Commemorating the International Day of Mother Toungue

Rwaamai Kutapira


Pavakanditambidza mai ndakaruhwa kutapira
kuita kunga huchi hune ivhu
ini ndokuhuti mune dzangu ndangariro gukuchire
pane wangu muromo range
usazokanganwa amai mashoko kutapira
kana tsumo namadimikira kuzipa sehuchi hwedendende
kana idzo nyaudzosingwi, muromo wangu
pakurira vaya vasati vaziva urwu rurimi
irwo rwuya mai vakati heyi nhaka ndakupa
ini ndokuti chandabata handikandi pasi
zvevamwe ndinogoka asi handiti ndewangu
wangu ndoutaura kuna vose vane zheve dzokuhwa ndichidada
mai vangu havana kuita zishura
rokundinyima rwavo rurimi runamaungira
anoti munzeve tsepete kutapira semudyandakasungwa huchi hwashuro
hwakasakisa shumba kuva gava rashuro
ini sakamba ndokuramba ndichisheedzera
pandabata ndabata
hezvi nhasi ndodada narwo rwavakandipa mai
runodai wari kutapira
kutapira
iwe kani
kutapira!

Comments

Popular Posts