Mbavha yapembedzwa munyika



Ndinonzwa vanhu vachitaura zvakanyanya muupenyu maererano nezveudavadi. Chinopisa moyo kushaya hanya kwenyika nevadavadi vayo. Chinoogonekwa nenyika kupembedza vaya vanenge vagona kudavadika mukati megore nekuvapa mibairo yeNAMA (National Arts Merit Award) pagore rega-rega ravanenge vadavadika zvinotenza moyo. Asi izvi zvoga hazvina kukwana.

Vadavadi vanobaiwa moyo nekubirwa basa ravo namakoronyera masikati machena. Mabasa avadavadi anopiswa achitengeswa namakoronyera mumigwagwa yemaguta ose enyika yeZimbabwe. Nyika haina zvayo hanya nazvo. Inotoona zvakanaka kuti vanopisa mabasa avadavadi vararame nekuapisa. Mbavha dzinopisa mabasa avadavadi hadzina unoona. Nyika inoti zvakanaka kubatsira mbavha idzi kubira vadavadi pane kupa hupfumi kuvadavadi

Rimwe gore Alick Macheso akaimba nezveMurondatsimba. Vanhu vakapopota kuti anoreva Vamwe vaimbi vanoda kuimba kana kuridza zvakada kundotodza maridzire ake. Asi iye aive atambudzwa nembavha dzehudavadi hwake dzaimirira kuri iye arekodhe dzigobva dzamhanya kundopisa hudavadi hwake dzichihupa kunyika dzisina matyira nekuti nyika inozvifarira. Nyika inotunhidza mbavha idzi.

Suluman Chimbetu akazouyawo anetswa na Sean Timba uyo waakaona kuti iye arikuda kuti asaita kuti mhuri yake irarame. Timba anoda kuparadza hupfumi hwemudavadi nekumusona zuva nezuva. Kutora basa remudavadi achindopisa nekutengesera nyika. Nyika inotambira ichiti zvakainakira. Mbavha yapembedzwa munyika. Nyika inofarira mbavha.

Mabhuku azara mumugwagwa achitengeswa nembavha. Mimamhanzi yazara mumigwagwa ichitengeswa nembavha. Mafirimu azara mumigwagwa achitengeswa nembavha. Varidzi vehudavadi uhu vachisara vakabata maoko vasina cheuviri. Nguva zhinji tinonzwa zvichinzi vadavadi vafa vasina kana kobiri. Unozvibvunza kuti kobiri racho rinobvepi idzo mbavha dzichivabira zuva nezuva. Nyika yaita mbavha. Hutungamiri hwaita mbavha. Hapana musvinu munyika yazara mbavha. 

Kana nyika ichisiya vaumbi vedzidzo, nhoroondo, utesve, vachibirwa udavadi hwavo zvinganzi here pane nyika? Nyika yaenda kumakororo. Nyika yamakororo. Kana mudavadi akaonekwa asina chekudya, pane kumuseka, zviseke iwe mbavha. Iwe uri kumubira nekutenga hudavadi hwake kubva kugororo. Unonakirwa nemumhanzi wekuba.

Nyika haisi kuzvitarira zvakadzama. Vana pavanodzidza nemabhuku akabiwa vanobva vadzidza kuba. Chinogara chichionekwa nemwana ndicho chaachaita muupenyu. Zvino zvavanoverenga mabhuku ekuba chii chavachadzidza kunze kwekuba? Dzidzo ndeyekuba saka dzidziso muzvikoro yava yekuba. Zvikoro zvava kubika mbavha. Zvichikonzerwa nenyika yashaya hanya nekukosha kweudavadi hwavadavadi. Huori haungaperi kana zvirizvo zvinodzidziswa vana?

Tiri kuvaka nyika here kana kuti tiri kuiputsa? Tiri kuitei nayo nyika? Uri kuitei nayo nyika? Nyika iri kuitei nevanhu vayo vakaikoshera? Kana vadavadi vakaramwa kuburitsa hudavadi hwavo nyika inozovei? Nguva zhinji unonzwa vanozviti vatsigiri vavadavadi vachipopota kuti vadavadi vavanonokera kuburitsa rimwe dambarefu, bhuku, kana firimu. Kuti vaburitse mugoba here? Vanoburitsa nei kana nyika ichibatsira mbavha kubira vadavadi? Handiti kuti muimbi arekodhe zvinotoda mari? Handiti kuti bhuku ritsikiswe zvinotoda mari? Handiti kuti firimu ribude zvinotoda mari?

Kana vadavadi vopemha mari dzekuzvipatara nedzekuvigwa nadzo nyika yovaseka ichiti marombe? Asakisa hurombe hwavo ndiyani? Handiti ndiyo nyika? Zvino inosekei, kana kusiri kuzviseka kusagona kuchengeta kwayo vanhu vakaikoshera.

ZIMA (Zimbabwe Music Awards) inogona kunge yaive isina kunyatsorongeka asi chinhu chayakagona kuva nemubairo unoonekwa. Vadavadi vanoda kuwana pokugara. Nyika yedu ine ivhu. Chiiwo chinoitadzisa kuti kuvadavadi vose vabudirira mumwaka uno ngavapiwe mastandi edzimba kuti vawane pekugara. Kana vawana pekugara vagogona kurapa nyika neudavadi hwavo vakasununguka? Chinokunda nyika chii kuti iite sekudaro? ZIMA yakaita chinhu chakanaka chine mucherechedzo wakanaka. Cde Chinx vava nepekugara. Havachanetseki nekuti kana ndaimbira nyika ndichadzoka ndichiisa musoro wangu pai? Kana ndaimbira nyika, mhuri yangu inorara pai?
Vadavadi ndivozve vanovaka hunhu netsika dzenyika. Zvino kana vava kungopopota nezvembavha dziri kuvabira hudavadi hwavo, nyika ichadzidzei? Kupopotedzana? Kupokana? Chii chinowana nyika kana vadavadi vakatsamwa? Chii chinowana nyika kana vadavadi vanova varapi venyika vakashatirwa kana vachichema? Misodzi?

Nyika inofanira kubatsira vadavadi kurwisa vana Murondatsimba nana Timba kuti vadavadi vararame kubva mukushanda kwavo. Kudavadi hakusi kutamba, ibasa. Ndiko kubasa kwavamwe zvakangofanana nekuva muhofisi kana mufakitori. Kuimba, ibasa. Kuveza, ibasa. Kunyora, ibasa. Basa ravadavadi rinofanira kuremekedza. Nyika ngairiremekedze iwane kufara.

Comments

Popular Posts