Farai Mungoshi nechakafukidza dzimba kwesekwese

Farai Mungoshi akakomberedzwa nehutungamiri hweUZ Press and Creative writing Clud kuUZ apo aipakura nezveupenyu hwake munezvekunyora pamwe neizvo akakura achiona kubva kuvabereki vake. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2016


Aita twake ndihombarume, ndiko kureva kwevachenjeri vekare. Vakapamhidzazve voti chave chigondora chave chimombe, kurega kutunga hwava hurema hwacho. Asi Havana kugumira zvavo ipapo nekuti vakawedzera voti mhembwe rudzi inozvara mwana ane ruzhumwi.

Nyaya yandakanangana nayo pano ndeyemunyori anonzi Farai Mungoshi anova mwana wemutambi nemugadziri wemafirimu, Jesesi Mungoshi nemunyori ane mukurumbira Charles Mungoshi. Zvino mukukurukura kwaakaiita rimwe zuva adaidzwa kuti akute chikuva cheUniversity of Zimbabwe Press and Writers Club akati iye akatanga kumhanya nekunyora mafirimu achida kuti asaenzaniswa pakupenengurwa nevapenenguri vezvinyorwa nababa vake. Chaasina kuyeuka hake ndechekuti kumafirimu kwekare aigona kuenzaniswa naamai vake zvekare vakava nemukurumbira pavakava mutambi Neria mufirimu rainzi Neria.

Nhengo dzeUZ Press Club dzichirerekefra zheve kumashoko aFarai Mungoshi kuUZ. Mufananidzo naTinashe Muchuri.
Zvinhu kana zviri muropa zvinokutakura kuenda newe kwaunenge uchiedza kutiza. Rwendo rwuno mukomana akabva aona zvakakodzera kudzokera ndima yaaimbenge achinzvenga. Shasha yakabva yati kudya riri gonho ndiko kuzvigona kwakubura muunganidzwa wenyaya fupi dzinodaidzwa nekuti ‘Behind the Wall Everywhere’ unova ndiwo sakiso yechinyorwa chino. Zvino chiregai tivedzenge yauya nahombarume. Ko ingadyiwa yose musi mumwe here? Handiti inotoda kudyiwa kutanga namatumbu, zviropa namapapu pamwe nairo guru, chisusuvarisa nemutyutyuri, imwe ichirimbirwa kuzodyiwa chava chimukuyu chaiswa dovi kana vundu.

Paakandigashidza rangu bhuku munyori akandikohomedza nekunyora papeji rekutanga kuti, ‘Hezvo Muchuri, chifamba uchirava, uchirava uchifamba’ ini kwava kuchirika izvi apo ndakarara ndichirava, ndichirava ndirere zvangu.  Ndakarava bhuku iri usiku humwe asi zvikanditorera nguva refu chose kuti ndikwanise kuvhenyengura muunganidzwa uno. Farai akaita chivindi kunangana nezvinhu zvinonyanya kusiiwa nevamwe vanyori. Kudai ari Memory Chirere achizviti ‘Tudikidiki’ asi turitwo tunotakura upenyu hwevanhu mugeto. Tunyaya itwotwo nditwowo zvekare tunoraramisa vamwe muupenyu hwavo. Kana ari Virginia Phiri achitutiwo zviera. Izvo zvinoera zvikasapenengurwa hapana anozoziva kuti zvinoera zvakadii kana zviya zvichinge zvachirikwa. Izvozvi zvisingadi kukurukurwa zvizhinji zvacho zvinotaurwa magonhi edzimba akakonyiwa kure nezheve dzevazhinji ndizvo zvaakatsunga kudura mumuunganidzwa wake wenyaya fupi Behind The WalL Everywhere.

