Kudya

Todya kudya kwakawanda muvupenyu bwedu. Todya kudya uku nezhira dzakasiyana-siyana. Imwe nhambo todya nezhira yokumwa, kana zhira yokudya kusiri kwakafanana nemvura kana kudya kokufemba nemhino kana kudya kokuvona nameso kuya kunohi kudyanameso kana kudya kwameso kana kudya kokuhwa nezheve kana kudya kokubata namavoko kana kudya kokuita nomiviri yedu. Kudya kose uku kune zvakwakanakira uyevo zvakwakashatira. Kune kudya koobvumigwa nomutemo kouya kudya kusingabvumigwi nomutemo. Kune kudya kusingabvumigwi nezvitendero kouya kudya koobvumigwa nezvitendero nokusiyana kwazvo. Kune kudya kusingabvumigwi nemhuri koita kudya koobvumigwa nemhuri. Kune kudya kusingabvumigwi nedzinza koita kudya koobvumigwa nedzinza. Kune kudya koobvumigwa nanachiremba koita kudya kusingabvumigwi nanachiremba. Kudya kose uku kune zvakwakanakira uye zvakwakashatira. Kune kudya koodyiwa pana vanhu. Kudya kokuti munhu wose anokufarira uye anoshuvira kuti kudai munhu wose waanoziva adyavo kudya kwaari kudya. Ndiko kuya kudya kooti vamwe vanopedzesira vaisa muhenzibheki dzavo vovigira vana kumba kana vana katsi kana vanaimbwa vavo. Kunevo kudya koodyiwa pakavanda apo munhu anonga asingadi kana mumwe munhu waanoziva kuti azive kuti anodya kudya kwakadai. Kudya uku ndiko kuya kokuti chero anodya kudya uku akawana kudya uku pane vanhu vaanoziva anoyedza chose kusaswedera pedo nako nokuti anonga asingadi kuti vanomuziva vazive kuti anodya kudya kwakadayi.
Kuriko kudya koorambwa nomuviri. Uku kudya hakudi n’anga, muporofita, kana chiremba anomirigwa kuti avudze munhu kuti kudya uku kwakuramba. Kune vanodanidziwa vachihwi vana marambadoro. Asivo hakuna vanodaniwa vachihwi vane marambasadza kunyange hako kune mbama yokumarambasadza. Hakunazve vanohwi vane marambashuga kana marambanyama chaiwo. Asi zvakadero muviri une kudya kwausingadi kwawovudza muridzi wawo kuti handidi kudya kwawuri kudya uku. Kana uchida kuramba une vutano siyana nokudya kudya kwawuri kudya uku. Kana uchiri kuda kuwirirana neni siyana nekudya kwawuri kumwa uku. Handikudi. Usandisvibise. Ukadaro chete tawirirana. Kuriko kudya kunomwiwa navanhu kuya kunohi nomuviri izvi aiwa. Kudya kooita kuti vura vuti ko nhaiwe huro waiteyi kugashira svina yakadayi. Zvimwe uchiregera mhani! Ndipo paya mudumbu mooti kunyange zvanga zvava mandiri nhasi zvichadzoka nokwawuri ikoko muromo. Zviburitse nokuti ndiwe wazvigashira. Inga ndakakuvudza kare kare wani kuti handichadi kudya kwawadya!. Seyivo newe usingatereri? Kurikovo kudya koosimbisa muviri koobvumigwa nomuviri kuti usimbe. Kana kudya ikoku kwapinda mumuviri unoona muviri uchinyatsosimba zvokuti vanhu vanoyemura munhu uyo anodya kudya koosimbisa muviri uku. Unohwa munhu anomuviri unobvuma zvoodyiwa nawo wobva wabvuma kuti uku ndookohwi kubvumwa nokudya koodiwa kudyiwa nomuviri uku. Usashupika navaya vanohwi vakabatana. Ava vanhu vanovonekwa kuvungana kwenyama wotohwa munhu achipembedza kuvungana ikoku kuti zvokwadi munhu uyu wakabatana. Kumuvhunza kuti chawoti chakabatana paari chiyi wovona munhu hoyo meso pozvo pozvo susupenzi shereni tubhobho tubhobho. Chabatana hahwi iganda roobvuma mafuta. Ukazozvitarira wovona kuti hawuna kuziva kuti ko iro ropa zvarakadya kudya kwaro zvakarisiya ramira seyi. Ehezve nokuti kune kudya kweropa kooita kuti rirambe richifamba zvakasununguka richitsigira vupenyu. Zvoo kohwi kubatana kwacho ndokupi? Mubvunzo uyu hawuna unowupindura nokuti meso