Rungano rusina musoro


Ndiri kukuona izvozvi Freedom. Uri kutarira bako rangu nokutya kukuru. Unotya ndinozviziva. Unotya kuti bako rangu ringangokuwira ukatevera vabereki vangu nyikadzimu.
Ndinoziva kwawabva. Ndinopa mhosva kwawabva. Wange wajaira hupenyu hwapamusorosoro muguta reMosi handiti? Paya zviya richiri guta rine kumeso. Kwete iye nhasi uno wave kuno kudai. Chete kungoti iwe hauna hako kumboravira zvakanaka  zveguta reMosi. Zvakadaro hazvo iwe nevabereki vako maive nani pane dzimwe mhuka dzemuguta. Ndinodaro nokuti nhasi hausisiri kwawaifanira kuve uri. Wange wajaira imba inofefetera pefuyumuka? Zvakare uchirara pamubhedha wako wega uyo wawairara pasina umwe aikutadzisa kurara nokushanyarika kana kuridza ngonono. Uri zvako kure nemagwiriri avabereki vako. Zvose izvi zvaguma chisikana. Kubvira zvino watova mugari werino bako irori rauri kutya iri. Rino bako rausina kubvira wamborota kuti uchasiya hope mariri. Ndiyo yava imba yako iyi.
Ndakutambira pano. Chirega kutya zvako. Nyatsotambarara. Iro rino bako ndiro roga imba yakanaka chete parabu rino rose. Tambira hupoteri hwandakupa mubako rino. Hakunazve imwe nzvimbo yauchawana inopfachukira rudo, runyararo pamwe nerusununguko serino bako. Ndiro rino bako regarega pano zvako ufunge chisikana.
Ihwa hako, ndoda kuti uzive kuti sei muno mubako mune rufaro rusingaperi. Imba ino haina umwe akaisa dikita rakwe kuzhe kwangu. Ndinoda imba ino kudarika midhuri yose yemuturikidzaniswa inowanikwa pasi pezuva. Ndini ndakaivaka. Ndinoida. Midhuri mirefu haisi yangu. Dzimba dzomuguta hadzisi dzangu. Dzimwe zvadzo dzose hadzisi dzangu. Handina kutakura kana shanga imwe zvayo yejecha rakavakisa midhuri yemuguta reMosi. Ndakavaka bako rino namaoko angu iwawa akakubata awa chisikana. Hapana zvapo anogona kundidzinga pano. Ndiri rara ini.
‘Chisikana, pano pane madziya erunyararo. Rara zvako unyatsopedzesa hope dzako wakanyatsodekara. Usambotya iwe. Zorora huipi hweguta reMosi pano. Mosi inoratidzika setsvene kune uyo asingazivi nezvehuipi hwayo. Asi marara ari mairi anomindura mwoyo. Unotozoavona kana uchinge wave mukati mayo.
Gara zviya wakazoenda usina kundioneka Freedom? Zve ndisina kukuudza nezvamai vangu nengano dzavo. Mai vangu vaiva mucherechedzo wamai chaivo. Vaiva mai vakakwana. Mai vazere kwete vekunyepera, vaya vekumahumbwe. Vaiva vasiri venhando kani. Vaigarondiitira ngano. Ngano dzinonakidza. Ngano pamusoro pevanhu, mhuka, zvinhu, ivhu, shiri, Musikavanhu nezvisikwa zvose zvedenga.
Vaindiudza kuti sei ngano dzichiitwa kuvana vaduku. Vaiti ngano dzinovaka hunhu muvana vadukwana. Dzinoumba hukama pakati pamai nomwana wavo kana akura. Dzinoveza njere dzomwana kuti akure ano uchenjeri. Mai vako vakambokuudza zvose izvi here? Vakambokutaurira kana ngano imwe zvayo here? Havana!
