mai pachinyakare

Mai ndivo vaiziva kuchengeta musha. Mai ndivo muridzi wemusha. Ndiko saka zvichinzizve musha mukadzi. Ndiko saka zvichiti kana baba vakatanga kuita misaikunzwa vanobva vabva pamusha vachisiya muridzi wemusha aripo ivo vachndogara kumwe. Ndzozve zvaiita kuti vanababa vakumbire varidzi vemisha kuti vavatendere kujunza umwe mudzimai pamusha. ndizvozve zvaiita kuti sezvo musha uri mukadzi uyewo mai varivo muridzi wemusha, mai vanenge vatanga kusvika pamusha uyu avo vanodaidzwa nokuti vahosi vagova ivo mukuru wemamwe madzimai ose. Zvaidaro nokuti ndivo vainzi nyakutanga kusvika. Makoreyo ndivozve vainzi vanenge vabvisa murume wavo mugota kana kuti vanenge vamubvisa muujaya vachimupa chiremera chekunzi baba. Mai vaikosha zvikuru. Kune mamwe madzinza mudzimai iyeyu aisarambwa kunze kwekunge aita zvinhu zvaityisa chose zvakaita seufeve.
Mai ndivo muridzi wababa. Mai ndivo muridzi wezvinoshandwa nababa zvose. Ndivo vanochengeta dura uye ndivo vanoziva kuti zviri mudura zviboshandiswa sei. Baba havaigona kutora chinhu mudura mai vasingazivi. Mai vaibvumidzwa kurima mbeu dzinounza upfumi mumusha dzakaita senzungu, nyimo, nyemba uye nechibage neimwe nguva. Mbeu idzi hapana aigona kutaura pamusoro padzo. Baba chaivo kana vachida kukanga nzungu, maputi, kana kupisira nzungu vaitokumbira mai kuti vavavazhire. Kana mai vasipo baba vangobatwa nehave yekuda nzungu kusvikira paizodzoka mai.
Mai havasi munhu wekutamba naye. Mai ndivoka vanopakurira mhuri yavo chokudya. Hupenyu hwemhuri yose hwakabatwa namai. Kana vakada kuti mhuri yose iparare vanogona kuzviita nyore. Kana mai vasipo mhuri yose ine kunetseka kukuru uko kunoita kuti pane imwe nguva vanasikana vatize pamusha vachinovaka dzimba vari vadiki. Mai vanoziva baba nemwoyo wavo izvo zvinogona.
Nguva zhinji yamai yaiva yekusumudza zita redzinza rekwavakaroorwa. Kwavakabva kwaizokudzwa zvikuru kana mai vachinge vabudirira mukubatsira murume wavo. Kugona kwamai kwaiita kuti baba vahwe manyawi zvokusvika pakupa vakarabwa vavo mombe yekutenda isinei nechekuita nedanga. Iyi yaiva mombe yekutenda vakarabwa kuti vakagona kuraira mwanasikana wavo uyo arikuita kuti zita rokwaakarorwa ripembedzwe nekukudzwa. Kugona kwamai kwaisakisa kuti vapiwe mombe yokuvatenda nomurume wavo. Ko ndiko kugarisana kwakanakazve kwaiunzwa namai vane mutsa.
Pfuma yamai haisiyo yaitarisirwa kuti ndiyo ichakudza vana. Pfuma yamai hayaibvunzwa nababa. Kana baba vasina pfuma vaitokumbira vachiziva kuti vachazodzosera mai pfuma yavo. Mai vaiwana pfuma kubva mutseu yavo. Mai vaigonazve kuwana pfuma kubva mukuva nyamukuta, murapi, kuumba hari, kuruka seme uye kudzidzisa vana vedzimwe unhu nehumunhu. Asi pfuma yavo yaisabatwa. Kana ikadyiwa yaitoripwa. Ndizvo zvaisakisa kuti dzimwe mhuri dzisazova nomufaro nokuti dzinenge dzakamonerwa nemweya wamai unenge uchida pfuma yawo.
Mai havatukwi. Kutuka mai kushura kutanda botso. Mai havarohwe zvakare. Kurova mai kushuva kutanda b otso zvakare. Mai vaisarohwa nababa nokuti baba vaivatora senyenyedzi yavo. Mai vaisanyanya kushandiswa mabasa anorema nokuti baba vaida kuti runako rwaamai rusangoputswa nokupiswa nezuva vachiita mabasa. Mai vaiva ndiwo mwenje unopinza vana nemhuri yekwavakaroorwa muchiedza.
Mai ndivo vanodzidzisa vana kutaura. Ndikozvewo mutauro uri rurimi rwaamai. Mai vanodzidzisa mwana kutaura nyaya nekuita ngano. Mai ndisarungano uye ndivo vanodzidzisa mwana wavo musiyano weizwi rekutaura, kushaura, nokuchema. Mai ndivo vanoumba mwana wavo. Kana iri yekubika iyi aiwazve inotobva kuna mai. Ndiko sakaka zvichinji chikafu chinodyiwa nemukuwasha chakafanana nechinodyiwa nemukarabwa wake.

Comments

Popular Posts