Kudandaro reZWA navamwe vadavadi kuBritish Council muHarare

Mangwana kunenge kusingadanwi anohwa apo ndinenge ndichiita nduri dzokupotsera pamutambo weZimbwabwe Writers Association uyo uchaitirwa patsangadzi yepamahofisi eBritish Council kuBelgravia muguta reHarare. Ndichabatana naFlochyld, Monica Cheru-Mupambawashe naElias Machemedze pamutambo uyu apo ndinenge ndichiita nduri dziya dzinosetsa vanhu nedzimwe dzinogumbura vatereri pamwe nekutokonya ndangariro dzavo. Kusavapo pazvinoitika chinozova chitaurirwa hunyimwa mbare dzegotsi. Vanofarira nduri zvakangonaka kuvapo apo tichakurukura nyaya inechekuita nekunyorera kudavadika uri pamberi pavanhu, vanhu vachiombera maoko kuridza muridzo, kuseka pamwe nekuchema misodzi yekunakirwa. Ipapo tinenge toita zvokwedu kurwira zamu rasister tigere zvedu pachigaro tichidzidzisa vanasikana kuti kana vachinge vabatwa chibharo vasanyarara. Zvakare hatikanganwi mbeu yababa isingameri chero pavhu rakaorera asi ivo vachipengera ivhu kuti riri kuramwa kumedza mbeu yavo. ipapo tinenge tichigashidzana dariro navamwe vadavadi verunyoro ava kuitira kuti nyaya yekunyorwa kweuvaranomwe kukurudzirwe kune vachiri kukura pamwe neavo vakura mundima yeuvaranomwe iyi. Huyai titandare. musazoti hatina kunge tzvihwa.

zvokwedu
mbeu yenyu baba
ibhinya
chigaro
kudada huziva
pazamu rasister
chigaro

Comments

Popular Posts