anorevegwa nhema zvizhinji pakudya kwaanodya zvodzoka zvoita kuti apiwe mhosva yokuny’epera fungwa kuti apa pakanaka ipo pakavora zvapo kare. Zvooda kuziva kudya koodyiwa nomuviri wako uchibvuma. Kudya kokuti kana neropa rako roogashira zvisina mheremhere. Zvooshamisa zvikuru kuti munhu achifamba ookangamwa kuti hakusi kose kudya kwaanosangana nako koofanira kudyiwa naye chero nezhira ipi zvayo. Asi unovona iye achifambira mberi achidya izvo zvacho zvisisadikamwi nomuviri wakwe. Nerimwe zuva unohwa zvoo ochema achiti ko chiivo chandidaro hoyo kumashopeshope kootsvaka wakamuroya. Asvika ikoko ovudzwa kuti aripo akamudyisa. Woshaya kuziva kuti iye zvaayidyiswa seyiwo iye akangoda kudya kusineyi nokudya koodiwa nomuviri wakwe? Unoshaya kuziva kuti seyi. Fuma kutoirashira mugoronga nokuda kokuti apikisana nomuviri paya pawaimuvudza kuti kudya kwawuri kudya uku ini handichakudi. Kune kudya koodyiwa nemhino kokuvadza mapapu. Koita kudya kwameso koogumisira koorwadza ropa nokuti muviri unosvitswa pakutambira kudya uku koozvimbira. Kune kudya kwezheve koozoparira vatenzi muviri maponda muromo wapindira zvisizvo. Kune kudya koodyiwa nomuromo koogumisira kwaita kuti muviri wava nekwashi. Koitawo kudya kwenhengo dzomuviri koosakisa muviri kuwondoroka. Ndoshamiswa navanhu vakawanda zviya tavungana pamavungano mazhinji. Woohwa munhu achibwereketa nezvechifo chiri mumuviri makwe. Wohwa munhu achiti vupenyu bwangu bwune dambudziko. Vutano bwangu bwune dambudziko. Handigoni kusiya kumwe kudya kwandoodya. Wakandiroya wakafa zvokwadi. Ndoshayiwa ungandirowonora kubva kuvugwere ubvu. Mumwe wohwa achiti kana ndikamwa hwahwa handivati ndichishupwa namabayo. Mumwe otivo kana ndikamwa zvimwiwa zvamazuva ano handivati ndichigwadziwa nomudumbu. Mumwevo ndiye unoti kana ndikadya nyama ndozvimba makumbo. Dambudziko rangu riripo ipapa apa pakusagona kusiya kudya koonditambudza. Handigoni zvachose kusiyana nokudya koorambwa nomuviri wangu. Handigoni kutarira vamwe vachidya ini ndisingadyi. Ndotya kuhi navamwe ndodada. Zvotova nane ndogwara ndava kumba kwangu asi ndambotandanyadzi pamberi pavanhu. Mumwe unovona achitonyaradza vamwe kuti vasabwereketa kuti iye avavudze nyaya yakwe. Pamoonyaradziwa moti regaivo titerere mashoko masvinu odo kubwereketiwa. Izvozvo shasha inonga yagarira churu chokudya kudya kusingadikamwi nomuviri wayo ichiti, moozivei henyu, kana zviya ndikasvika kunyanya panzvimbo dzakavungana vanhu vazhinji ndogumisira ndodya kudya kwakaita sokudya kwandiri kudya uku nokunyara. Ndodero nokuti nhambo zhinji vanhu vazhinji vanonga vachidya kudya kusingadikamwi nomuviri wangu uku ndozovona sokuti ndini ndoga ndaita zambiringa munyemba. Apa ndoovo pandogumisira ndotodya kudya kwacho. Imwe nhambo ndosvika pana vanhu vanonga vachidya kudya kusingadikamwi nomuviri wangu kwandakavudziwa nachiremba kuti handifanigwi kukudya asi ndongoti zvoo chakabaya chikatyokera mandiri zvokuti hachichabviri kutumbura. Chakabaya mandiri zvakanyanya zvikuru zvokuti handingasvodesi hama dzangu nokuramba kudya kwavandigadzikira patafura. Imwe nhambo ndonga ndashanya hangu zvoo kuzoti kuya kwawoonga uri mweni wosvikoshara zvokudya ndonga ndovona sokuti ndaakuwomesera vandashanyira nokutsvaka kudya koodyiwa neni ndoga kusingadyiwi navamwe vose. Saka ndogumisira ndadya kudya kuripo kunyange hako kusingadikamwi nomuviri wangu. Ungadiyi padadayi kana ndiwevo? Ukazovhunza munhu uyoyu kuti zvoo zvakanaka