Zvasakiswa nekutadza kutaurirana



Iyo tsaona yamaona paya
Ipo paya patsakatika upenyu nemidziyo
Zvasakiswa nekutadza kutaurirana.

Motokari zvaine meso anoona zviri mberi nezviri shure wani!
Igoita muromo unotaura nevari mberi nevari shure zve
Chavapinza mutsaona vachairi vatadza kukurukurirana chete.

Kana yavapo tsaona sezvamaona mhosva yopiwa motokari
Hezvo yanga isina zvimiso, chigazvo chazooma zvokutadza kuifambisa
Kwani, izvo kutadza kutaurirana nyamba sepasina muromo nemeso.

Chokwadi chokwadi vanhu vopera kutsakatika naiko kusada kutaurirana?
Meso tongovhomora zviya kana paita njodzi vanhu vaparara
Zvichisakiswa naiko kusada kutaurirana nhaimi vachairi?

Nguva yezororo ndiyo iya meso anotsvuka netsvotsvomesa misodzi
Vadikani vedu vatisiya naidzo tsaona
Zvichibva imo mukutadza kukurukurirana.

Tauriranai mumigwagwa muwane rudekaro
Mazororo titambe takafara tichiseka
Kwete kuteura mvura yatakanwa.

Comments

Popular Posts