Watova mukadzi mukuru mwanangu



Ndawanawo mukana uno regai nditaure. Zvimwe kunyarara kungandisvitse muguva. Zvinenge upenyu muchechetere kana zvichitaurwa pazvivhitvhiti tichiratidzwa magetsingwe-e emumaguta, izvo kwandiri manyama amire nerongo.

Ndini mangwanani kumuka kutsime dendere kundochera mvura yekusiya ndasuka midziyo yokushandisa pamba yakaita semapoto, ndiro nemigoti. Vamwe vanenge izvozvo vachigadzirisa kuti zvinhu zvavo zvivafambire. Vamwe vaenda ini ndosara ndotevera kuchikoro.

Hondo iri pakufamba mitunhu mirefu inosvika makiromita makumi matatu zuva rega rega randakafanira kuenda kuchikoro. Vanakomana unonzwa vachinzi vaende zvavo kundogara pazvitoro zvisisashandi pedyo nechikoro apo vanopiwa mari yekuroja pokugara vachidzidza. Ini ndainzi ndikaenda kundogara pachikoro ndinozoguma ndaita pfambi ndomveyesana nevarume vakuru vanouya apa vachinwa hwahwa.

Gokwe inogara iine nzara makore mazhinji. Donje ndiro rinorimwa vanhu vachizotengesa kunzvimbo dzakasiyana. Kwedu kwashe Jiri kana ratengeswa vanababa vanotanga kunwa doro zvinosemesa. Vanonwa doro zvokukanganwa kuti donje racho vakaririma pamwechete nemhuri. Vanenge voita kunge vakarima vega pasina mhuri dzavo. Vanamai vanenge vangova matsengwa epwa kana matohwe. Anenge achavaona hapana. Vamwe vanamai vanogumisira vazvidzungira neshungurudzo iyi.

Ini pandakanzi navakoma mwana wamaiguru mukoma wamai “huya munin’ina ugare neni uchipinda chikoro pedyo” ndakanzwa mufaro mukuru uchindiwira. Ndakanzwa kuzorora kwemwoyo wangu. Ndakati nhamo yekutya kubatwa chibharo mumasango ekufamba mitunhu mirefu kwaguma. Ndakapemberera nechemumwoyo kuti zvandibvira nepi. Ndainge ndongoti kudai baba namai vabvuma kuti ndindogara navakoma ndichipinda chikoro. Vakoma vangu neni taiwirirana chose. Kana vari babamukuru vangu murume wavakoma tainzwanana zvakanyanya. Taive tiri vawadzani. Vaive neshungu yokuona ndichibudirira. Vaiva chipangamazano kwandiri.

Pakabvuma baba namai ndakati Mwari wangu wandinzwa. Ndakanzwa myoyo wangu kuti nyevenu kuti ndazobudamo munhamo yekushaya nguva yekuverenga mabhuku angu ekuchikoro izvo zvainge zvosakisa kuti ndiderere pazvidzidzo zvangu. Kwavakoma kwaisava nemitunhu yekufamba uye kwaisava nekutakura migomo yemvura ndichibva kure nayo. Vaigara zvavo pataundishipi pedyo pedyo nechikoro. Ndakafarirazve nyaya yekuti kumba kwainetsa mwenje wekuverengesa mabhuku kuti ndiwane kuita zvidzidzo zvekumba asi kwavakoma kwaiva nemagetsi izvo zvaizoita kuti ndigare ndakasununguka.

Musi wandasvikayo kutuundishipi ndakanzwa mwoyo wangu kusununguka. Kuchikoro nzvimbo yainge yatogadzirwa kare. Babamukuru vangu samudhumeni vaive vachiwirirana nomukuru wechikoro saka nzvimbo haina kunetsa. Chikoro ndakachitanga zvinhu ndokutanga kufamba zvakanaka. Zvidzidzo zvangu zvainge zvaderere pakuzvinzwisisa zvainge zvasumukira zvino. Mushure metemu imwe ndiri pachikoro apa ndakashamiswa ndichidaidzwa kuti ndiitwe umwe wemapirifekiti epachikoro apa. Chakandishamisa chaiva chekuti unhu hwangu hwainge hwazivikanwa narini ini ndaisava nenguva ndiri pachikoro.

