Unofira ‘right of way’



Zvimwe zvinoda kugoverana matama
Mazano zvauri moto unogokwa
Rangu dama ndiro iro ndichiri kushama n’ai
Idzo shaya dzichibvuma kutatamuka nekudzokerana
Zvawava muchairi waiwo muchovha
Chiregochaira yako yoga motokari
Chaira motokari nedzevamwe
Ariyo madzvinyangwe asina kudzidzira kuchaira michovha
Iwo anoziva kufambisa motokari
Vasingazivi kuti mugwagwa unotaurirana navo
Ivo vasina nzeve dzekunzwa zvinotaura mugwagwa
Zviya paunoti pano handidi vanomhanyisa michovha
Apa chimhanya hako kusvika kuzana
Apa poda kudzora kumhanya
Apo poda kuwedzera kumhanya
Zvino zvoda kuti umire vamwe vadarike ugosumudzira
Apa poda kupa vamwe mukana iwe ugozotevera
Ukasadaro unoroverwa kana kurovera
Kune vaya vasingasina kudzidza mutauro wemumugwagwa
Chirego kuti ndini ndine right of way
Unofira right of way yako iyoyo
Panoda kumira, mira
Panoda kunanaira, nanaira
Panoda kumhanya, mhanya
Ukadaro, unosvika.
(c) Tinashe Muchuri

Comments

Popular Posts