Kunenge kureva nhema

Ndave kutya kureva nhema
Kupupura pamberi pevazhinji ndimire
Ndisina kana nyadzi ndichitaura kuti
waenda uyu waenda nenguva
kana kuti ndiko kuita kwaMwari
kwava kusimbisa vasara ndichiti
ndiyo nzira yedu tose kana nesu tichaenda
honguzve tinoti murawu
asi hazvina kumbonzi chiregai kuzvichengetedza
hazvina kumbonzi murege kuzvidzivirira
kana kurega kuzviisa pakanaka
kwete! kwete! handizvo
kana kunyepera iye satan
kumiti akauya kuba nekuparadza
ko ane zuva raakati regedza kuzvidzivirira here
dzimwe mhosva kupomera kunenge kureva nhema
kutovenga neasingakuvengi
kupomera neasina mhosva

Copright: Tinashe Muchuri 2016

Comments

Popular Posts