Ndaenda

Wanyanya kutaura, kureva nhema ndisipo.
ndahwa mashoko ako amire mihwa namasoso
handidi kumirira kubaiwa pakunyahwaira ndichibuda
usandibvunza kwandinoenda seune hany'a
iwe uchitoti zvandibvira nepi, Nyareza wakombora...
rega ndireve ndichine ndinotora mazwi neumhizha
kwako kureva kunosunamisa mwoyo uchikanda zvadyiwa kuzhe
Handina kuziva nguva iripo
ndingadai ndakakukanda kudurunhuru iwo musi uya
wawauya une misodzi yekuda kuhwirwa tsitsi
zvino ndakaiposha ndikakuhwira tsitsi
izvo ndorera mbwa nomukaka nhasi yandichenamira
kuburitsa meno anokachika neuturu hwechimbwamupengo
chirega ndibude usanditarira
usatevera hwema hwangu iwe usine hany'a
Ndaenda.


Comments

Popular Posts