Muno

muno mumwaka uno
ndaramba vaya vanomirira kukohwa pavasina kurima
vanoti vari muno ivo vari uko
uko kwavanoti tiritose muno
umo vanoziva zvemakuhwa
kwete zvemeso asi zvenzeve
kubva kune vari muno
vakavimbiswa chekubata muno
kuti vataure manyepo muno
achisvika uko kwavari kuti
kana votaura vaite sevari muno
kana vakambogara muno
vakaona zvomuno
asi ivo vasi vemuno
muno matigere
ndaramba chose chose
vanoswera kuwesha muno
kuti ravira tarara dzemuno
ivo vagotumira uko
kune vanovanama zvigunwe nemapondo
aiwaka, kwete!
ndarambisisa hangu
vanoreva muno mavasina kuswera
vachisiya uko kwavaswerara!

Comments

Popular Posts