Kupera kwakaita gore ndichingosvitsa makore gumi namatanhatu, mukuru wechikoro akandidaidza kuhofisi yake. Akandipa chipo chamadhora mashanu zvikanzi, “Makorokoto mudzimai wangu wakuru. Zvino wavakubvira kupwanyanamapfupa. Nyangwe ndikapwanya ako mapfupa hakuchisiri kupara mhosva. Wava mudzimai mukuru iwe,” akadaro mukuru wechikoro achisekaseka. 

Akandirovarova magadziko angu. Ndakamuti handizvidi iye ndokuseka zvake achiti azvinzwa haachazoitizve. Ndakamuregerera ndikati anzwisisa. Mushure mekupiwa chipo ichi ndakabva ndadaidzwazve ndikanzi ndini ndave hedhi gero wepachikoro. Vanasikana vose vainge vava kugwadama kwandiri. Ndaiva ndotungamirira maprifekiti ese ndichibatsirana nemukuru wevadzidzi vechikomana pachikoro. Zvidzidzo zvangu zvainge zvasumukira zvakanyanya. Zvino ndaive ndisisina andaizeza pazvidzidzo. Vabereki vangu vainge vavakufarira kuti ndainge ndava kuzosandura upenyu hwavo pamwe neramangwana rangu. Kana navakoma vangu vaifarawo chose.
Temu yepiri gore repiri ndiri pachikoro apa masamba akabva asiyana. Rimwe zuva mukuru wechikoro akandishevedza kuhofisi yake. Ndakawana agere muhofisi yake ari oga. Akanditi andifarira chose uye ndokundituma kumba kwake namabhuku. Ndiro raiva zuva rangu rokutanga kusvika kumba kwake. Ndaingonzwa kuti ainge ane madzimai maviri. Umwe wemadzimai ake aive mudzidzisi kune chimwe chikoro chaiva kure nepaidzidzisa zvokuti aitoendako pachishanu achidzoka kuchikoro musi wemuvhuro mangwananingwanani. Wechipiri ndiye waaigara naye pachikoro uye aive asingashandi. Basa rake raiva rokuenda kuBotswana nokuSouth Africa kundotenga zvokuuya achitengesa. Vainge vatovhura chitoro chezvitengeswa zvamagetsi nembatya. Sezvo mudzimai wacho aisavapo, mukuru wechikoro akanditi nditsvaire mumba mavo. Semukuru wavasikana pachikoro ndakangofunga kuti kutsvaira kumba kwemukuru wechikoro raiva basa randaifanira kuita semwana wechikoro. Ndakaita saizvozvo.

Ndisina nokumboti kudini nokutsvaira kose, mukuru wechikoro akabva apinda mumba. Zvakaita sokuti akanditevera ndisati ndomboti nokudii kose. Akabva avhara musuwo sokuti pane vaaisada kuti vaone kuti apinda mumba mandaiva ndichitsvaira. Akabva andimisa kutsvaira.

Akati, “Ndinoda uve mudzimai wangu. Usanditya hako. Chinhu changu chidukuduku. Ndine mombe zhinji kumba kwangu. Ndinobhadhara roora kuvabereki vako pasina dambudziko. Ndine mombe, chigayo nemotokari.”
 Ndakavhizuka apo ainge ava kuvhura zipi yebhurugwa rake. Ndakavhunduka. Ndakamhanyira kumusuwo kundoti ndindowana kubuda ndiende. Nyamba paya paakavhara musuwo ainge atoukiya kare. Ndakashaya pekupoaya napo. Pandakada kuridza mhere ndakaona oburitsa zibanga reOkapi raiva muhomwe make. Ndakarohwa nehana. Ndiri mukurohwa nehana akabva andibata ndokuita bhurukwa rangu rokucheka nebanga kuita kunge kanhembe kevatambi vemhande. Kutya kwakanyanya kuuya kwandiri. Apedza kuchekacheka bhurukwa rangu akabva anditi, “Ukangoti bufu ndinokuchekacheka sezvandaita bhurukwa rako.”

