Chamira sanduko-- pamabasa/ Be Bold for Change- in the Work Place

Mhemberero dzezuva revanhukadzi oasi rose rakaitirwa paNational Gallery of Zimbabwe muHarare. Paiva navanhu vakawanda chose vakauya kuzonzwa nhaurwa navanachamangwiza mundima dzakasiyana-siyana dzinosanganisira zvekurima, zvemutemo nezvekufambiswa kwemabasa. Vanhukadzi navanhurume kubva kumishando yakasiyana-siyana vakaungana apa kuri vaite zvenzeve nemeso kwete kuzoita zvemuromo nekuti vaisada kuita kutautirwa hunyimwa.







Zviratidzwa zvemabasa amadzimai airatidzwa nekutengeswa pachiitiko ichi. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017

Vanhu vachishorera shavo dzevanhukadzi dzairatidzirwa pamwe nekushaviswa. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017

Vagadziri veuchi vac hiratidzira huchi hwavo nekupa zvidzidzo pamusoro pekurima uchi. Mufananidzo naTinashe Muchuri
  2017
Vamwe vaive vauya kuzoona mabasa pamwe nekuva pamutambo wemhemberero dzemadzimai idzi. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017

Hope Masike achiratidzira mimhanzi yake pachiitiko ichi. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017

Vamwe vevakaungana apa. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017

Vachiona zvaiva zvanyorwa pabhakana navamwe vaiva pamutamo uyu. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017

Sokostina aka Tendai Garwe achitungamira basa samuShamarari pazuva iri. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017

Vamwe vekakuya

shuviro dzeruzhinji

Sekai Nzenza achitura nhaurwa yake. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017

Bishow na Shingi Munyeza pazuva iri. Mufananidzo naTinashe Muchuri. 2017

Comments

Popular Posts