Chikuva chatiza imba yekubikira

Chikuva chatiza imba yekubikira
Imba yekubikira yashanduka kubva pakudzurwa pamwe nekupfirirwa namarata. KwaGumbo kuZaka.Mufananidzo naTinashe Muchuri, 6 Ndira 2017

Kumashure uko ndakambonyora nezvepamusoro pemba yekubikira. Chinyorwa chino chinovavarira kujekesa sanduko iri kuramba ichiitika kuimba yekubikira iyo inova yaive ndiyo tembere yavanhu vatema. Imba kareko yairindwa nemadzimai vanova ndivo vaigara, kurairana, kuvakana, nekuchengetedza utano hwemhuri kubva muimba iyi. Zvino nekupinduka kwemamirire nemagarire evanhu, imba iyi yasanduka.
Imba yekubikira pachivanhu ndeyedenderedzwa yakapfurirwa nehuswa. Nhasi ndauya nemba yapindinduka chimiriro. Kare kumashure uko imba iyi yaivakwa namapango emiti yakasiyana-siyana yakasimba iyo isingapfukutwi nezvipfukuto. Denga rayo raipfirirwa nehuswa uye chidziro chayo chainamiwa neivhu pasi pachiroverwa nendovaro uye pachizodzurwa nendove yemombe. Zvaiti zviya chidziro chayo chanamwa neivhu repachuru kudaro, kuti mitswe iya inozivikanwa ichiitika pavhu rechuru isaoneka kana kuti ivharike pamusoro pevhu rechuru rakanama imba raizodzurwa nemushapa. Mushapa ivhu rakati rerukei zvichienzaniswa nerechuru. Mushapa unowanikwa muruvara ruchena, rutema kanawo rutsvuku.
Mushapa ndiwo zvekare waishandiswa kutara mifananidzo yakasiyana-siyana paimba yekubikira makareko inosanganisira yemaruva. Nekufamba kwenguva vanhu vazoendawo kuchikoro vainge vave kuishandisa zvakare kunyora mashoko anovasumudzira uye zvichiita kana echenjedzo akaita seekuti, ‘Fambira chimwe, hapasi paguta remakuhwa.’ Nekutendeuka kwevanhu kubva mukutevera tsika nemagariro evanhu, vachitevera chitendero chechiKristu, mashoko kubva mubhaibheri ekusumudzira vatendi akatangawo zvakare kunyorwa.

Mukati meimba yekubikira munoumbiridzwa kabati inova ndiyo inochengeterwa midziyo yakaita sendiro, migoti, migwaku, shambakodzi, hadyana iyo inoshandiswa pakasiyana-siyana muhurongwa hwekugadzira zvekudya zvakasiyana-siyana.

