Zvimwe zvinhu zvinofanira kumira



Chii chinopinda vanhu vanouya kuzoona mitambo yekuedzesera kumadopiro ezvemitambo yekuyedzesera? Zvinoreva here kuti vavazivi zvavavinga kuzoona kana kuti havazivi hunhu hunoenderana nekuona mitambo yekuyedzesera iyi? Pane zvisina kufamba zvakanaka paiita mutambo weudavadi weProtest Arts International Festival uyo wakaona zvikwata zvemitambo yekuyedzesera kubva kunyika dzakaita seMozambique, neZouth Africa zvakauya kuzoratidzira unyanzvi hwazvo.
Gift Cgakuvinga muna Inside my House

Pane avo vaiva mukati mevaive vachiona mitambo iyi vaiva bishi kuita ruzha, kudaira dzinhare, kufamba-famba apo mitambo yaive pakati pekuitwa. Zvinhu zvakadai zvinofanira kumira. Kumira chaiko nekuti kunyange zvazvo mitambo yacho ichionekwa nevanofarira mitambo iyi asina kubvisa mari, nguva yavo nechido chekuuya kuzoona mitambo zvinofanira kuremekedzwa. Kune dzimwe nzvimbo dzinoitwa mitambo imwe cheteyo dzisingaitwi ruzha kana kungofamba-famba vanhu vachipinda nekubuda chero nguva yavada.
Zvinhu zvakadai zvinofanira kumira. Kumira chaiko kuti vanhu vatange kukoshesa vadavadi nemwero wakakodzera pamwe nevamwe vaoni.

Comments

Popular Posts