here kuti iwe uchizotambudziwa nomuviri wako apo unonga woyedza kurwisana nokudya kwawadya kusingadikamwi nomuviri wako. Ndipo powohwa munhu ovanda nokuti iye hakwe haana hakwe kushinga kana kurongeka zvokuramba kudya kwaasingadyi. Hawuna hako kushinga kana kurongeka, asivo imarii yawucharasha nokusarongeka kwako kwawuri kupembedza uku? Handiti kana ukazogumisira wayenda kuchipatara uchagumisira wasakisa kuti vanhu vakawanda vasiye mabasa avo vachizokushanyira kuchipatara kwawonge uri ikoko? Iwe wacho unorashikigwavo nenhambo yokufara neshamwari dzako uvete muchipatara nougwere bwokuzvitsvagira. Kudya hako vuroyi nokusvoda. Zvoogwadza zvakadiyi kuzvitambisira nhambo nenyaya yokudya kudya kusingadikamwi nomuviri wako? Kubvuma kukundwa nechisingabwereketi sokoohi chinobwereketa. Kuzviregerera hako wozotambisira vanhu nhambo yavo yokufara muvupenyu nokuda kwovumbwende bwako. Ndoziva zvazvoita kuhwirwa tsitsi navanhu varipedo newe nokuti kana nenivo ndohwigwa tsitsi navazhinji. Vazhinji vanondihwira tsitsi. Hahwi ko kudya uku kwawusingadyi wakakurambidziwa nachiremba here? Vanhu vazhinji chose vanongofunga kuti kudya kooregegwa ndokuya koonga kwarambidziwa munhu nachiremba nokuti anonga avona kuti kookanganisa vutano bwomunhu. Vazhinji havabvumi kuti muviri womunhu ndichiremba wakakosha anovudza muridzi wawo kudya kwawooda pamwe nokudya kwawusingadi kudya, zvakawunakira kudya uyevo zvakawushatira kudya. Zvoobva zvandifungisa musi uyo ndakasiya kudya shuga. Ndakangomuka ndichitawura kuti handichadyi shuga. Vanhu vakati unotamba. Shuga haisiiwi mangamanga sokuburisa mashoko mumukamwa. Ndakangoti handichaidi. Iko hino chero iripo yakawanda seyi inotapira seyi handibati. Ndoongohwa nanhasi uno vanhu vachindivhunza kuti wakarambidzwa kudya shuga nachiremba here. Ini ndoti bodo. Wohwa zvohwi saka chiyi chakaita usiye shuga namatapirire ayo aya. Ini ndoti handigoni kuramba ndichiyidya nokuti muviri wangu wakairamba. Wohwa zvohi hino uchadyeyi kana usisadyi shuga iwe nedoro usingamwi? Ndodya zvisina shuga yacho ndovadero. Wohwa voti chimwe chiyi chinganaka kudarika shuga. Ndoseka hangu nokuti havavoni zvizhinji zvinonaka kudarika shuga zvisina shuga. Havavoni kusungirigwa kuri mushuga koonga kuya kowakatora chikwambo. Choovuyisa fuma asi icho chichidavo ropa rehama. Pakudya ikoku kune kudya kookuvaraidza asi kuchibvuta mufaro wako. Mufaro womuviri wako. Ndoo kudya kwandakasiya kondohi navamwe wakarashikigwa. Tevere ndakarega kudyavo mukaka. Ndakangofuma zvakare ndichibwereketa nyaya yokuti mukaka handichadyi. Zvikahwi kuregera shuga zvino mukaka hauchadyi zvoo tii unoimwa ineyi. Ini, a, tii handiti masamba here ndomwa mvura ina masamba. Ivo ndokuti bodozve, tii inoda iri hobvu ndookuti ihwi tii. Kana iri hobvu chero pasina shuga inomwika. Zvoo kana womwa tii masamba isina kana neshuga nomukaka haichazi tiizve yangova mvura. Ini ndoti ndiyo tii. Wotohwa vachikaka gakava vachiramba kuhwisisa kuti kudya kusingadikawi nomuviri hakufanigwi kugwadza munhu pakukusiya. Choogwadza kushaya kudya koofarigwa nomuviri. Uku ndookudya kungadembegwa nomunhu nokuti kudya koodyigwa kuvaka muviri nokuwupa vutano hwava kuwuparadza. Kuhoti pandakafuma ndichiti nyama yemhuka dzina makumbo mana kuzhe kehochi handichadyi vanhu vakakahadzika ndizvo. Ndiyani anotarira nyama nokunaka kwayo akasagwegwa rute? Vazhinji havagoni kuvona nyama vakaregera kuyidya. Hazvina basa kuti yabikwa zvakanaka