‘Paivapo nezvinhu zvitatu zvaiti, mukadzi, shumba nedziva. Zvitatu izvi zvaiwirirana zvikuru. Zvaidanana chose. Zvose zvaishandira kuti nharaunda yazvo ive tsvene. Umwe musi mukadzi akangofuma akakwidibira sokuzhe kune makore. Akavamba kushandisa chisimba noukuriri. Akatanga kusvibisa mvura yomudziva. Aigezera tsvina dzakwe dzose mudziva asina kana nehanya yose. Tsvina yomukadzi yakava muchetura kuzvisikwa zvose zvaigara mudziva. Ukuwo shumba sahwira wedziva aimwa mvura kubva mudziva. Imo mudziva makare maive mava kusvibiswa neimwe shamwari yavo, mukadzi. Izvi zvakabara ruvengo pakati pomukadzi neshamwari dzakwe. Padikipadiki dziva rakavamba kuvenga mukadzi airisvibisa. Nekukuwo shumba akagumbukira mukadzi nedziva. Shumba akatsamwira dziva kuti rairega mukadzi achirisvibisa risingapopoti kana kuzvidzivirira. Uye akatsamwirawo mukadzi kuti aisvibisa dziva asina hanya nezvisikwa zvaizoshandisa mvura iyi. Dziva rakaudza mukadzi nezvechigumbiu charo. ‘Iwe mukadzi, ukaramba uchindisvibisa, uchauraisa  zvisikwa zvaMusiki zviri mandiri zvisina mhaka, ndichashatirwa zvokuzadza nzizi dzichifashukira zvokuputira nokuyeredza musha wako chikamwe. Newe handikusiyi uchifema,’ Dziva rakaudza mukadzi kudaro.
Zvakadaro hazvo mukadzi haana kumbotirimuka. Vhunduso yedziva haina kuwana nzvimbo muhana yomukadzi. Akatowedzera kusvibisa dziva kudarika apo aive asati atsiurwa. Dziva rakawedzwera kushatirwa. Rakaoma nokushatirwa. Mukadzi ndokuti, kunyaoma zvako dziva, hanya nani chidhoma chababa. Kuoma kwako hakundishayisi hope. Kana hanya newe zvangu. Ndichagadzira angu madziva akawanda usvode. Mukadzi ndipowo paakavamba kuchera matsime nemadziva makuru. Nenguva isipi matsime akavamba kunyukira mvura uku madziva makuru achichengetawo mvura. Zvisikwa zvose zviya zvaive zvaomeserwa nokuoma kwedziva zvakabva zvawana kwokuhwanda nhamo yokutsva nezuva neyenyota. Izvi zvakapamhidzira hasha dzedziva. Dziva rakabva rafashukira zvokuti nzizi dzaisayambukika. Mukadzi ndokuti dziva rota zvako kana uchiti wandigona. Zano ndini ndinaro. Akabva avamba kuvaka mazambuko aichirika nepamusoro pedziva. Dziva zvakarishatirisa zvakare. Zvisikwa zviya zvaive zvawana kwokufarira mumatsime namadzivamakuru okucherwa nomukadzi zvakavamba kupururudza, kuridza mheterwa, pamwe nokuimba nziyo dzokurumbidza nokupembedza mukadzi. Dziva rakanyanya kushatirwa. Rakatsamwira mukadzi nezvisikwa zvose zvaimurumbidza. Asi hazvina kuunza shanduko. Mukadzi akaenderera nedonzvo rakwe rokusvibisa dziva. Akabva awedzera nokusvibisa matsime namadzivamakuru acho aaive achera nokuvakira zvisikwa zvose zvomumvura nezvekusango paya pazvaiva zvaomerwa dziva raoma neshungu. Kunyangwe zvazvo zvisikwa zvomumvura zvaimbopota zvichipopota apo neapo zvaidzokazve zvorumbidza mukadzi nokuti, aive ambozvigadzirira pekuzendama paya pazvaive zvaomeserwa nedziva rapwa neshungu. Shumba ndiyo yakazoti kudziva, “Dziva uri zirema iwe. Sei uchisiya mukadzi achiita zvaanoda newe? Vona izvozvi ndave kumwa tsvina pamusaka pako usingambotirimukiwo mukadzi achikusvibisa. Zvino kana ukaramba wakadaro uchisiya mukadzi achienderera mberi nokukusvibisa ndichamedza mvura yose iri mauri usare uchipiswa nezuva.”
