hapana akati hwava!

Handina nharo nevanoti nyarara. Ndakaramba kutaura nezuro ndanzi taura zvatakudza. Ini ndokuti ko zvamune miromo madii mataura zvamunoda kuti zvizivikanwe. Umwe nokufarisa kwakutonditi ungwarire kuti tinokusvitsa bonda, ini ndokutoseka zvangu sendisina kumunzwa. Iye kwakutozvimbirwa kuti ndinosekei. Ndakazomuudza kuti bonda handiro rinoita kuti nditaure. Kana iri yerufu iyi ndinoziva zvainoreva. Kufa hakutsvakwi asizve kana kwouya hakuna basa nokuti uri ani? Zvino ini ndingava aniwo zvangu ndinotya kufa kana kwouya? Daizve kwaitizwa nokutaura mashoko handiti vose vakatsamira nyika vasina kufamba urwu rwendo?
Ndakaona hasha dzake dzanyanyisa kuwanda ini ndokutowedzera kuseka. Ndokupika ndichiti zvamareva izvi ini handizvirevi. Ini ndine zvandinobvuma kwazviri zvandichataura nemutowo wangu. Hapana akarambidza vanhu kutaura zvavanoda. choda kuti mutume ini mashoko enyu chii? Ndakaona vangoti kanha nazvo. Umwe wavo ndokuuya achiti tinoziva mabasa awakaita asina maturo asati azivikanwa nenyika. Ukasataura zvatakaudza tichaataura. Ndakawedzera kuseka chikuwe chaicho. Zvakamushatirisa kkuti ndaiseka mashoko ake. Ndokubva atonditi dzangu dzainge dzave zvadzo kutopesana. Ini ndokumuti hadzina kupesana asi zvaareva zvinosetsa. Kana zviri zvandakaita hazvina basa nokuti ndini ndakazviita. Kana dziri mhosva dzangu rega dzinditevere. Ko ndinotyei zvangu ini ndiri mupenyu munyika. Dura zvose zvaunoziva pamusoro pangu vanhu vazvizive. Ndikoka kuti vagoziva kuti ndiri munhu wakaita sei. Handina chekuvanza ini. Mikuyu yose iri pamutariro iburitse panze vanhu  vaione. Ndikoka kuti vagoziva mhuka dzakadonha nerangu pfumo.
Zvikanzi noumwewo wacho, usafunga kuti wakangwara. Kana totamba newe neunhu hwako hatirevi chokwadi chezvawakaita asi tinoreva nhema dzogadzoga. Ndakabva ndatowira pasi nokuseka. Akanditi unosekeiko nhaiwe? Asi dzatozodambuka chaiko? Ini ndokuti zvangu kwete. Nhema pamusoro pangu hadzichisi. Handingatauri nhema kuti vanhu vasareva nhema pamusoro pangu. Vanoreva nhema pamusoro pangu havana basa nokuti kuchamuka vanoreva chokwadi pamusoro pangu izvo zvichapa varevi venhema nhamo yokudemba kuti vakareverei nhema dzacho. Handina kana hanya nazvo, revai dzose nhema dzakabika pamusoro pangu muone kana dzichikupai chimuko.
Akabva ati iye, kana tikareva nhema tinoziva kuti uchaonda kusara usisina moyo nekufunga kuti zvino ungagadzirisa nhema idzi sei? Venhau vanenge vachikushaisa mufaro nenhare dzavo vachida kuti utaure chokwadi. Ndakaumburuka zvangu nokuseka. Ndkichimuudza kuti handivhari vanoda nhema dzenyu kana kudzinzwa. Nguva yechokwadi kana yakwana nenhema dzichatama. Ndinotaura chete kana nguva yechokwadi yasvika. ndinotaura chete kana nguva yechokwadi yaiita. Hapana akanzi hwava kureva chokwadi. Asi wenhema moyo uchadzimbwa chokwadi chati pachena yacha.
Ndakazoona vangoti misoro to-o!

Comments

Popular Posts