Zvinoshamisa kuti Farai semunyori anogona kuonekwa semutsva kunyange zvake pakuona kwangu zvichibva panhoroondo yake asiri mutsva asi mutsaru muhutsva hwake sezvo nyaya yake fupi yakatanga kuburitswa mugwaronhau reHorizon mugore ra1995 apo aive nemakore gumi nemapfumbambwe oga uyewo kuti firimu rake rekuvamba rakavoneswa pachivhitivhiti cheZimbabwe Television(ZTV) mugore ra1998 apo aive nemakore makumi maviri nemaviri ekuzvarwa. Hongu mutsva pakuuya nemuunganidzwa unotokonya fungwa dzavazhinji wakanyorwa nevunyanzvi bwunopa kuvhinyungura ndangariro.

Farai akagona kuvhundunyura nyaya dzevapoteri vakatamira mhiri kwemakungwa kundoshava cheuviri, hoyo onangana nemumabhiriji, kukwira pamusoro petawaraiti kunge munhu agree pashongwe pauringo hwenharire achisora zvose zvivandikwa zveguta, nyika, musha, upenyu, vanhu zvisinei nedzinza, rudzi kana ruvara ipapo achibudisa pachena kuti hakuna chakavanzika chisingabudi pachena kana chakandwa munzeve mbiri kana kumbonderwa nameso mana.
Semunyori anobuda mudzinza rakapa nyika vanyori vane chitsama kunze kwevabereki vake vapedzyo ane madzikoma navamwe vanababa mudzinza rake rekwaMungoshi vane utesve hwakatesva zvekuva vanasarungano nenzira dzakasiyana. Sazita waCharles Mungoshi anonyora mabhuku ekurudziro yebudiriro muupenyu pamwe naJonah Mungoshi, Ray Mungoshi anonyorawo dziri nhau kwazvo, David Mungoshi achinyora mabhuku euvaranomwe zvinogona kuita kuti kudai kuri kare dzinza ravo richinzi ravanasarungano kana kuti ravanyori.

Farai anoita kuti muverengi ufunge kuti chiriko here chinonzi chakavanzika uye irwo rudo chii? Mudzimai wako ndewako here uye ivo vana vacho ndevako here kana kuti mudzimai wako akamirira iwe wega here kana kuti iye murume wako chaiye ndewako wega here kana kuti ane barika guru risingataurwi pachena asi richingori pachena iwe uri wekugumisira kurinzwa. Chakavanzika kana chapfudzunuka. Ndiko kuita kwaFarai?

Dzinza rekwaMungoshi pana Farai rinochadada sekudada kwaraingoitavo navamwe vakamuvhurira gwanzi nekuti Behind The Wall Everywhere rinomukona wekumuunzira ruremekedzo rwekuva Munyori ane ziso rine hunyanzvi pakuona zviitiko zvenyika uye pamwe pacho ukaona manyorero ake enyaya dzekutendera chitendero chechikristu unogona kufunga kuti naiye haaendi kusvondo apo anonyatso dhavaza vaporofita vamanyepo pamwe nekunyepedzera kwavatenderi vechiKristu zvekuti anovaona anofunga kuti vakapinda denga kare uye hakunazve kutongwa panouya iye Jesu Kristu wavanotevera kunyange akadura pachena kuti havasi vose vanodaidza zita rake vachandoona humambo hwekudenga.

Mufananidzo wepabutiro rebhuku raFarai unoratidza vanhu vane zvizhinji zvinovanotsa, vakaredzva zviso kuda kuziva zvizhinji pamusoro pavamwe vanhu uye vakagtsamwa zvikuru nekuzivikanirwa zvakavanzika zvavo. Ko, iyo nyaya yemakunakuna, nyaya yebonde vana vari vaduku, nyaya yezvinokora kuvana vaduku akanyatsoitsondokota mubhuku iri zvekuti varavi vachaona kuti hakuna nzira yemudimbudzirwa kubudiriro uye kumufaro panyika pano. Kana chakafukidza dzimba chikava pachena charohwa bemberera kana sekunge guhwa panobuda chisvinu here?

Tombomira pano ndisati ndawanikidzwa neziso raFarai akazofumura hwangu upenyu kumuravi ndikava usina chimiro.
©Tinashe Muchuri 2017
  


Comments

Popular Posts