Dziva harina charakaiita. Mukadzi akaramba achiita ufende mudziva, matsime namadziva makuru. Shumba yakashatirwa nazvo. Yakaenda kudziva ndokuti, “Waregera mukadzi achiita tsvina mauri naizvozvo ndave kumwa mvura yose iri mauri usare upiswe nezuva sechitarafu chokusazvidzivirira.” Shumba yakabva yatanga kukasva mvura yomudziva. Mvura yakakachidza shumba. Shumba ikazvimbirwa nemvura. Yakabukura mvura zhinji iyo yayaive yakasva mudziva zvakare. Shumba yakasara ine mvura shomanana iyo yaisakwanira dumbu rayo. Dziva ndokusara rizere zvaro kunge shumba yaive isina kumbomwa mvura mariri. Zvakadaro hazvo pane zvimwewo zvisikwa zviduku zvakapinda mudumbu rashumba asi hazvina kuvhundusa dziva. Iye nhasi uno zvisikwa zvomudziva nezvekumatsime hazvitsikirani zhira. Pose apo zvomudziva zvinosangana nezvekumatsime zvinokandirana mavi nemauya. Imwe nguva zvokutorumana zvokusvika pakukuvadzana kana kutourayana chaiko. Imwe nguva kutomanikidzwa kuimba nziyo dzokurumbidza mukadzi kana iro dziva.
Shumba yatadza kupedza mvura mudziva yakati regai ndindoparadza mukadzi. Yakati ichiti regai ndivhune mukadzi mutsipa, wanei iye amire. Mukadzi akaregedzera uta paziso reshumba. Shumba yakadududza yasara neziso rimwe.Yakatizira musango. Mukadzi ndokuti handisati ndapedza newe. Ndichakutevera kusvika ndaona kuti ndanyatsokukugadzirisa zvokuti newewo shumba uchaimba nziyo dzokundirumbidza. Mukadzi akaronda shumba ndokuibata. Akaipingudza ndokuisa muchizarira. Shumba yakabva yaota. Nhasi uno yapfava. Haisisina hasha dziye dzayaiva nadzo pakuvamba. Kwava kusiya mukadzi achiita zvakwe madiro. Ndiani aive achagona kumudzivisa. Shumba nedziva zvaingonyunyuta zvisina batsiro. Ndiwo akava magumo arwo rungano runo.”
Mai vaitaura rungano runo namadanha. Waihwa voti, “Rungano runo haruna nhambo. Rungano rwazuro. Rungano rwanhasi. Rungano rwamangwana. Rungano rwenhambo dzose.”  Vapedza kudaro vaibva vaseka. Kuseka kurefurefu. Handizivi hangu kuti vaisekei. Kuti vaiseka shumba yakaiswa muchizarira? Kuti vaiseka dziva rakatadza kuparadza mukadzi zvachose kusvika rotambira kuimbirwa nziyo dzokurumbidzwa somukadzi nezvipuka zvaive mariri? Handizivi. Naiye nhasi uno handizivi kuti vaisekei amai. Asi vaitoseka sovasvikirwa. Kuseka sovopenga. Chimende ndicho chokuti, vakaenda vasina kundiudza zvaireva rungano runo. Havana kurududzira. Pamwe iwe hako Freedom unogona kududzira rungano runo zvikatibatsira.

(kubva muna Chibarabada)

Comments

Popular Posts