Nguva naSarungano

Ignatius Mabasa achitaurira vana ngano avo vaive vari paChildren's Reading Tent muHarare Gardens nguva ye Zimbabwe International Book Fair muna Nyamavhuvhu wegore ra2014

Kwete kuzosaririra. Zivai yemusarira ndiyo yemhina, kana kuti yeshure ndiyo yemaponda. Ngano dzinonakidza kana dzichitaurwa nemunhu ane chido nadzo uye ane chido nekudzitamabanudzira kune avo vasati vanzwa kutapira kwadzo. Ignatius Mabasa anove sarungano wemandiri achange achipakura ngano. Ngano dzinoti kusetsa, kunakidza, kuvaraidza, kudzidzisa uye kupa manyukunyuku ekuda kuvawo wemberi kwete weshure saVaBveni. Imo mukestsa imomo ndimo mukuvidza zuva uchiva nehope dzeramangwana.

Comments

Popular Posts