Maonero aJoromiyo nezveruremekedzo rweNational Arts Merit Awards

Mufananidzo wakabva padandira


Yava nguva yeNatinal Arts Merit Awards (NAMA) zvakare. Ino ndiyo nguva yekuti vadavadi vakadavadika zvakaisvonaka mumwaka uno vazviwanire ruremekedzo. Ruremekedzo rwekunyora mabhuku, kunyandura vanhu nenduri, kudzana, kuveza, kutara mifananidzo, kuimba pamwe netamba mitambo yekuyedzesera. Panoti mwedzi waMbudzi ware ndipowo panogumira kutambirwa kwmapepa eavo vanoda kupinda mukupiwa ruremekedzo rweNAMA mumapoka akasiyanasiyana aya. Hazvinei kuti mudavadi anodavadika ari kupi, chinodiwa chete kuti mudavadi atambidza mapepa ake ekupindisa mururemekedzo urwu kuNAtional Arts Council of Zimbabwe iyo inozoapa kushasha mbongorori dzetsika nemitambo idzo dzinozoona kugona kwemudavadi kukunda vamwe pakugona kudavadika muboka rake rehudavadi.
Maonero aJoromiyo anoti kudai NAMA yayedza kuvandudza hurongwa hwayo hweruremekedzo rwavadavadi urwu nekushandidzana nevemakambani kuti vatsigire zvehudavadi nekutsigisa boka rimwe nerimwe reruremekedzo urwu neshawo dzawo kana mazita emakambani aya. Pane kungoti zvose zvinoitwa naiyo NAMA ingadai yakwezvawo vemakambani kuti vauye vachitsigira mibayiro yacho inopiwa vadavadi nenzira yekupa mibairo inopiwa vadavadi ava mazita emakambani anenge achitsigira NAMA.
Izvi ndizvo zvinoitwa nehumwe hurongwa hweruremekedzo rwakaita serwevatapi venhau rweNational Journalism And Media Awards (NJAMA) uyewo rweZim Trade. Maonero aJoromiyo auya mushure mekuona kuti kunyange vadavadi vari ivo vanoita kuti kurema kweupenyu kureruke mibayiro yavo haina vanotsigira. Mhuri dzinovaraidzwa navadavadi asi zvakadaro ruremekedzo rwavo runogarova rusina anotsigira.
Vadavadi vazhinji vanogarochema mushure mekunge vapiwa mikombe nezvitupa pasina kutsigirwa nemari. Kunyange mari zvayo isiyo chinangwa chekuti vadavadi vadavadikire seruremekedzo paNAMA, zvakanaka kuti iwanikwe vanenge vawana mikombe vagoratidzawo zvakauya nekuwana mikombe yeNAMA.
Vemakambani ngavasangomirirawo kutsvetsvwa neNAMA asi ngavawanikwewo vachiratidza chido chekutsigira ruremekedzo rweNAMA urwu nemari. Izvi zvinoratidza kuti variyo uye vanofarira vadavadi. Kana vachimbokwanisa kuti vaite vadavadi zvimiro zveshawo dzavo vanofanirawo kutsigira ruremekedzo rwavo. Sekutsigira kwavanoita mitambo yeudavadi yeHIFA, Dzimbahwe Arts Festival, Chimanimani Arts Festival, Intwasa Arts Festival koBulawayo, Shonganiso Arts Festival nemamwe makuwerere ehudavadi kumatunhu akasiyanasiyana munyika, ndizvowozve zvaaifanira kuita pakuremekedza vadavadi vemuZimbabwe vanodadisa kudai nekufambisira mberi tsika namagariro avanhu veZimbabwe. Chokwadi ane nzeve ngaanzwe vadavadi vasekererewo kana vachinge varemekedzwa.
Maonero aJoromiyo haasi kuti kupiwa mukombe nechitupa harusi ruremekedzo kwete, asizve zvinoda kuti mudavadi azoti munoonawo here icho chimire apo icho ndicho chakabva paruremekedzwa rwandakapiwa uya mwaka wandaveza mazwi zvakafadza vanhu munyika yose ikagutsikana kuti ndaveza mazwi.     

Comments

Popular Posts