Ndinonyorera vaverengi



Nguva zhinji ndinosangana nedambudziko nevanondibvunza kuti pandinyora nyaya dziri mumabhuku angu ndinonyorera ani! Kubva pakutanga ndaingunoudza vanhu kuti ndinonyorera vaverengi vezvinyorwa zvangu. Tevere unonzwa zvonzi vaverengi vako ndivanaani? Unobva washaya kuziva chose kuti mubvunzo uyoyu wakanangei. Ndipo ndinoti jekesa mubvunzo tihwe kuti zvakamira sei? Unonzwa zvonzi unonyorera bhuku rako kuti ripinde pahurongwa hwezvidzidzo zvokuzvikoro here ini ndoti kwete. Ndinonyorera vaverengi. Vaverengi vako ndivanaani? Mubvunzo unotevera zvakare. Ndoti vose vanofarira kuverenga zvinyorwa ndivo vaverengi vangu.
Ndakaona chirwere chiri kuputira vanhu maererano nenyaya dzekunyora nekuverenga. Pfungwa dzedu dzakasungirirwa pakuti anonyora bvunzo ndiye anofanira kuverenga zvinyorwa. Iyeye chete ndiye anofanira kurava uvaranomwe kuti agone kupindura mibvunzo pabvunzo dzake. Paanokanda chinyoreso pasi achipedza kunyora bvunzo, kana nekuverenga kwapera. Uyu haasiye muverengi wangu. Haasi muverengi. Anoverengera uvaranomwe kukunda bvunzo haasi wangu. Chero ndikada kufamba naye haafambiki naye.
Chinyorwa chine chimiro nehunhu hwacho. Chinyorwa chinovaka ukama nemuverengi wacho zvokuti imwe yenguva nemutauro wake unobva wavakwa kubva muchinyogwa. Pfungwa dzemuverengi dzinoramba dzichidzokera kuchinyorwa muhurukuro dzakasiyana-siyana. Chinoita kuti muverengi apote achidzoka kuchinyorwa inyaya yekuti munyori akanyorera muverengi chaiye kwete uyu wekuda kukunda bvunzo.
Zvichida vaverengi vezvinyorwa ava vekukunda bvunzo vakavakwa nemurongerwo wakaitwa dzidzo yekuverenga zvinyorwa. Muverengi wekuda kukunda bvunzo anopiwa zvinyorwa zvakasarudzwa nevanofunga kuti izvi ndizvo zvinyorwa zvinokodzera kuverengwa navadzidzi. Kana chinyorwa chisina kumboverengwawo nevadzidzi chinoonekwa sechisina chimiro nehunhu kumuverengi nazizvozvo chinyorwa ichocho chakafumuka uye chinotarisirwa kusapa chouviri kumunyori.
Nehurongwa hwebvunzo uhu munyori anofanira kunyora chinyorwa chinofadza uyo anosarudza zvinyorwa zvinozoverengwa nevana kuti vagoshandisa pakupindura bvunzo. Hazvina kuipa. Zvakanakazve kana dai musarudzi aisarudza zvinyorwa izvi mushure mekunge munyori apuwa rusununguko rwekunyora zvaanoda akatambanuka. Zvino, nekuda kwekuti musarudzi anosarudza zvaanoda kuona muzvinyorwa, zvinyorwa zvizhinji zvave kuita sezvinonzi zvakanyorwa nemunhu mumwe chete. Izvozvi zvasakiswa nemusarudzi wezvinyorwa zvebvunzo anoda kuti zvikwanire muhurongwa hwake.
Vamwe vadhindi vezvinyorwa, kunyanya zvechiShona vava kutotanga vapa nhengo dzeboka revanosarudza zvinyorwa zvinozopinda muzvikoro kuti vapengenure zvinyorwa zvisati zvatsikiswa. Zvakare vamwe vevadhindi vezvinyorwa vave kumirira kuti chinyorwa chitange chasarudzwa kuti chipinde muhurongwa hwebazi redzidzo kuti vazochitsikisa. Singwi-singwi iripo yava yemari. Nyaya yakanyorwa haisisina kukosha.
Muverengi akanangwa ndiye uya ari kuchikoro. Iye wandinoti haasiye muverengi wandakananga. Ini ndakananga muverengi anoziva kuti chinyorwa chinoitwa hushamwari nacho kweupenyu hwese. Chinyorwa mwenje unovhenekera murima. Chinorwa ndiyo svumbunuro inovhura sasa masuwo ehupenyu, kuvaka hushamwari nekurongedzera hupenyu. Kushaya chinyorwa, kunopa iye asingaverengi nhamo yekugaroudzwa navamwe, kugarokurukwa nevanoverenga, kugaroreverwa nhema nevanoverenga. Handidi vakadayi.
Nhamo iyoyi yasakiswa nehurongwa hwedzidzo yenyika inovaka muverengi anovenga kuverenga zviya kana abuda mumba yekunyorera bvunzo. Iyeyi dzidziso yekuti tinokupai zvinyorwa zvinoita kuti muverengere bvunzo kwete zvinokutandadzai kuti mudzidze mukutandara nazvo ndiyovozve sakiso yaita kuti nyika ive nyika yavanhu vakaenda kuchikoro asi vasina kusvunura. Ndiyozve yaita kuti munhu wemunyika aone kuverenga sechombo chekukunda bvunzo kwete kuvandudza njere. Ane meso anoona ndiye anogaroverenga mazuva ose. Haanyengedzwi nenhema. Anogara ari muchokwadi. Ndiwe wangu muverengi. Ndiwe muverengi wangu. Paunoverenga zvinyorwa zvangu ziva ndiwe wandinoda kuti uverenge zvinyorwa izvi.
Muverengi wangu ndiye anoda kuverenga kubvira ari mudiki kusvika ava munhu mukuru. Iyeye anokurudzira vana kuverenga achivaratidza zvakakoshera kuverenga. Ndinoreva iwe unotova nenguva yekuverengera vana zvinyorwa. Iwe unototi kana pakambani yako panotovawo neimba yemabhuku ekuverenga uko vashandi vanopota vachikwereta kuti vawane uchenjeri nezivo iri muzvinyorwa. Kana pakambani pako pasina mabhuku ekurava, kambani iyoyo haina kwairi kuenda. Ichafa, ichatambudzika nekuti ruzivo rwavashandi harusi kukura. Vashandi havagoni kuva nenyaya dzakavandudzwa kana vasingaverengi. Havagoni kuva nemuono muhupenyu kana vasingaverengi. Havagoni kushanda vakatarira mberi kana vasingaverengi.
Muverengi wangu ari kubhanga, kumakambani emainishuwarenzi, muhotera, muhurumende, pamusika, mubhazi, mumugodhi, papurazi nepose panowanikwa munhu anotsvaka zivo nehuchenjeri. Anoziva kuti chinyorwa ndiyo jekero youpenyu ndiye wandinonyorera. Kana uyo webvunzo akasangana nechinyorwa zvakanaka asi handizvo zviri mundangariro pandinenge ndichinyora. Kunyorera munhu asingagoni kukurudzira vana vake, hama kana shamwari kuti dzitandare neni muzvinyorwa zvangu, hazviiti. Ini ndakananga iwe unoti kuverenga newe hamusiyani seinda netsvina.

Comments

Popular Posts