Gurwe




Mwana wegurwe anonzi dumbuzenene. Dumbuzenene rinowanzowanikwa munguva yekutanga kunaya kwemvura. Dumbuzenene rinodya mashizha ebundo rakasiyana-siyana kana raitira matutu kunze kwemunda. Kana rikatutira matutu aro mumunda dumbuzenene rinodya mashizha embesanwa. Pane imwe nguva rinogumbura nekuti kudimbura mbesanwa zvokutobva yafa zvachose kunyanya zviya dzichiri diki. Kana zvino dumbuzenene rakura kuva gurwe usavi hunonaka chose. Gurwe rinambava zvokuti rinobhururuka. Gurwe rinorira zvingangoda kuita sezvinoita nyenze. Gurwe rinosumudza mambava aro zviya kana richirira.




Gurwe rinobatwa nekuchera uchitevedza mwena waro. Zvino kana uchitevedza mwena wegurwe haufaniri kutevedza nemunwe nekuti unogona kunge wakapindwa nerwambura kana nenyoka chaiyo. Unotevedza nechimuti. Mamwe makurwe akachenjera anochera mwena achitsindira ozousiya wakavhurika pava paya. Gurwe rinotakura kudya kwaro rokuunganidza parinogara paanonzi pamusha paro. Iro gurwe rakachenjera zvokuti rine musuwo wekutiza nawo kana hondo yauya unodaidzwa uchinzi chide. Nzira inoenda nayo gurwe kuchide inonzi munda wegurwe nokuti ndiyowo yarinoshandisa pakuunza chikafu kumusha. 


Imwe nzira yekubata nayo makurwe ndeyekutsindira mwena zviya kana hwava husiku mumwedzi muchene paya paanenge achirira. Gurwe rinorira husiku. Rinorira rakanangisa mwena waro kuti kana pane chari vhundutsa robva rangopinda mumwena. Kana kusina mwedzi zviya vanobata makurwe vaitora mapazi echikondekonde chakaoma vobatidza mwoto. Chikondekonde chikabatira moto hachidzimi, chinoita zhenje rinovhenekera vabati vamakurwe kuti vaone pavanofamba uye panenge pane gurwe. Zvino zvinenge zvichiti umwe ndewekuvhenekera umwewo ndewekuvhara mwena wegurwe kuti risadzokera mumwena kwakuribata rapusisiswa nemwenje wezhenje. Kana waribata wotswanya musoro nokubviza zvimakumbo zveshure zvinobaya nokuti ukasadaro rinobva raita zviya zveparumbo rwaOliver Mutukudzi paanoti, ‘otherwise bhururu gone’. 

Comments

Popular Posts