Kana wanano yaramba



Kana wanano yaramba sumuka uende
Usamirira rufu kana mavanga
Usamirira kudzingwa zviya worwara
Sumuka uende uchine hwako utano
Usanyengedzwa nerekuti anororwa ndiye ari pamoyo
Hausi mupwere anodzorwa nerushamhu
Uri mukuru anokodzera hurukuro

Kana wanano yaramba sumuka uende hanzvadzi
Ramba mavanga
Tiza rufu uchikugona
Pira gotsi kushungurudzo utange raramo tsva

Kana waikwidza kumatare mhosva yemaponda siya iriyo
Siyira vatongi vaitambe nokuipa mutongo wakaringana
Kumhan’ara mupondi handi kushaya rudo naye
Iye ndiyezve hake ashaya rudo nokutakura bonda
Kumhan’ara mushushi handi kushaya unotsvira mwoyo
Iye ndiyezve hake ashaya mwoyo unotsvira nekupotsera mavi
Kuikwidza kuvatongi kuti mugadzirisanezve wanano irurame

Kana wanano yaramba hanzvadzi, sumuka uende
Usamirira rufu kana mavanga
Usamirira kudzingwa zviya worwara
Potsera meso kune ramangwana nguva nesimba zvichipo

Comments

Post a Comment

Popular Posts