Rwendo rweupenyu



Chete handina kuziva kuti ndizvo zvinoitwa
Kuti kana rasvika iri zuva ndinofanira kupfekawo zvitsvuku nezvichena
Ini pfopfopfo hanzu tema sendinoenda kuDzimbahwe kundopira madzitateguru
Ko ndinongoti ndezvezuva nezuvazve zvedu zviya
Choziva izuva rinoda kuti ndipindewo mugwara ravazhinji
Ndingoita sechitevera vasunzi kunge kwangu kune nzara
Zvanzi ndikudzewo iro dungwe revanoshambadzira zvavasiri kunge vatengesi veshawo
Zvino ini handiteveri vazhinji
Handiteveri vazhinji handitomboiti zvachose
Kutevera vanachindoindawo kwakainda vamwe ndisina rangu zano
Ivo vekwangu vakandiudza kuti zano pangwa une rako
Zvakare usafananidza nguwo nedzaTarubva
Endai mega neuwandu hwenyu
Handina zuva rerudo murudo rwangu
Mhemberero dzerudo hadzikwani muzuva rimwe
Kwedu mhemberero dzerudo rwendo rweupenyu
Kuguma kwadzo ndirwo rufu

Comments

Popular Posts