Akaita zvaaida neni. Apedza kuita zvaaida neni akabva anditi ndigeze nemvura inotonhora yaibva mufiriji iine munyu. Izvozvo ainge akatarisa ndichigeza nhengo yangu nemvura yaichekacheka maoko nokutonhora. Ndakademba kuti kudai ndakagara ndiri kumusha ndichienda kuchikoro kwandaifamba nemusango zhichida kana riri bhinya remusango ndaizogona kutiza ndikarisiya. Ndapedza kugeza akandikandira mvemve reburukwa rangu. Kutya kwakandiputira. Muromo handina kugona kuushama. Mumwoyo mangu ndainge ndongoti kudai zvikoro zvavharwa. Pakavharwa zvikoro ndakaenda kumba. 

Mukuru wechikoro semunhu ainge achingofunga kuti ndichataura ainge ongondifudza semombe. Akabva afona panhamba dzangu achifunga kuti aizotaura neni. Foni ndaiva ndaisiya kumba namhamha ndaenda kutsime. Mai vakashamisika kunzwa mukuru wechikoro achiti, “Usatye dhiya. Kana dziri mombe ndinoripa. Kana iri nhumbu haisi hora nokuti ndinoriritira mwana wacho iwe uchienda kuchikoro.”

Pandakadzoka nyaya yakange yatova mumaoko anabhudhi vangu. Mai vainge vaendesa nyaya kuna baba. Vanabhudhi vakabva vatanga kutaurirana nemukuru wechikoro. Ini havana kundidaidza pahurukuro dzavo. Vakangotora foni yangu yaiva nehurukuro dzandaiita nemukuru wechikoro pandaimupopotera maererano nezvaainge andiita. 

Ndakazongonzwa zvava kunzi vabhadharwa mari yekuti nyaya yangu isataurwa kuvakuruvakuru vezvedzidzo. Ini ndokunzi ndinyarare kutaura nyaya iyi nokuti ndainge ndaripwa. Mari yakabhadharwa yainzi ndeyababa kunge ndivo vainge vabatwa chibharo. Zvakare payakashandiswa ini handina kupiwa mari yemarwadzo andakapiwa nemukuru wechikoro. Chakandinetsa ndechekuti ainge atemwa nerakagora aiva ini asi nokuda kwekuti ndiri mwanasikana havana kuda kundibvunza kuti unoda kuripwa chii pakukuvadzwa kwawakaitwa nemukuru wechikoro. Kana mai vangu havana kuda kundiona ndiri padare rehurukuro dzokuripwa kukuvadzwa kwandainge ndaitwa.

Mai vaitondishingisa norokuti, “Watova mukadzi mukuru mwanangu. Wotoshinga kutarira ramangwana rako. Ndizvo zvinoita varume. Ingoshingirira kupedza chikoro chako uzvishandire.

Kunyange zvazvo ndichienda kuchikoro chiri kure nemusha wedu, moyo wangu une ronda. Mukuru wechikoro havana kudzingwa basa. Nyaya yangu yakamira. Vabereki vangu varikunditi ndinyarare nokuti ndakaripwa asi ini ndisina kupinda mudare rekukanganisirwa nemukuru wechikoro. Kudai ndisiri mwanasikana zvichida ndaigona kumirawo mudare ndichireva zvandinoda. Nyika ngaisvinure tirwise mabhinya.

Comments

Popular Posts