Kumambure: bhuku ririmubikiro

Ndaiva padare nasekuru apo vaitaura nezvekusvika kwezuva remambure ayo vainge vandivimbisa kuti ndaizoenda kundosvayawo mhuku kekutanga mukuva kwangu mugari wenyika.
Sekuru Kubvovora vaizivikanwa nevunyanzvi bwavo bwokurinda pamatumba kumambure.  Mbiri yavo yainge Kumambure hakudi kupusa muzukuru. Kune miko inofanirwa kuitwa uye kuteverwa usati waenda uye uye waveyo. Mauro anoteverwa nezuva rokuenda kumambure hakuna munhu anobvumirwa kuita bonde, kudya sadza negusha. Vaibudira kumambure vaisabvumirwa kutakura mbuva kuenda kusango isiri maputi kana mutetenerwa. Kana vaveyo vaisabvumirwa kuita bonde. Vamwe vanhu vaitora kuenda kumambure senzira yekuwana kwekusasanira. Izvi vaizviita sekuti vabatwa nechabwibwi ivo vachiziva havo kuti vanoda kundoita bonde kure nevanhu. Miko iyi yainhwi ikacharikwa kwaisabuda chakanaka kumambure. Zvaigona kusakisa kuti vanhu vadzoke vakabata maoko, kana kuti vamwe vevanhu vaizokuvadzwa varwiswa nemhuka musango.
Chiguri naDarambwe vakazviedza kutamba zvebonde vakawanikwa vasasikwa paruware vari mushwi. Vakazotirimuka kuziva kuti varipi vadirwa mushwapuro wemuchakata. Zvaishamisa kumambure. Zvaizoti vanhu vasvika kumambure, mimbure yaibva yabatanidzwa ichiumba chinenge chidimbu chedenderedzwa chepakati nepakati. Mimbure yamiswa kwaizovakwa matumba emiti ayo aizoshandiswa kuitira kuti mhuka dzisatya kupinda mumambure. Mumatumba ndimo maizovanda varume veumhare vaiva vakapakatira pfumo, nduni, nebakatwa. Pfumo raiva rekubaya mhuka inotyisa kana yamonerwa nembure. Idzi ndidzo mhuka dzakaita senhoro kana dzapinda mumumbure. Asi mhuka diki dzinenge mhembwe, mhene, nengururu dzaingosvitwa nduni misoro yotozhekezheka pamwepo nekupfaunha. Kana yapfaunha murindi wedumba aibva asvikodimbura huro kuti ropa ribude kuitira dzimwe hama dzisingadyi nyama yakavhundirwa.

Vamwe tese taizoinda nechekure tichirongwa pandima ingaita zvinhanho makumi maviri kubva pane umwe musvayi. Ipapo taibva tanzi rume rakasvika apo, musikana apo, rume rakasimba apo, mukomana akatsonga apo, zvichingodaro kusvika pane wekupedzesera. Ini ndakava wekupedzesera kuronganiswa. Ndaiva zvinhambwe zvishoma kubva paiva paine rumha rwekutanga paiva patangwazve kusimwa mambure.


Chidimbu kubva muna Kumambure. Copyright Tinashe Muchuri 2016

Comments

Popular Posts