Tichibva pakabati tinoona chimwe chiumbiridzwa chinonzi chikuva kana kuti huva apo panova ndipo panogara zvirongo, mbiya, pfuko, denhe,tswanda, kana dengu. Iyi chiumbiridzwa chakakosha zvakanyanya nekuti ndipo makare kana nanhasi kune mhuri dzichiri kutevera zvechivanhu, vanotonona vachipira kumidzimu yavo kuti ivasvitsire zvichemo zvavo kuna musikavanhu. Mipiro inopirwa apa ndeyemhuri kazhinjizhinji. Baba vemhuri ndivo vanotungamira mipiro iyi. Asivo nekusanduka kwaita mamirire aita nyika munhu ava kupirira chero kwaanenge awana mukana wekuti asvitse zvichemo zvake. Chikuva hachisisiri nzvimbo yemuimba yekubikira. Nekuuya kwakazoita dzimba dzemudhorobha dzine kamuri rekutandarira unoona kuti vanhu vazhinji vanoita mipiro yavo muimba yekutandarira nekudyira iyi kwete muimba yekubikira. Zvakare kune vamwewo mumadhorobha mekare vanovaka imba iri yega yakapfurirwa nehuswa inodaidzwa kuti Gazebo imo vanoitira mipiro yavo kure nedzimba dzemukore uno dzakapfurirwa nemarata.
Kurudyi mukati meimba yekubikira ndiko kune chivakiridzwa chinochinjika chichitevera chidziro chakananga kukabati chinodaidzwa navazhinji kuti chigaravakwati kana kuti rubhenji. Apa ndipo panogara varume kazhinji. Zvaisavako kare nekuti varume vaigara kudare uko vaipangana mazano nekudzidzisana kuti chii chinohi munhurume uye kuti anotarisirwa kuitei mukurarama. Iye zvino nekudzimika kwakaita matare ayo angosara pamisha mishomanini mhuri yese yave kugara mumba yekubikira iyoyi kana kuri kumusha. Mumadhorobha, kune vaya vanoroja vanoita imba yekubikira imba yekurara vanosangana nekumanikana kwekuti kana mipiro inoitirwawo mumba imweyo yakasviba nekuda kwebonde nezvigumbu zveimba yekurara. Kuuya kwechigaravakwati kwaunza kushaikwa kwenguva pakati pamai nevanasikana vavo uye vanatete nevana vehanzvadzi dzavo nekuti imomo ndimo maibva maraiwa aizokudza vanasikana vari vanhu vakabva kuchembere dzisina kuenda kudoro.

Mumba yekareyo nechekuruboshwe kwaiwanikwawo zvitovo zvedebwe rembudzi zvakaomeswa zvakanaka izvo zvinogarwa nemadzimai zviya akagara apo anenge achigadzira kudya pachoto. Kuri karesa kana pari pamba pahombarume paiwanikwa zvitovo zvedehwe remhembwe, ngururu, mhene kana mhara. Mumazuva ano kumaguta hakuchina asingagari pachituru kana cheya, uye kumamisha madzimai anenge agere zvawo parupasa kana kuzvimonera zvawo nemachira emazambiya. Vamwewo ndivo vanongoti vokocho pasi vasina kana nekumonera kana kuwaridza rupasa.

Choto hachaiwanikwawo chiri pakati nepakati peimba yekubikira chakategwa mabwe matatu anodaidzwa kuti mapfihwa. Asi nhasi nekupinduka kwenguva nemagariro, pachoto pave kuiswa pfihwa reutare iro rine makumbo mana uye rine pekugadzika poto dzekubikisa nhatu uye pekusasikira nyama panovharirwa kuitira kuti katsi, huku kana imbwa zvisagone kusvasvanhira zvichizvipinza pamachikichori.

Muimba yekubikira maiwanikwawo mbeu dzeipwa, chibage, kana mapfunde idzo dzinenge dzichityirwa kuti dzinogona kupfukutiwa kana dzikasachengetedzwa zvakanaka murimi akashaya chekukavira mhuri ikava nezhara mumwaka unotevera. Mazuvano mbeu idzi dzinogona kusawanikwa dziri mumba umu nekuti kwava nembeu dzakauchikwa idzo dzinotengeswa nemakambani ekuuchika mbeu naizvozvo kwava navanhu vashoma vanouchika mbeu yekuzokavira mwaka unotevera kukohwa iyi.

Mubvunzo wava wekuti zvino imba iyi zvayava kuvakwa nesamende pamwe nekupfirirwa nemarata mipiro yechivanhu inoitirwa pachikuva chemuimba iyi ichasvika here kwainofanira kusvika ichidzoka nemhinduro dzakatarisirwa nevapiri? Chikuva chinoramba chakadaro here? Kushanduka kwacho kunounzei kunharaunda nemhuri?

Kwangu kufunga ndekwekuti kushanduka kwechikuva hakufaniri kusandura mafambiro emupiro uye mhinduro dzemupiro. Ngatikurukurei nezvazvo tivake jekero yeramamngwana rakajekera rudzi runouya.

© Tinashe Muchuri 2017


Comments

Popular Posts