Chikwambo kana gona chii?



Vazhinji tinoziva rumbo rwaMacheso rwaanonga achichema-chema kuti musha wapera apo anoti “Kana akaromba chikwambo ngachidzorerwe kumwene wacho.”kunr rumwe ru,bo zvakare runova nderwekukereke runoimbwa ruchinzi “vedzinza vane chikwambo chinondisveta ropa, baba pandimire pakaoma.” Nziyo mbiri idzi dzinoratidza kuti chikwambo chinhu chakaipa nokuti chinoparadza. Murumbo rwaMacheso tinoratidzwa kuti chikwambo chinotorwa kubva kun’anga. Ndingati anoti chinorombewa. Asi kana charombewa choparadza rudzi. Ukuwo kurumbo rwepiri tinoona kuti chikwambo chonosveta munhu ropa achifamba zvinopa kuti ari kusvetwa arware kusvika pakufa. Murumbo umu anosvetwa uyu ari kunamata kuna Musiki kuti abatsirwe kutsipika chikwambo chisamusveta ropa. Chikwambo munziyo mbiri idzi dzinoratidza kuti chinenge chiri chehama, kana kuti chinorombewa ne hama.

Icho chikwambo chii?

Chikwambo chikonzi. Basa rechikonzi kugaiwa panguva iyo munhu anenge achida kuripwa pfuma yake kana chimwe chinhu chakakosha chapambwa neumwe munhu zvine chismba neukuriri. Chikonzi hachina basa mazuva ose. Chikonzi chinodiwa musi uyo munhu anenge atadzirwa. Uyu ndiwo musi munhu anoda kuenda kudare kuti andopiwa chikonzi chitevere pfuma yake.

Chikwambo chinoshandiswawo nenzira imwe nechikonzi, kutevera pfuma yakatorwa nemumwe munhu. Chikwambo chinogona kuva gudo, shiri, tsuro kana ipi zvayo mhuka inosvika pamusha pouya akapara mhosva kana kuti uya akarozva pfuma yemuridzi ari kuitevera achiudza ichiudza uya akaparamura kuti adzorere zvaakatora kumuridzi. Akaparamura anobva apa mhuka iya mari kuti iyendese pfuma. Zvino kana pfuma yadzoswa, chikwambo chinobva chadzokera kwachakabva. Hachigari nemunhu achohaya. Chinodzokera kwachakabva sokudzokera kunoita chikonzi kana chapedza basa rachatumwa.

Zvino vanhu vanopesanisa gona nechikwambo. iro gona rinombova chii?

Gona ndiro riya raiva naMachingura uyo akazoimbirwa karumbo kaya kanoimbwa kachiti, “Gona raMachingura rapedza hama hoyere, Gandanhamo.” Gona ndiro rinopedza hama. Gona rinouraya hama. Ndiko saka hama dzaMachingura dzava kuchema kuti gona rake rapedza hama. Asizve mukupedza hama kwarinoita ndimo mukuunza nhamo mumusha. Izvi ndizvo zvinodurwa neizwi ‘gandanhamo’. Nokudaro gona hariunzi mufaro mumhuri. Rinounza kusuwa nokurwadziwa kukuru. Gona rinounza kuchema mumhuri. 

Gona rinogona kuuya iri nyanga, chitende chizere ropa, chikari chizere ropa, chifura izvo zvinova ndizvo zvinoshandiswa kukuvadza munhu. Gona rinounza kupesana mumhuri, asi chikwambo hachina hacho dambudziko nehama. Chikwambo chinovinga iye akapara ndava yake. Nokudaro chikwambo hachiunzi kushushukina kumburi kana kufa mumhuri.
Kudzidza kunouya chero wakwegura nokuti kudzidza hakuperi.

Comments

  1. Saka pfungwa yekuti chikwambo ndicho chinokonzera rufu mumhuri yakabvepi?

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular Posts