ZImbabwe International Book Fair Zvinotarisirwa 2015



Zimbabwe International Book Fair(ZIBF) ichange ichitanga musi wa 27 July kusvika musi wa1 August, 2015 ichiitirwa kuHarare Gardens. Mazuva maviri anoti 27 na28 kunenge kune Indaba iyo inova nguva iyo vose vane chekuita nebasa rezvemabhuku vanenge vachiita hurukuro dzokuti vangasimudzira sei mabasa ezvemabhuku.

2013 ZIBF Indaba iri pakati pekuitwa.
Musi wa29 July ipapo panenge poita Children’s Indaba apo vana vanenge vachikumikidzwa muzviitiko zvine chekuita nemabhuku. Musi uyu vana vechikoro vanenge vachikumikidzwa kumhando dzokunyora nekuverengwa kwemabhuku uyewo nemhando dzakasiyanasiyana. Vana vanoda kubatwa vachiri vadiki kuti ramangwana renyika risashaya vanyori navaverengi. Musi mumwecheteyo ndiwo unenge makambani achirongedza shavo dzawo dzokuzoratidza kuvaverengi navatengi pamwe navavoni.

Zimbabwe Women Writers ichiratidzira mabhuku ayakatsikisa mugore ra2014. Ayo ose aiva akadomwa pamutambo weNAMA wegore ra2015.
Musi wa30 July basa rinenge ratanga vaverengi, vatengi navavoni vanenge vachipinda muhuratidzwa hwamabhuku uhu. Nguva zhinji zvinofadza apo vana vechikoro vanenge vachishuvira kusangana navanyori vavanenge vachiverenga kuzvikoro. Nguva iyi yakanaka chaizvo. Zvinofadza kuti kunyange neimwe nguva hurongwa hwekusangana kwevanyori navaverengi kusina kurongedzwa kana zvaitika vana navarairidzi vanofara chose. Kufara kuti vaona munyori wavo wavanofarira kuverenga uye wavanodzidza kuzvikoro. 
Munyori ane mukurumbira, Thompson Kumbirai Tsodzo ane vana nemudzidzisi vekuSally Mugabe Memorial School paZIBF ya2014.

Kuvengera vaverengi vakaterera imwe zvakare nyaya inofarirwa navaverengi. Ini inozosiya vadiki kunze sezvo vanenge vasisakwanisi kufamba vusiku. Vanhu vakuru ndivo vanozoona. Kunozongoti vamwe vana vane vabereki vavo vanofarira zvemabhuku ndivo vangaenda kumutambo weliterary evening.
Mai mutungadura vachiverenga kubva mubhuku pamutambo weLitarary Evening paBook Cafe muna 2014.

Kunyange zvakadaro hazvo, vana vadiki vanenge vachitandadzwa navanasarungano panzvimbo yekutandara kwavana vari paChildren’s Reading Tent uko vanasarungano vanenge vachitaurira vana ngano dzazuro nanhasi. Apa ndipo panowanikwa vanhu vakaita saanaIgnatius Mabasa naanaThulani Moyo vachipakurira vana ngano nekuvaverengera nyaya dzinonakidza.
Sarungano uye munyori Ignatius Mabasa achiitira vana ngano kuChildren's Reading Tent pamutambo weZIBF 2014.

Vanavo vane mukana wekuti varatidze izvo vanogona pamutambo weLive Literature Centre apo vanenge vachiita madhirama, kudzana, kudetemba pamwe nekuimba. Inenge iri uya uone ugodzokera. Kazhinji hangu handiwanzi kuda kusaririra pakadai. Gwendo guno takateyavo nzeve kuti tihwe kuti zvakamira sei.
Vana vekuHopley Tariro Primary School vachitandadza vaoni pamutambo weZIBF wa2014.

Zuva rekupedzisira rinova zuva remusi wa1August mugore rino ndiwo unonge uri wekusangana kwavanyori vachivandudzana. Musi iwoyu kazhinji vanyori vanosangana navamwe vanobatidza mundima yamabhuku vakaita sevatsikisi vamabhuku, vatengesi vamabhuku uyewo vekumaraibhurari.
Avo vanotungamirira sangano reZIMCOPY VaGreenfield Chilongo vaina munyori Shimmer Chinodya vachitungamirira hurukuro dzevanyori idzo dzakaitirwa pamuzinda weNational Gallery of Zimbabwe muHarare pamutambo weZIBF 2013.

Comments

Popular Posts