Vamwe varume: kubva muna ZVEMWOYO



Vamwe varume dzinombotenderera chokwadki. Kutenderera chaiko kuti pote-pote Zakariana. Zvino chaita kuti murume mukuru andinonotse kuenda kumba kuda kuti ndidye huku yauya nayo yokuNandos chete? Kana zvisizvo zvino chii nhai?
Ndipo pawauya ndichizvibvunza zvangu kuti anopenga here murume uyu, iwe vhuwo nemibvunzonhando. Ndiyo mibvunzo yomurume mukuru here iyoyo? Izvozvo zvekuti ndiudze pandinokukanganisira nepandinokunatsira. Wanga uchida kuti ndikuudze kuti chii? Iwe hauzvioni here? iye nhasi o, wandividzira zuva kuti undivigire huku iyi kuti ndidye sokononzi handizivi nyama yehuku. Chetechete! Ndiyo overtime here iyoyo Nhaiwe Joshua? Kundibhadharira overtime yokudya huku? Vamwe vanhu munovaviwa nemari chokwadi? Izvozvi kuda kuti ndisaenda kumba nemichovha chete. Kuda kuti undiperekedzezve uchitaura tusina maturo. Chii chimwe chaanoda nhai Joshua kunze kwekutaura tusina maturo? Kuda kunditadzisa kufamba navamwe vezera rangu. Vamwe vanoenderana neni paupfumi. Iwe wouya nenyaya yako yokuti ndiudze zvandinokutadzira sokuti hauzvizivi. Hezvo usapasvoda. Ndokusvoda kuti uri vatezvara vangu here? Iwewe zvakowo vamunhu? Handikusvodi ndikuudze. Ndinokuremekedza semukuru pabasa chete. Full stop.
Pawandigura kunorira ndipo paya pawauya uchindibvunza kuti hapana tukomana tunokushupa tuchida rudo rwako? Ndasekera mudundundu. Ndodini nhai? Ndingasaseka benzi rerume here? Chinonzi musikana kana usingatsvarwi  navakomana chii? Chiiko Nhaiwe Joshua? Hausi kuona kuti uri kuzvipatisa! Musikana akura seni kudai ukaona oti kana aonekwa nemukomana asemwa woziva kuti pane chiripo. Dambudziko chairo, rinotoda kunamatirwa kana kutobvunzira kumidzimu. Kana kutoendera kun’anga chaiko. Wanga uchida kuti uti nditi chii? Kwauri Joshua? Wanga uchida kuti nditi chokwadi!chokkwadi kuti iwe hauzivi kuti ndayaruka. Ndava mhandara wani! Kana musikana ava mhandara angashayawo here anotevera achimuperekedza kwaanoda kose kunyange pasina iripo. Kana kuri kumusha watoziva kuti kuhuni, kuchikoro, kuchigayo, kutsime, kuchitoro, parwendo yatova nzira vaviri Joshua. Unozviziva iwe! Zvino chawanga uchindibvunzira chii? Kusanyara kwako. Svodawo wakura. Baba vaKundi.  
Pedzezvo ndanyepa iwe wobva watondirumbidza. Hanzi ndiwe wega wekutanga kuita nguva yakareba kudai usati watanga zvevakomana. Vazhinji vaimbondishandira ndizvo zvandakavadzingira basa pano. Izvozvo zvokuregedzeka, kusagona kusunungirira zviuno zvavo nemabhande akasimba. Nhasi ranga riri zuva rokushamiswa newe Joshua. Kutaura kwomurume mukuru here ikoko? Kusvora vamwe varume sewe sekunonzi iwe uri munhu kwaye. Unozvienzanisa navo here iwe? Ndinovasekekerera asi havakusvori. Ndinovanyemwerera asi havanditukiri vanhu ndichihwa. Iwe woenzanisa vamwe varume sewe sehochi, sembongoro. Iwe ndiwe chii? Kusanyara! Ini handinei newe kana usingazvizivi. Kana uchisvora vamwe vanhu ndichihwa, chinozokutadzisa kundishorawo vamwe vachihwa chii? Ndiudze Joshua? Hapana.
Unedi rokuenzanisawo ini Rutendo namai Kundi he-e! Unedi here iwe Joshua? Ini pachangu Handigoni kuenzana namai Kundi. Vakakupa moyo wavo. Ini changu idikita kukambani yako. Moyo nedikita zvakasiyana. Mai Kundi moyo wako Joshua. Mai Kundi rupandi rwako Joshua. Mai Kundi ndiwe Joshua. Zvino iwe ndipo powoti takarasima kundienzanisa namai Kundi. Unopenga here? Kupenga chaiko. Handisi kana pedo navo. Ndiri kure navo chose. Kure nemi mose nokuti ini nditori muranda wavo kubudikidza newe. Moyo womunhu ndiwo iwe.
Asi wamboona zvanga zviri mumotokari muya here patanga uchindiperekedza kumba. Iwe wanga usisatauri. Wanga wapererwa namashokoka! Chii? Ini ndanga ndichitofunga zvokuzorora chete. Kundozorora kumba. Kundozorora kushanda overtime yokudya huku. Kunyangepo zvangu ndange ndakapfeka tunhembe tuya twawanditengera. Zvose izvozvo zvanga zvava kutsi kwehope dzangu. Kana mimhanzi yanga ichirira mumotokari handizivi kuti yakaridzwa nani. Yakaridzwa nani nhai Joshua? Pamwe iwe wanga uchiihwa. Ndaona sowanga wakaterera. Asi iwe ndanga ndichikuona uri kure. Pamwe wanga wava kutofunga zvako mai Kundi. Hazvisizvo here nhai Joshua. Wanga usimo mumotokari muya kunyange wanga uriwe wanga uchiidhiraivha. Kana kuti wanga wava kutya zvidya zvangu zvanga zviri pamhene. Zvinotyisaka Joshua. Kuona mukadzi asi wako asina kupfeka. Hazvisizvo here Joshua? Kana zvisizvo chii change chaba pfungwa dzako? Kana paya patasvika kumba haunawo kumbomirirawo kuti ndipinde mugedhe. Wavhurumusa motokari wonanga kwanga kwaenda kupfungwa dzako. Ndepi nhai Joshua?
Ichi chidimbu kubva munganonyorwa yangu ZVEMWOYO iyo isati yatsikiswa parizvino. Siyai zvamunofunga nezvechidimbu ichi. Mashoko ndiwo matambidzanwa. Ndatunya pangu munguva ino yekupokana nezvemhirizhonga inosakiswa nekuti uyu munhurume kana munhukad

Comments

Popular Posts