asi izvi zvinhu zvakati rerukei kana uchinge kutanga kuwanawo nzvimbo yekuti unonyorera usingaburitse mari yakawanda. Ini ndinoona uyu uri mukana wekuti tinge tichiumba uye nekukurudzira mitauro yedu tichikwanisa kutaurawo nyaya kuitirawo vamwe vasina kubvira vambodzidza mutaurowo weChirungu kana avo vanofarira ndimi dzavo,” akadaro Mokwetsi.

Mokwetsi achibatsirana naBethel Goka vakapa zvidzidzo zvekugadzira mabhurogu kuvatori venhau vaidarika makumi matatu vazhinji vavo vanotora nhau vakazvimiririra vachizonodzitengesa kumapepanhu pamwe nekudzinhepfenyuro dzemunyika nekunze.


© Tinashe Muchuri 2017

Comments

Popular Posts