Wakaenda pauGandanga



Munhu anoronga ega zvaanoda kuzova musi werufu rwake. Hazvina basa kuti wairarama sei uye vanhu havana kubvira vanyatsoziva kana kutendeseka kuti ndizvo  zvauri, musi werufu rwako zvose zvinojekera vanhu. Izvi hapana ane nharo nazvo.
Mazuva erufu rwaChiwoniso akandisvunudza kumeso. Ndiyani asingazivi kuti musikana uyu ainge aberekerwa kuAmerica. Nembiri yekunaka kwemararamire ekuAmerica iye ndokuti ndagutsikana nokundogara kumusha kune rukuvhute rweropa rake sezvo rukuvhute runowonekwa kwakadambukira America pada ndokukandwa muchimbuzi ndokuyeredwa nemvura yetsvina. Kana hazvo mafambire etsina yekuAmerica akafanana neekuno ekuti mvura dzetsvina dzinobva muzvimbuzi dzinowana nzira youkusvika kunzizi zvichida rwakayeredzwa rukasvika kurupande rwegungwa rekuno kuAfrica.
Zvakadaro hazvo akabva asarudza kuva gandanga ndiye uyo zveAmerica ndaramba. Ndiye pamwe chete nababa vake manemane mitundu yavo vodzoka kumusha kuzoridza mbira. Vakauya ndokugara zvavo iye ndokuenderera mberi nokuridza mbira yake. Mbira yake ndiyo yakamuvakira zita. Mumusha maitarisirwa kuti vanakomana ndivo varidzi vembira nengoma iye akava umwe wevashoma vanasikana vakaona zvakakodzera kukwenya mbira. Haana kusarudza nhare inova ndiyo yaiva nembiri yekuva mbira yavadzimu. Haana zvakare kusarudza mbira dzavaNdau. Akati anoda iyoyo yeNyunganyunga inova ndiyo yaainge atambidzwa nababa vake kuva kurudzi rwavaNyungo vekumugano neMozambique. Ndiye akati ndiri pano mwanasikana kushambadzira, kushandisa, kudzidzisa mbira iyi. Nhasi pasi rose rakamuziva mwanasikana wekuZimbabwe ane midzi inobva kuChimanimani werudzi rweShumba Chihwa apo paChakohwa apo. Igandanga remwanasikana.
Akati zvakadaro kana mumimhanzi yake achazvireva. Haana kuda kuti zviitwe zveguhwa. Ndokuribura dambarefu raakapa zita rokuti Rebel Woman. Raiva gandanga redi Chiwoniso. Kana Mukanya vakaimba paya kuti hapana asingadi kuenda kuAmerica, iye akati ndakabarirwako, ndikaramba ndiriyo ndinosiya zvemidzi yekwangu. Akadzoka ndokubata pake. Hezvo aiti kana achiimba waifunga kuti pada akasvikirwa. Kana nembvudzi raimira. Mimhanzi yake yaisvitsa mutereri kure uko vaitaura nevavo vakaenda kare. Kana wainzwa iya yokuti ‘Mai Fambai Zvakanaka’ kana mai vayenda newe waibva wabatanidzwa mumazwi ake mwanasikana. Ndiko kwaiva kugona kwake mwanasikana.
Chiwoniso aiva mambokadzi wemumhanzi wembira. Musikana airova mbira zvinodadisa. Akashanda navaimbi vemimwe misambo yemimhanzi yakasiyanasiyana. Musikana uyu akaita kuti mbira isangane neimwewo mimhanzi yepasi rino. Mbira yakapinda mukereke zvokuti mashavi ayaimbosidyidzaniswa nawo haana kuzoonekwa pambira. Heyo yaakungowonekwawo seimwe midziyo yemimhanzi yakaita segitare. Mwanasikana akashanda basa rake zvakanaka ndokupiwa humambokadzi hwekugona kuridza mbira.
‘Mazirudo,’ ndiko kutaura kwake kune avo vaifara navo. Ndizvo zvaaida kuva nerudo nekuitira rudo. Aida kuva pakati pavanhu, kuva navanhu, aiva wavanhu, vanhu vari vake. Kana nemazuva maviri ekupedzisira ari pano panyika yevenyama, Chiwoniso akati achava navanhu kusvika apo aizoenda ega kuimba yake yepasi pevhu. Akava neshamwari dzake navatsigiri vake munguva yekudya kwamasikati kuimba yemhuri kuBluff Hill. Vanhu vakadya kudya kwamasikati anavo. Hapana akaramwa sadza nokuti aiona Chiwoniso agree zvake pakati pavanhu. Kunyange vamwe vaidzungudza musoro vachiti izvi hazvisati zvamboitika kumunhu wavanhu, pakashaya akavataurira kuti mauya kuzoviga gandanga. Gandanga rakasiya nyika yamunofarira kuenda kundogara mairi achiuya kumusha. Gandanga hariiti zvakatangwa navamwe asi rinomuitiro waro rega. Magandanga ndiwozveka anozoita magamba. Kuva gamba hunge wabata pako zvisati zvamboitwa navamwe. Naizvozvo iye aivaka gamba.
Chiwoniso aiva munhu wekutandara navamwe vari kunze nemusha. Nguva yake zhinji yaiva yekutandara navamwe. Nguva yokuva navamwe vachironga mimhanzi. Nokudaro zvairevei kuti apinde mumba. Kana uko kwaChakohwa kwacho akati zvemumba hazviiti. Kana mutumbi wake waipinda mumba, vaimbi vaya vaimuimbira kekupedzesera vaizomuimbira vari pai. Mumba munowanzopinda madzimai chete. Varume vanenge vari pamoto vachidziya moto zvavo. Mumba imomo ndimo munenge muchiimbwa kazhinji nziyo dzekukereke. Asika Chiwoniso raive gandanga. Pane akatadza kuwona izvozvo. Iye ndokuti ndinoda kuti ndirambe ndiri pakati pavanhu. Vanhu vanofanira kundiwona vachindiimbira kekupwe. Kwete vachindiimbira dzekukereke chete, asi vachindiimbira, jaka, muchongooyo, mhande, jiti nedzimwe dzakawanda nziyo dzeZimbabwe.
Ndekupiwo ikoko pachikare kwaiti kana kwafa mambo aiwonekwa neruzhinji? Kana mwanasikana uyu aiva mambokadzi wembira sekureva kwepasi rose, zvakanga zvakakodzera kuti mazuva okuchemewa kwake ave mazhinji kwete maviri chete kana rimwe chete sezvinoitwa kana pashaika munhu asina chiremerera. Mambokadzi vanowonekwa nokuvigwa chiso chavo kurudhende rwenyika. Naizvozvowo mambokadzi vembira vakavigwa pahumambo. Ndizvo zvaakabvira kuAmerica mwanasikana achiuya kuzosumudzira musambo wembira. Chiwoniso, Mai Fambai Zvakanaka. Makaenda pahumambo. Mukatambirwa kekupedzisira segandanga muri pakati pavamwe vaya vamaidisa. Tichazokuonai

Comments

Popular Posts