Mupfudzi wemombe





Mapfura

Mapfura asati aibva
Mupfura unobereka mapfura. Mupfura unobereka mapfura. Mapfura anosvinwa kana ayibva achibuda muto unozogadziriswa kadoro kanokora zvokuti huya hande. Kadoro aka kanodaidzwa kunzi mukumbi. Mukumbi unokora zvokuti anenge aumwa anokurudzirwa kusatambira pedyo nemvura nekuti anogona kunyura akarasikirwa neupenyu. Mukumbi unokora zvokuti kana munhu akarara akakoriwa nawo akamuka achigeza anobva akoriwa zvakanyanya. Munguva yekumwiwa kwemukumbi iri pakati pemwedzi waKukadzi nekupera kwaKurume kunzvimbo zhinji dzakanomwiwa kunogaroita mapope akawanda kwazvo uye ndufu dzinosakiswa nekukorwa nemukumbi. Mukumbi unotombonzi uregedzwe kumwiwa. Munguva iyoyi vamwi vemukumbi vanokurudzirwa kunge vasisatengeserani mukumbi kana nguva dzenhanhatu manheru dzakwana.
Zvino kana mhodzi dzamapfura dzaoma dzinozotakwa navakomana navasikana vachitamba mahumbwe uye vakweguru vachivavarira kuwana shomwe. Shomwe dzinonaka chose. Kana dzikaiswa munyu dzinonaka kana zviya vanhu vachimwa doro. Dzinodyiwawo nevanhu vese vanofarira kudya kunonaka kwemichero. Shomwe kudya kunogona kutengeswa zviya kana kwagadzirwa kuchiunzira mhuri upfumi.

Nzvirumombe

Nzvirumombe dzisati dzaibva
Kupfudza mombe kunonakidza chose. Kana vapfudzi vemombe vaenda kundopfudza mombe vanodya michero yakasiyana-siyana. Michero ine nguva yayo yainoidyiwa. Nzvirumombe umwe wemuchero unodyiwa nguva yekupfudza mombe. Nzvirumombe dzinowanzoibva munguva yekudyiwa kwezhizha. Kana vapfudzi vaenda vanobva vaenda zvachose zvokuzodzoka kudzimba manheru. Ko kumba vanodzokerei zvavo ivo vachidya zvavo kudya kwemichero kunonaka, kuchigutsa uye kuchivaka muviri. Nzvirumombe dzinotanga dzine ruvara rwenduru dzichiswedera kuenda kuruvara rushava kana dzoibva. Dzinogonawo zvakare kudyiwa kana dzava kundooma.


Howa hwedindindi

Dindindi
Howa hwedindindi hwunonzi hahudyiwi husina kuomeswa. Zvinonzi howa uhwu hune munyepfu wakawanda izvo zvinoita kuti kana hukabikwa husina kuomeswa husaibva nekukasika. Hauibvi nekubikwa kamwechete. Hana husina kuoma hahunaki. Asi kana hwaomeswa hukazobikwa mudovi haiwaiwa mutakunazva chaiwo kudya kwacho zvokuti rurimi runoita serudambuka nekuzipirwa.


