Vatambi vachiratidza matambudziko avanoda kurwisana nawo pamwe nekudzivirirwa kwaari.
Who is a child? Ndeupi anganzi mwana?
Chipawo girl power project
Mukokori: Chipo Bhasopo

Vhenyenguro:Tinashe Muchuri

Mumwedzi waChikumi nyika zhinji dzemuafurika dzinorangarira zuva remwana wemuAfrika iro rinodaidzwa kunzi International Day of an African Child rakauya mushure mekurangarira avo vakasimudzira nekuratidzira kupokana nehutungamiri hweapartheid kuSouth Africa mugore ra1976 uko kunodaidzwa nekuti Soweto Uprising.

Vana kunzvimbo dzakatsaukana vanoungana vachitaura nezvematambudziko anosangana navana munyika ayo anenge achirwisana nekodzero dzavo pamwe nekurarama kwavo kwakaringana.
Senzira yekurangarira zuva iri, sangano reChipawo iro rinova rinoshanda nevana pamwe nevechidiki mundima yehudavadi vakaita mutambo wavo waidaidzwa kuti Who is a Child? Ndeupi anganzi mwana? Kana zvichipindurwa kuchiShona, uyo wavakatambira paTheatre in the Park musi weMugovera wadarika.

Mutambo uyu uyo waisanganisira kudzana, kuimba, kutaura nemuviri zvisina mazwi pamwe nemashoko anobata moyo, wakavaraidza pamwe nekutokonyo pfungwa dzevaoni. Mutambo uyu wakagona kuratidza matambudziko anosangana nevanasikana pamwe nemadzimai mukururarama. Mabasa mazhinji, ayo anosangana nemwanasikana kumaruwa, akaita sekufamba mitunhu mirefu achienda kuchikoro uko kwaanogona kusangana netsaona yekubhinywa kana kutopondwa chaiko namatuburamoyo, kurambidzwa kuenda kuchikoro vachinzi vape mikana kuhanzvadzi dzavo, kuroorwa vachiri vadiki ndeamwe emadingindira akaburitswa nemutambo uyu.

Mutambo uyu unonzi wakambotambwa kuBotswana mugore radarika kuguwerere rezvemutambo rainge rarongwako, mutambo unosiya vaoni vakabata shaya vachifunga nzira dzokuti vangagadzirisa sei nhamo dzakanangana nemwanasikana pakurarama.
Vatambi muchikamu chemutambo Who is a Child? mufanananidzo naTinashe Muchuri

Mutambo uyo unotambwa navanasikana vanosvika gumi navatanhatu unotanga vanasikana ava vachikurukura kuti inyaya dzipi dzavanganotaurira vatungamiri vedzinyika uko vainge vakokwa kuti vavaraidze uye kuratidzira matarenda avo kumusangano wavatungamiri ava. Panobuda nyaya dzinosanganisira dzezvirwere nezvimwe zvakawanda zvinosanganisira dzevamwe vana vari kurera vanin’ina nehanzvadzi dzavo uyewo vamwe vari kurera vakweguru vavo pamwe nevarwere kumisha yavanobva. Zvinova zvinozadzisa mubvunzo wevana wekuti Ndweupi anganzi mwana, kana vanonzi vana vari kuita mabasa anofanirwa kunge achiitwa nevabereki vavo?

Mutambo uyu unobatawo nyaya yekudzidzisa mwanasikana, iyo vamwe vanhu vasati vaikoshesa munyika. Kunewo nyaya dzakaita sedzekuendeswa kunodzidziswa zvekuva munhukadzi izvo mamwe matunhu anoti mwanasikana wabva uku haachafaniri kunosangana nevamwe vana vasina kudzidziswa naizvozvo akafanira kuti achiroorwa. Hakuna nyaya inosara mumutambo uyu kukurukurwa kusanganisira nyaya yevana vanokurira mumigwagwa vanozopedzesera vatangawo madzinza mumigwagwa.

Vanasikana vanochemera mikana yekurarama kwakanaka vachizvishandisira maoko avo pamwe nenjere dzavo kuita mhindu dzokuunganidzira mhuri upfumi.
Chakanakira vana ndechekkuti vanonyatsoisa samba ravo rese pamutambo wavo vonyura mauri zvokuti zvinonakidza uye kubata vaoni.

Ndakanzwa mumwe muoni aiva agree pedyo nepandaiva ndigere uyo anova mutunganiriri weNdau Arts Festival, Phillip Kusasa achiti, “Zvakanakisisa izvi. Kudai zvakadai zvichisikewo kweduyo, anhu aizoone kuti tichiri kumushure pane zvimitambo izvi.”

Nekudaro zvakakosha kuti mutambo wakaita saiwoyu usvikewo kune dzimwe nzvimbo dzinogona kunge dzakasarira kumashure kuti undoningura pfungwa dzavamwe vachiri muhusiku hwekupitirwa nezarima rekuti chemwanasikana kuroorwa cheteche.

Zvisirizvo zvega, vanasikana veChipawo ava vairatidza kuti vainge vatora nguva yavo mukuwenenzvera mutambo wavo izvo zvakaonekwa nekuurungana sehari yetsvedzereswa muviri nehurungudo kwawainge wakaita.

Pasi rose rirkurwisana nekuroodzwa kana kuroora kwevana vasati vayaruka. Nzira yemitambo iyi ndeimwe yenzira dzekuvhura vachakapwitirwa meso kuti vaonewo kuchena kwaita kunze nenzira yekudzidzisa mwanasikana.


Comments

Popular Posts