Anohwa

Zvatinobwereketerana pano
pane akamisa zheve kutapa
tinozviziva wakatumwa
kutumwa kuzohwa isu,
pamwe uchitanga uriwe
isuwo hedu tichitevera
zvino chihwa hama
iyewezve mutereri
uriwezve musvitsi kwavari
tanyara nekutevera nhema
tamboshivirira asi haiwa zvava kusvodesa izvi
ukahwavo nezvana zvopazhamuka pachena
zvoshura hope dzamambo
usasiya kana shoko
urevese sekureva kwedu nemo nemo, tanyara!
vavudze zvose zvatakareva neiyi nhamo yokushaya shavo
kungokuvudzavo zvedu
kuti zvitsva here?

(c) 05/06/2016 Tinashe Muchuri

Comments

Popular Posts