Gurwe

Mwana wegurwe anonzi dumbuzenene. Dumbuzenene rinowanzowanikwa munguva yekutanga kunaya kwemvura. Dumbuzenene rinodya mashizha ebundo rakasiyana-siyana kana raitira matutu kunze kwemunda. Kana rikatutira matutu aro mumunda dumbuzenene rinodya mashizha embesanwa. Pane imwe nguva rinogumbura nekuti kudimbura mbesanwa zvokutobva yafa zvachose kunyanya zviya dzichiri diki. Kana zvino dumbuzenene rakura kuva gurwe usavi hunonaka chose. Gurwe rinambava zvokuti rinobhururuka. Gurwe rinorira zvingangoda kuita sezvinoita nyenze. Gurwe rinosumudza mambava aro zviya kana richirira.
Gurwe rinobatwa nekuchera uchitevedza mwena waro. Zvino kana uchitevedza mwena wegurwe haufaniri kutevedza nemunwe nekuti unogona kunge wakapindwa nerwambura kana nenyoka chaiyo. Unotevedza nechimuti. Mamwe makurwe akachenjera anochera mwena achitsindira ozousiya wakavhurika pava paya. Gurwe rinotakura kudya kwaro rokuunganidza parinogara paanonzi pamusha paro. Iro gurwe rakachenjera zvokuti rine musuwo wekutiza nawo kana hondo yauya unodaidzwa uchinzi chide. Nzira inoenda nayo gurwe kuchide inonzi munda wegurwe nokuti ndiyowo yarinoshandisa pakuunza chikafu kumusha.
Imwe nzira yekubata nayo makurwe ndeyekutsindira mwena zviya kana hwava husiku mumwedzi muchene paya paanenge achirira. Gurwe rinorira husiku. Rinorira rakanangisa mwena waro kuti kana pane chari vhundutsa robva rangopinda mumwena. Kana kusina mwedzi zviya vanobata makurwe vaitora mapazi echikondekonde chakaoma vobatidza mwoto. Chikondekonde chikabatira moto hachidzimi, chinoita zhenje rinovhenekera vabati vamakurwe kuti vaone pavanofamba uye panenge pane gurwe. Mwenje ndewekuti vabati vemakurwe vasarumwa nenyoka vadzitsika vasingaoni.
Zvino zvinenge zvichiti umwe ndewekuvhenekera umwewo ndewekuvhara mwena wegurwe kuti risadzokera mumwena kwakuribata rapusisiswa nemwenje wezhenje. Kana waribata wotswanya musoro nokubviza zvimakumbo zveshure zvinobaya nokuti ukasadaro rinobva raita zviya zveparumbo rwaOliver Mutukudzi paanoti, ‘otherwise bhururu gone’. 

Vavaki vemizinda

Ukaona masvosve ari pabasa unobva waziva kushanda kwawo kwemuumwe. Hazvineni kuti zvigogoba, mhamhasi, magandira, magadzishava kana api zvawo masvosve kana asvika pabasa unoona umwe hwawo pamwe nekushanda kwawo kusiri kwekugomberdzerwa. Kana vanhu vakatanga kushanda kusina kugombedzerwa sekwemasvosve budiriro inovapo inoshamisa. Chinonetsa munhu ndechekuti anoda kuva mukuru nepasinei nehukuru, kuda kuzvitutumadza nepasinei nekuzvitutumadza, kuda kunzi ndini nepasinei nekuda kuonekwa. Izvi ndizvo zvakuvadza budiriro yemhuri, musha nenyika yedu. Kuda kuonekwa nekunzwika simba. Zvinoita masvosve zvinodzidzisa kurongeka. Anoda kurongeka ngaadzidze kubva kumasvosve ayo anongova mumhuri imwechete nemajuru anodzidzisa humwe nekushanda nesimba. Kana uchida kuvaka muzinda masvosve ndiwo mucherechedzo wevavaki vemizinda.


Magangemukange


Magangemukange ari pabasa kuvaka musha wawo.
Magangemukange masvosve matema uye mahombe. Anonhuwa kana ashatirwa iri nzira yokuti mhandu dzawo dzitize. Kana dzikaramba dzichiswedera pedyo naro rine rumborera rwakaita kunge rwemago kana nyuchi urwo anoshandisa kurwisa mhandu dzawo. Magangemukange anoshandiswa zvakanyanya navabati vezvikumbwe. Vapfudzi vemombe ndivo vabati vezvikumbwe zviya kana mombe dzavo dzakazumba mushana mumumvuri dzaneta kufura. Vabati vezvikumbwe ava vanobairira rumbuswa mugangemukange nekumuromo kwaro vobva variisa mumwena wechikumbwe icho chinozotiza kunhuwirwa kana kurumwa nerumborera rwegangemukange. Pachinobuda panze chichitiza chinobva chasvikowira mumaoko emupfudzi wemombe. Izvi ndizvo zvinoitwa zvakare vapfudzi kana vachishandisa mhamhasi kubata zvikumbwe.

Comments

Popular Posts