seyi kana zvakashata seyi unongovona munhu achikarira kuidya. Kuvanhu vazhinji vanohi vakadzipwa nokudya, vakadzipwa nenyama. Vanhuzve vazhinji vanohi vakawira muzvikanga, vakawiramo nokuda nyama. Avo vose vanohi vanokara, vanonzagwo nokuti vanokara nyama. Asi ini ndakangomuka mumwe musi ndichiterera zvainga zvarebwa nomuviri wangu kuti nyama iyi handichaidi. Vanhu vakavamba kundifungidzira kuti ndava kupinda zvimwe zvitendero zveemhiko dzokusadya nyama yemhuka. Pavoohwa kuti ndoodya shiri dzose dzedenga, hove dzose dzomugungwa, rwizi, dhamhu kana dzokufuyiwa chaidzo asi ndichinyanya kufarira kudya mirivo yamashizha vakati kanhama nazvo. Pamakumbo mana ndakasara nehochi chete. Vamwe vakanga voti saka gochigochi hauchaita, ini ndikati aiwa, kugocha ndoogocha shiri, hochi nehove. Ndiyoka nyama inogocheka zvakanaka isinganyanyi kushupana nomuviri. Pane imwe nyama yandakasiya kudya zvakare. Iyi ndoo nyama iya inodyiwa navanhu vaviri vari kure noruzhinji gwavanhu. Asivo unogona kuvonekwa uchiitenga pamusika kunyanyanya mumugwagwa mainotengesiwa kanavozve kunzvimbo dzoogochegwa pamwe nokumwira. Imwe yacho haitengwi kungoipiwa wagona bwereketa zvootapira. Zviya kana waidya zvahwi inoda kudyiwa navakafukidzira muromo. Huhwi mate anobuda mumuromo haafanigwi kuwira pane mumwe muromo nokuti ane muchetura. Kana woidya wakavanda kudaro ukaregedza mate achiwira mumukanwa mako wairasha. Kuzvigona kutoregera kungodya chero nyama yomumugwagwa asi kutsvaga yokuzvifuwira pamba pako. Musi wandakati kana iyi nyama ndasiya handichadyi ndanangana neyokufuwa ndoga, zvakahwi neshamwari dzangu ndavakutenderera fungwa. Ini ndokuti ndizvo zvandavudziwa nomuviri wangu. Muviri wangu ndoochiremba wangu. Handichadi! Ndakasekwa kuti ndava rema razvokwadi. Ndokuvati ndisiyei novurema bwangu. Ndananga zvodo muviri wangu. Zviya yaiva nguva yokusaziva chiremba wangu. Zvino ndava naye muchengo. Chonyanyondinakidza kuhwigwa tsitsi navanhu nokusadya kwangu kudya kwavanodya. Chavasingazivivo ndechokuti nenivo ndonga ndichitovahwiravo tsitsi nokudya kwavanoita kudya kwandisingadyi. Ivo vanonga vachibwereketa zvandorashikigwa nazvo nokusadya kwangu kudya kwavanodya inivo nerimwe divi ndichitovahwiravo tsitsi nokudya kudya kwavanodya. Ini handidi kudya kwavanodya hangu nokuti ndakagashira ruzivo kubva kudzidzo yandakapiwa nomuviri wangu maringe nokudya kwawoda kudya . Ivo havo vakamirira kuti vavudzwe nachiremba kuti kudya kwavodya uku hakudikamwi kudyiwa nomiviri yavo. Ndakaterera chiremba wazvokwadi unova muviri wangu. Ndongoshuvira hangu kuti deno naivo vasunungugwavo kubva muvusungwa bwokudya kudya kusingadikamwi nomiviri yavo. Ipapo vanozogona kuhwisisa kuti seyi neni ndisingachadyi kudya kwavari kundishuvira kudya uku. Kana tsitsi dzavondihwira idzo vangadeno vasingandihwiri vachitoti havo mugoni akayambuka. Kusungirigwa nenyaya yokuti unodya kudya koodyiwa navananhingi vaunoziva kuti vagoti wakanaka kutamba newe asi iko kusingadikamwi nomuviri wako. Hahwi kana usingadyi kudya koodyiwa neshamwari dzako kana hama dzako kana vawunoshandidzana navo unonga uri fuza. Iwe nokutya kuhwi uri fuza wobva watomhanyirira kudya uku kusina zvakoovuyisa kumuviri wako. Handichina wokutarira asi iwo muviri wangu nokuti ndiwo unoziva izvo chaizvo zvakawunakira. Ndini ndava kutoshara zvangu kudya koodiwa nomuviri wangu hwava koodiwa nehama, shamwari kana vavakidzani.
© Tinashe Muchuri 2015

Comments

Popular Posts