Ticha Muzavazi vanotura bhuku rezvidzidzo zvekuridza mbira Kana

Memory Chirere aivepo achiratidza kutevera zviitiko pamutambo wekuturwa kwebhuku raTicha


Mukokwa anoremekedza Albert Chimedza achisainirwa bhuku rake mushure mekutura bhuku rezvidzidzo zvekuridza mbira


Vadzidzi vepaMurehwa High vachikwenya mbira pakuturwa kwebhuku rezvidzidzo zvekuridza mbira

Kana njiva yakauyawo kuzovapo pakuturwa kwebhuku rezvidzdzo zvekuridza nyunga nyunga mbira.

Mukomana ane chipo chekuridza madhiramu, Tanyaradzwa Gondo achiatinhidza pamutambo wekuturwa kwebhuku rezvidzidzo zvekuridza mbira.  Gondo mukomana asingaoni asi anoridza madhiramu zvinomukurumbira.  Simba kuna Tanyaradzwa Gondo, chinozokona chii paupenyu hwake kuenderera mberi achiridzira varidzi vemimhanzi achizviwanira cheuviri.

Kana vabereki vemunyori vakauyawo kuzotsigira basa remwanakomana wavo.

Mudzidzi wekuridza mbira akabuda nemumaoko akaTicha Muzavazi ari chizvarwa chekuJapan aivepowo achikwenya mbira. 








Kana navadzidzisi vaTicha vaivepowo. Tsitsi Chataika mudzidzisi waTicha Muzavazi pazvidzo zvavaiita kuUniversity yeZimbabwe achisainirwa rakewo bhuku.
Mbira chiridzwa chakasimba munyika yeZimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfurika. Zvakadaro hazvo, chiridzwa ichi hachina zvidzidzo zvekuchiridza zvakanyorwa zvikatsikiswa zvekuti munhu anogona kudzidza ari ega aine mbira yake. Chinyorwa chezvidzidzo chaiva chaDumi Maraire. Maraire akaitisa mbira yeNyunga Nyunga mbiri pasi rino apo aipota achidaidzwa kunze kwenyika kunodzidzisa kuridzwa kwembira nenhoroondo yayo.

Bhuku rekutanga richienda zvaro nemuripo wemadhora makumi mashanu
Ticha Muzavazi zvino vauyawo nezvidzidzo zvekuridza mbira izvo zvakanyorekera kune vazhinji. Ticha Muzavazi vanoti vakasundwa kuburitsa bhuku iri pamwe nekurinyoira nekuda kwekuti vana vavaidzidzisa mbira vekuchikoro chest Giles vaiva vadoko uye vari vakaremara. Izvi zvakaita kuti vake kutsvaka nzira inoita kuti mudzidzi adzidze zviri nyore kuridza mbira. Vakazotsauka pahurongwa hwaMaraire hwekunyora zvitinywa zvembira kubva pa1 kusvika 15 vachizvitsiva ne1 kusvika 4 kubva kuruboshwe pamwe nekurudzyi.
Alexio Kawara naTafanyaradzwa Gondo vachiridzira chaunga mangoma

Senzira yekunyoresa kudzidzwa kwadzo mbira, Muzavazi akaita kuti mudzidzi anakirwe nekushandisa mazwi aakajaira akaita sekuti pamusha (home), muvakidzani (neighbour). Aya ndiwo mazwi agara vanhu vanojairira kutaura mumagariro avo ezuva nezuva izvo zvinopa kudzidza mbira kuti kubve kwaita nyore nekuti kwava kwezuva nezuva zvakare.


Vadzidzi vekuJairos Jiri School vachiridza mbira pamutambo waTicha
Zvakaitika pakuturwa kwebhuku iri paAlliance Francoise muguta reHarare mugovera wadarika. Vamwe vakabva kwaMurewa, kuChegutu, nemuHarare makare maiitirwa mutambo uyu.

Baba namai VaTicha vachikurudzira mwanakomana wavo.

Comments

Popular Posts