Nhetembo dzaAli Simbi

Masahwira anoshanyira sahwira kuti vatambidzane mazano sezvo iwo mazano ari maranganwa. Zano ndega ndiye uya wekuzosiya jira mumasesezve. Kuti hona icho hunge muri vaviri. Saka pano tatsikwa nasahwira Ali Simbi anova mudetembi pamwe nemunyori wenyaya fupi pamwe nemanovero. Inzwaiwo nhorwa yataunzirwa nasahwira wangu Simbi.



Mbuva.

Nhandi ambuya
Muzukuru wenyu ndatsva
Ndatsvira mukati chaimo
Mukati kati memwoyo
Handichina zororo
Mwoyo warwadza.

Taurai nasekuru
Vakupei nhava yavo
Mugondigadzirira mbuva
Mbuva yerwendo
Yandichadya ndave munzira
Kana ndaziya nenzara.

Ndafunga kurova masango
Masango anoera
Handizivi kuti ndonangepi
Ndichave sweroenda mukwasha wemhepo
Afirwa hatariswe kumeso
Nekudaro ndati mundigadzirire mbuva

Ndafunga kutevera
Kutevera kwakaenda mwana uye
Mwana aigara pakati pemwoyo wangu
Achiuchengeta mazuva ose
Akazobudamo ndokuenda
Ndokuenda kwandisingazive
Ndokusiya asina kupfigira
Kupfigira mukova wemwoyo wacho
Zvino ndatsvira mukati.

Ndinoda kumutsvaka dakara ndamuona
Ndichinge ndamuona ndichamudzoseramo
Ndopfiga zvekare mwoyo wacho
Zvekuti haabudimo sezvaakaita
Nekudaro ndati mundigadzirirewo mbuva
Mbuva yerwendo ambuya.



Rudo rwako

Rudo rwaunondipa mudiwa
Rwaramba ruchierera
Ruchierera semafuta
Semafuta enzungu
Rwaramba ruchisinina
Ruchisinina semvura
Semvura yemuvhitubu.

Rudo rwaunondipa mudiwa
Harushandutswe nemamiriro ekunze
Haruna muchando kana muzhizha
Rwakafanana mwaka yese yegore.

Dai waiva chiremba
Ndaikuti murapi mukuru
Izwi rako mushonga
Mushonga unondirapa
Kungorinzwa chete
Zvimhingamupinyi zveupenyu ndotokanganwa.

Patinotaura mutauro werudo
Ndotoona sendave Muparadhaise
Muparadhaise nzvimbo tsvene
Nzvimbo isina zvipomerwa
Nzvimbo inopindwa navatsvene chete.

Deno rudo rwaiyerwa
Rwako harwaiyereka
Rwaidhingura chikero
Ndiwe bedzi wakasikwa naMwari
Vavandudza njere
Njere dzekusika tsvarakadenga.


Comments

Popular Posts