Mufananidzo wamatarenda wakandibata

Zvimwe zvinhu zvinoshamisa mafambirane azvinoita. Handina ruzivo nemari asi ndakasangana nenyaya yematarenda mubhaibheri ikandibata. Zvinonzi kune umwe munhurume akapinda murwendo ndokusiya apa vashandi vake matarenda. Umwe akapiwa mashanu, umwe maviri wekupedzisira ndokupiwa rimwe. Akapiwa mashanu anonzi akandoshandisa matarenda mashanu akadzoka ava nemamwe mashanu pamusoro. Wemavirivo akanoshanda ndokudzoka ava nemana. Uyu wekupiwa rimwe akafushira pasi ndokubva rarega zvaro kubara rimwe tarenda.

Munhurume wekupinda parwendo adzoka akati kuvashandi vake huyai nezvamakashanda. Mumwe nemumwe akauya nezvaakashanda. Vamwe vakashanda vakauya nezvavakashanda vakapiwa mibairo. Uya wekusashanda akatorerwa raakanga akacherera pasi ndokunzi ibva pano haubatsiri. 

Apa ndipo pakazouya nyaya yemabhangi ekuvharwa muZimbabwe. Ipapo vanhu vakatora mari yavo ndokuiisa mubhangi. Bhangi riya chiona zvarakaita. Kugarira mari yavanhu. Kufutsira mari yavanhu kwakutokanganwa nezvazvo. Vanhu nechigumbu ndokuuya ndokutora mari yavo, sarei bhangi harisisina mari. Mufananidzo uyu wakandibata. Zvakangonakawo kuverenga mabhuku nekuti zvinosimudza kubata basa muupenyu. 

Comments

Popular Posts