Dandaro idzva reTheatre in the Park




Vatsigiri vemitambo yekuedzesera vakapedza gore ra2013 vari munzara yekuona mitambo munzvimbo yavaigara vachionera mitambo nguva dzose yeTheatre in the Park.
            Kuvharwa kweTheatre in the Park kwakaita kuti vatsigiri vemitambo yekuedzesera vasawana mukana wekuona mitambo sezvo kwakava nemitambo mishoma yakaitwa muguta reHarare.
Vagadziri vemitambo avo vainyanya kushandisa Theatre in the Park senzvimbo yekuitira mitambo nekuda kwekuva kwayo nyore pakusvikika navatsigiri sezvo vzishandisa mari shoma. Theatre in the Park yaiva pakati nepakati peguta zvaiita kuti vatsigiri vaisvikire nyore zvichienzaniswa nedzimwe nzvimbo dzakaita seOld Mutual theatre, Reps Theatre, University of Zimbabwe Beit Hall uko kwainge kwava kuendeswa mitambo.
Rooftop Productions inoti nzvimbo yemitambo yeTheatre in the Park yava kuzodzoka zvakare munguva pfupi iri kutevera. Inoti iyo kunyange zvayo isiri kuzodzoka paJaradha rehuswa riya rainzi Theatre in the Park pedyo nemahofisi eZimbabwe International Book Fair yava kuzouya iri nechepadivi patsva asi muri muHarare Gardens mekare.
Rooftop inoti mushure mekuva nenzara kwegore kuvatsigiri vemitambo yekuedzesera muguta reHarare izvo zvange zvapinza vatambi, vapakuri, navanyori vemitambo panzara sezvo kwakava nemitambo isingasviki mishanu yakaitwa muHarare zvichienzaniswa nemitambo gumi neminomwe yainge yaitwa mugore re2012 muTheatre in the Park isati yavharwa.
Zvichava dandaro idzva retheatre in the Park kana richinge rapera.
Dandaro idzva iri rinonzi ihombe kudarika rekare sezvo richigarwa vanhu vanosvika mazana mashanu(500) zvichienzaniswa nezana nemakumi matatu (130) vaigara mudandaro rakare. Dandarpo iri rinonzi rine zvikwanisiro zvinoenzana nezvinowanikwa mumudandaro emitambo akadai seiri mupasi rose uye rinogona kushandiswawo zvakare senzvimbo yekuitira misangano nemagungano akasiyana-siyana.
Mukotsveri wemitambo mukambani yeRooftop Productions Daves Gusha anoti, “Kumbomira kwatakaita kwakatipa mukana wekufunga kuti dandaro rinodiwa navafariri pamwe nevatambi vemitambo yekuedzesera ringava rakaita sei. Takaita tsvakurudzo ndokushandisa mazano atakawana pamwe neizvo zvatakaona pamadandaro emitambo atakambotambira mitambo kune dzimwe nyika dzepasi rino pakugadzirisa dandaro idzva reTheatre in the Park iri.
“Sezvo mitambo yedu yekuedzesera ichitoredzera kubva mumagariro nemisikidzo dzekumusha kwatatakurira uko dare rinoonekwa seiro dandaro rekutambira mitambo, izvi zvakavawo nechekuita chikuru mukuvakwa uyewo mashandisiro atichaita dandaro iri.
“Pamusoro pekudaira kwedu kuti kupira kwedu kwese kunoitwa muimba yedenderedzwa, takadzosera izvo zvaiva mudandaro rekutanga asi zvakadaro hazvo takavandudza mapakuriro atichange tichiita mitambo yedu.Chivakwa chitsva ichi chinoenderana nemuono weguta reHarare wekuva guta riri pamusorosoro panosvika gore ra2025 (World class city by 2025)”
Zvichange zvakaita chikuva kana dandaro reTheatre in the Park idzva rapera.
Dandaro idzva iri richange rine masaisai edandira yewairosi awo achange achishandiswa nevafariri vemitambo pamwe nevamwe vatambi vemitambo pakutipa zvavanofunga pamisoro pemitambo ichange ichiitirwa mudandaro iri vachishandisa mikana yepadandira yakaita sefacebook netwitter pakati peimwe mikana yose.
Padandaro iri panonzi pachange pane katakada ako kachange kachitengesa maDVD emitambo yakagadzirwa neRooftop Promotions kubva mumakore makumi maviri adarika pamwe nemitambo yakagadzirwa namamwewo mapoka emitambo yekuedzesera emunyika muno.
Sezvaingoita Theatre in the Park yakare, dandaro idzva iri richange richiita basa guru rekutambirwa mitambo ichange ichibva kune mamwe matunhu emuZimbabwe, mudunhu reSADC, Africa, Asia, pamwe neEurope.
Mapoka ezvemitambo emuHarare ayo aimbonetseka kwekugadzirira mitambo yawo isati yaibva kuti ipakurirwe kuvatsigiri achange achipiwa mukana wekugadzirira mitambo yawo pachena padandaro iri.
Rooftop Promotions inoti dandaro iri richange rakanakira kumunhu wese sezvo richange rine pekuchinjira mbatya pevatambi vemitambo nezvimbuzi zvakashambidzika zvavatsigiri vemitambo. Sezvo midhuri mizhinji iri muguta ine matambudziko pakusvikika nekushandisika navanhu vane hurema hwakasiyana-siyana, dandaro idzva rinonzi richangewo rine nzira dzekushandiswa kupinda neavo vanoshandisa mawiricheya.
International Theatre Institute Zimbabwe Coordinator Lloyd Nyikadzino achitaura neMudara anoti iye kudzoka kwedandaro reTheatre in the Park inyaya inofadza zvikuru nekuti zvinotipa mukana wekuti vatsigiri vemitambo varambe vachiona mitambo uyewo kuti vatambi varambe vachitamba mitambo.
 “Tinofanira kunzwisisa kuti iyi ikambani ine mafambisiro ainoita basa. Chakakosha ndechekuti kana ichipa mikana kune vazhinji hazvina basa kuti ndiani arikufambisa zvirongwa padandaro iri ngatifarirei zvinhu zvakanaka.”
Anoenderera mberi achiti,”Kubva munguva yadarika tange tine dambudziko rekuti isu vatambi vemitambo ndisu tange tichiona mitambo yedu tega. Zvakanaka kuti sevakotsveri vemitambo padandaro iri vanyanyewo kumhanya nezvirongwa zvinoita kuti vatsigiri vemitambo vade kuuya vachiona mitambo.”

Comments

Popular Posts