Michero yemusango muchaiyeuka here, kwenyu munoipa mazita api?

Barweregudo. Bango Village Murewa. Mufananidzo naTinashe Muchuri 31 Zvita 2016.
Mubhubhunu uri kufurura maruva, Gwanha Village KuZaka. Mufananidzo naTinashe Muchuri, 3Ndira 2017.
Muchecheni uri kufurura maruva. Gwanha Village kuZaka. Mufananidzo naTinashe Muchuri, 3 Ndira 2017 

Munzvirumombe wave pakuita michero. Gwanha Village kuZaka. Mufananidzo naTinashe Muchuri, 3 Ndira 2017

Nevanji akarembera pamupfura wave nemapfura. Gwanha Village kuZaka. Mufananidzo naTinashe Muchuri 3 Ndira 2017

Mutsambatsi. Bango Village kwaMurewa. Mufananidzo naTinashe Muchuri, 31 Zvita 2016

Musambwarambwambwa uri pakufurura maruva. Gwanha Village kuZaka. Mufananidzo naTinashe Muchuri 3Ndira 2017

Muchechetu kana kuti mutsingubvu uri pakufurura maruva. Gwanha Village kuZaka. Mufananidzo naTinashe Muchuri 3Ndira 2017

Musosoti wave nemichero yaibva. Gwanha Village kuZaka. Mufananidzo naTinashe Muchuri, 3 Ndira 2017

Ndichadzoka nemazita ekwedu kana mandipawo ekwenyu kumusha. Ndiwo mafambire atiri kuda kuita zvino. Mumwaka uno apo tinofamba tichitaura nyaya yetsika namagariro evanhu venyika ino. Mifananidzo iyi imwe yacho ndakaitora kuZaka kunzvimbo yekwaGwanha kwaSadunhu Mawadze pamwe nekwaMurewa kwaBango.

Comments

Popular Posts